< VaHebheru 3 >

1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.
Therefore, holy brothers, comrades of a heavenly calling, fix your thoughts then upon Jesus, the Apostle and High Priest of our confession.
2 Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.
How faithful he was to the God who appointed him! For while Moses also was faithful in all God’s house,
3 Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.
Jesus has been counted worthy of greater glory than Moses, inasmuch as he who has built a house has higher honor than the house itself.
4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.
For every house has its builder; but he who built the universe is God.
5 Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
And Moses indeed was faithful in all his house as a servant, bearing testimony to a witness about to be spoken;
6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
but Christ as a Son in his own house; and we are that house, if we retain the cheerful courage and pride of our hope firm unto the end.
7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
Therefore, as the Holy Spirit says. If you hear God’s voice today,
8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje,
Continue not to harden your hearts as in the Provocation, On the day of temptation in the wilderness,
9 mandakaedzwa namadzibaba enyu uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
When your forefathers tried my forbearance And saw my deeds for forty years.
10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo, uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka, havana kuziva nzira dzangu.’
For this reason I was sore displeased with that generation, And said, "They are always wandering in their hearts; They have never learned my ways";
11 “Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati, “‘Havangazopindi pazororo rangu.’”
So I swore in my wrath, "They shall never enter into my rest."
12 Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.
See to it, brothers, that there shall never be in any one of you an evil and unbelieving heart, manifesting itself in apostasy from the living God.
13 Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.
On the contrary, encourage each other daily, so long as there is a "Today," so that no one of you is hindered by the deceitfulness of sin.
14 Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.
For we are become comrades of the Christ, if we hold our first title deed firm until the very end.
15 Sezvazvakataurwa zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira.”
In the words of Scripture, Today, if you hear his voice, Do not continue to harden your hearts as at the Provocation.
16 Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?
For who were they that heard and yet provoked him? Was it not all who came out of Egypt under the leadership of Moses?
17 Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?
And with whom was he grieved for forty years? Was it not with those who had sinned, and whose dead bodies fell in the wilderness?
18 Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?
And to whom did he swear that they should never enter into his rest, if not to those who had proved faithless?
19 Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.
So you see that it was through unbelief that they were not able to enter in.

< VaHebheru 3 >