< VaHebheru 2 >

1 Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka.
עלינו להקדיש תשומת־לב רבה לאמת אשר שמענו, כדי שלא נסטה ממנה בשום פנים ואופן!
2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,
שכן אם דברי התורה שמסרו המלאכים למשה רבנו הוכחו כדברי אמת, וכל מי שלא ציית להם קיבל את העונש שמגיע לו,
3 ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.
כיצד נימלט אנחנו מעונש, אם נתעלם מהישועה הנפלאה הזאת שהוכרזה על־ידי האדון, ושסופרה לנו מפי עדים אשר שמעוה מפיו?
4 Mwariwo akarupupurira nezviratidzo, zvishamiso, mabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
אלוהים עצמו העיד עליה והראה לנו שזוהי בשורת אמת, באמצעות אותות, נסים, נפלאות ועל־ידי העובדה שהעניק, כרצונו, מתנות וכישרונות מאת רוח הקודש לכל המאמינים בבשורה.
5 Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.
העולם הבא שעליו אנו מדברים לא יהיה בשליטת המלאכים,
6 Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti: “Ko, munhu chii zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
שהרי דוד אומר לאלוהים:”מה אנוש כי תזכרנו, ובן־אדם כי תפקדנו?
7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
ותחסרהו מעט ממלאכים, וכבוד והדר תעטרהו,
8 uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.” Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.
כל שתה (הנחת) תחת רגליו“. שימו לב שכתוב כי אלוהים הניח לרגליו הכול; אין דבר שלא הוכנע והונח לרגלי המשיח! עדיין לא ראינו את הכול מונח לרגליו,
9 Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.
אך אנו רואים את ישוע – שלזמן מה נהיה נחות מהמלאכים – מעוטר על־ידי אלוהים בהדר ובכבוד, משום שסבל למעננו עד מוות. כן, על־שום חסדו של אלוהים טעם המשיח מוות בעד כל אדם בעולם.
10 Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.
האלוהים, שעל־ידו ולכבודו קיים הכול, מצא לנכון להביא סבל על ישוע, כי במעשה זה הושיע אנשים רבים מספור. ובאמצעות הסבל נעשה ישוע, שר ישועתנו, מושלם וראוי לתפקידו.
11 Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.
אנחנו שקודשנו על־ידי ישוע, כולנו בנים לאותו אב ולכן ישוע אינו מתבייש לקרוא לנו אחים,
12 Anoti, “Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”
כפי שאמר:”אספרה שמך לאחי, בתוך קהל אהללך“.
13 Uyezve anoti, “Ndichavimba naye.” Uyezve anoti, “Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”
במקום אחר הוא אומר:”קויתי לו“. והוא גם אומר:”הנה אנכי והילדים אשר נתן לי ה׳“.
14 Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori
מכיוון שאנחנו, הילדים, עשויים בשר ודם, גם המשיח לבש דמות בשר ודם, כדי שעל־ידי מותו יכריע את השטן אשר לו שליטה על המוות.
15 uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.
בדרך זאת שיחרר המשיח את כל אלה שהיו משועבדים לפחד מן המוות במשך כל ימי חייהם.
16 Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.
כולנו יודעים שהמשיח לא בא בדמות מלאך, אלא בצורת אדם מזרע אברהם – כיהודי.
17 Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake munzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.
ישוע צריך היה להידמות לאחיו בכל דבר, כדי שיוכל להיות כוהן גדול, רחמן ונאמן, שמכפר על חטאינו בעיני אלוהים.
18 Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.
מכיוון שהמשיח עצמו סבל והתענה כשהשטן ניסה לפתותו, הוא יכול לעזור עתה לכל אלה שעומדים בניסיונות ובפיתויים.

< VaHebheru 2 >