< VaHebheru 13 >

1 Rambai mune rudo pakati penyu sehama.
Go on loving your brothers in the faith.
2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
Take care to keep open house: because in this way some have had angels as their guests, without being conscious of it.
3 Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
Keep in mind those who are in chains, as if you were chained with them, and those who are in trouble, as being yourselves in the body.
4 Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
Let married life be honoured among all of you and not made unclean; for men untrue in married life will be judged by God.
5 Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.”
Be free from the love of money and pleased with the things which you have; for he himself has said, I will be with you at all times.
6 Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”
So that we say with a good heart, The Lord is my helper; I will have no fear: what is man able to do to me?
7 Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo.
Keep in mind those who were over you, and who gave you the word of God; seeing the outcome of their way of life, let your faith be like theirs.
8 Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. (aiōn g165)
Jesus Christ is the same yesterday and today and for ever. (aiōn g165)
9 Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.
Do not be turned away by different strange teachings, because it is good for your hearts to be made strong by grace, and not by meats, which were of no profit to those who took so much trouble over them.
10 Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.
We have an altar from which those priests who are servants in the Tent may not take food.
11 Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.
For the bodies of the beasts whose blood is taken into the holy place by the high priest as an offering for sin are burned outside the circle of the tents.
12 Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.
For this reason Jesus was put to death outside the walls, so that he might make the people holy by his blood.
13 Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.
Let us then go out to him outside the circle of the tents, taking his shame on ourselves.
14 Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.
For here we have no fixed resting-place, but our search is for the one which is to come.
15 Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.
Let us then make offerings of praise to God at all times through him, that is to say, the fruit of lips giving witness to his name.
16 Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
But go on doing good and giving to others, because God is well-pleased with such offerings.
17 Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu.
Give ear to those who are rulers over you, and do as they say: for they keep watch over your souls, ready to give an account of them; let them be able to do this with joy and not with grief, because that would be of no profit to you.
18 Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
Make prayers for us, for we are certain that our hearts are free from the sense of sin, desiring the right way of life in all things.
19 Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.
I make this request more strongly, in the hope of coming back to you more quickly.
20 Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, (aiōnios g166)
Now may the God of peace, who made that great keeper of his flock, even our Lord Jesus, come back from the dead through the blood of the eternal agreement, (aiōnios g166)
21 ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
Make you full of every good work and ready to do all his desires, working in us whatever is pleasing in his eyes through Jesus Christ; and may the glory be given to him for ever and ever. So be it. (aiōn g165)
22 Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku.
But, brothers, take kindly the words which I have said for your profit; for I have not sent you a long letter.
23 Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai.
Our brother Timothy has been let out of prison; and if he comes here in a short time, he and I will come to you together.
24 Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai.
Give words of love from me to those who are rulers over you, and to all the saints. Those who are in Italy send you their love.
25 Nyasha ngadzive nemi mose.
May grace be with you all.

< VaHebheru 13 >