< VaHebheru 4 >
1 Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.
Let vs feare therefore, least at any time by forsaking the promise of entring into his rest, any of you should seeme to be depriued.
2 Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.
For vnto vs was the Gospel preached as also vnto them: but the worde that they heard, profited not them, because it was not mixed with faith in those that heard it.
3 Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
For we which haue beleeued, doe enter into rest, as he said to the other, As I haue sworne in my wrath, If they shall enter into my rest: although the workes were finished from the foundation of the world.
4 Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”
For he spake in a certaine place of the seuenth day on this wise, And God did rest the seuenth day from all his workes.
5 Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
And in this place againe, If they shall enter into my rest.
6 Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
Seeing therefore it remaineth that some must enter thereinto, and they to whom it was first preached, entred not therein for vnbeliefes sake:
7 Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
Againe he appointed in Dauid a certaine day, by To day, after so long a time, saying, as it is sayd, This day, if ye heare his voyce, harden not your hearts.
8 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.
For if Iesus had giuen them rest, then would he not after this haue spoke of an other day.
9 Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;
There remaineth therefore a rest to the people of God.
10 nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
For he that is entred into his rest, hath also ceased from his owne works, as God did from his.
11 Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
Let vs studie therefore to enter into that rest, lest any man fall after the same ensample of disobedience.
12 Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
For the worde of God is liuely, and mightie in operation, and sharper then any two edged sword, and entreth through, euen vnto the diuiding asunder of the soule and the spirit, and of the ioints, and the marow, and is a discerner of the thoughtes, and the intents of the heart.
13 Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
Neither is there any creature, which is not manifest in his sight: but all things are naked and open vnto his eyes, with whome we haue to doe.
14 Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.
Seeing then that wee haue a great hie Priest, which is entred into heauen, euen Iesus the Sonne of God, let vs holde fast our profession.
15 Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
For we haue not an hie Priest, which can not be touched with the feeling of our infirmities, but was in all things tempted in like sort, yet without sinne.
16 Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
Let vs therefore goe boldly vnto ye throne of grace, that we may receiue mercy, and finde grace to helpe in time of neede.