< VaHebheru 3 >

1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.
Chobulyo, bakwangu banjolola, basupitwe kuliyabela zakwiwulu. Muzeze kuamana ni Jesu, mwapositola ni muprisita mukulwana utuliwamba kakwe.
2 Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.
Abakusepahala kwa Ireeza, uzo abamuketi, sina ubu nji Mushe mwa basepahalili muzubo ya Ireeza.
3 Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.
Mukuti Jesu abali kusepahala hahulu mwikanya kuhita Mushe, kakuti muzaki wezubo ukutekeha hahulu kuhita izubo kasibili.
4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.
Mukuti izubo yose izakwa muntu, kono yozaka zonse nji Ireeza.
5 Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
Kwiyaza limwi, Mushe abali muhikana yabali kusepahala mwizubo yonse ya Ireeza. Abali ipaki kuamana ni kupaka zakubusu.
6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
Kono Christe Mwana njoyelele muzubo ya Ireeza. Twizubo yakwe haiba ni tukwatilila kwisepo yetu ni bwikumuso butuzumina kubuli.
7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
Chobulyo, kwina neza sina mulutela Luhuho Lujolola: “Sunu, haiba nimuzuwa inzwi lyakwe
8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje,
sanzi mukukutuhazi inkulo zenu sina munako zakusandukilwa, mwinako zakulikwa mwihalaupa.
9 mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
Iyi ibali inako ibakuku ubakuku wenu habanisandukila chakunilika, imi linu, muzilimo zina makumi wone bababoni mitendo yangu. Chobulyo kananitabiswa una murahi.
10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’
Chinati, 'bahitizwe zintu zibilala mukulo zabo inako yonse. Kana babazibi inzila zangu.'
11 “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, “‘Havangazopindi pazororo rangu.’”
Kuswana bulyo ni munibakokeli chakubenga kwangu: 'Kabakafwe kwinjila mwipumulo yangu.'”
12 Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.
Mutokomele, bakwangu, chokuti mukati kenu sanzi kuwaniki nangati umwina winjililwa luhuho lubilala mwikulo lwakusazumina, inkulo ifutata kuzwa kwa Ireeza yohala.
13 Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.
Nihakuba bulyo, mususuwezane izuba ni zuba, nihakutewa kuti nji “Sunu,” njokuti sanzi nikuwaniki mukati kenu yokukutuhazwa chakuchengelelwa chive.
14 Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.
Mukuti tubabi chiyemba kwa Christe haiba ni tukwatilila kwisepo yetu itwina kwali kuzwa kutanzi kuya kumamanimani.
15 Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.”
Kono inzi zibawambitwe, “Sunu, haiba nozuwa inzwi lyakwe, sanzi mukukutuhazi inkulo zenu, sina munako yabusandukili.
16 Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?
Njibani babamuzuwi Ireeza ni kumusandukila? Kahena kuti njibona babo babakazwi ni Mushe mwa Egepita?
17 Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?
Njibani babo bababengeli makumi azilimo zone? Kahena kuti njibona babo babapangi chive, basimili ifwile ibawili mwihalaupa?
18 Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?
Njikubani kwabawoli kukonka kaluchi kuti ketenibawole kukenjila mupumulo yakwe?
19 Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
Imi tubona kuti kanababali kuwola kwinjila mupumulo yakwe chebaka lyakusazumina.

< VaHebheru 3 >