< VaHebheru 5 >

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.
事實上,每位大司祭是由人間所選拔,奉派為人行關於天主的事,為奉獻供物和犧牲,以贖罪過,
2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.
好能同情無知和迷途的人,因為衪自己也為弱點所糾纏。
3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
因此衪怎樣為人民奉獻贖罪祭,也當怎樣為自己奉獻。
4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.
誰也不得自己擅取這尊位,而應蒙天主昭選,有如亞郎一樣。
5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”
照樣,基督也沒有自取做大司祭的光榮,而是向衪說過:『你是我的兒子,我今日生了你』的那位光榮了衪;
6 Uye akati, pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn g165)
衪又如在另一處說:『你照默基瑟德的品位,永做司祭。』 (aiōn g165)
7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.
當衪還在血肉之身時,以大聲哀號和眼淚,向那能救衪脫離死亡的天主,獻上了祈禱和懇求,就因衪的虔敬而獲得了俯允。
8 Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake
衪雖然是天主子,卻由所受的苦難,學習了服從,
9 uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera (aiōnios g166)
且在達到完成之後,為一切服從衪的人,成了永遠救恩的根源, (aiōnios g166)
10 uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.
遂蒙天主宣稱為按照默基瑟德品位的大司祭。
11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.
關於這事我們還有許多話要說,但是難以說明,因為你們聽不入耳。
12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.
按時間說,你們本應做導師了,可是你們還需要有人來教導你們天主道理的初級教材;並且成了必須吃奶,而不能吃硬食的人。
13 Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.
凡吃奶的,因為還是個嬰孩,還不能瞭解正義的道理;
14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.
唯獨成年人纔能吃硬食,因為衪們的官能因著練習獲得了熟練,能以分辨善惡。

< VaHebheru 5 >