< VaHebheru 12 >

1 Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.
Therefore, surrounded as we are by such a vast cloud of witnesses, let us fling aside every encumbrance and the sin that so readily entangles our feet. And let us run with patient endurance the race that lies before us,
2 Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
simply fixing our gaze upon Jesus, our Prince Leader in the faith, who will also award us the prize. He, for the sake of the joy which lay before Him, patiently endured the cross, looking with contempt upon its shame, and afterwards seated Himself-- where He still sits--at the right hand of the throne of God.
3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
Therefore, if you would escape becoming weary and faint-hearted, compare your own sufferings with those of Him who endured such hostility directed against Him by sinners.
4 Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.
In your struggle against sin you have not yet resisted so as to endanger your lives;
5 Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye,
and you have quite forgotten the encouraging words which are addressed to you as sons, and which say, "My son, do not think lightly of the Lord's discipline, and do not faint when He corrects you;
6 nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
for those whom the Lord loves He disciplines: and He scourges every son whom He acknowledges."
7 Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?
The sufferings that you are enduring are for your discipline. God is dealing with you as sons; for what son is there whom his father does not discipline?
8 Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi.
And if you are left without discipline, of which every true son has had a share, that shows that you are bastards, and not true sons.
9 Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama!
Besides this, our earthly fathers used to discipline us and we treated them with respect, and shall we not be still more submissive to the Father of our spirits, and live?
10 Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.
It is true that they disciplined us for a few years according as they thought fit; but He does it for our certain good, in order that we may become sharers in His own holy character.
11 Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.
Now, at the time, discipline seems to be a matter not for joy, but for grief; yet it afterwards yields to those who have passed through its training a result full of peace--namely, righteousness.
12 Naizvozvo, simbisai maoko akaneta namabvi anoshayiwa simba.
Therefore strengthen the drooping hands and paralysed knees,
13 “Gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama,” kuitira kuti anokamhina arege kuva akaremara, asi kuti aporeswe.
and make straight paths for your feet, so that what is lame may not be put entirely out of joint
14 Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.
but may rather be restored. Persistently strive for peace with all men, and for that growth in holiness apart from which no one will see the Lord.
15 Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anorasikirwa nenyasha dzaMwari kuitira kuti mudzi wokuvava urege kumera kuti ugotambudza uye ugosvibisa vazhinji.
Be carefully on your guard lest there be any one who falls back from the grace of God; lest any root bearing bitter fruit spring up and cause trouble among you, and through it the whole brotherhood be defiled;
16 Chenjerai kuti kurege kuva nevanoita upombwe, kana nousina umwari saEsau, uyo akatengesa nhaka youdangwe hwake nokuda kwokudya kamwe chete.
lest there be a fornicator, or an ungodly person like Esau, who, in return for a single meal, parted with the birthright which belonged to him.
17 Nokuti sezvamunoziva kuti pashure akati oda kugamuchira nhaka yokuropafadzwa, akarambwa. Nokuti haana kutendeuka, kunyange zvake akatsvaka mukomborero uyo nemisodzi.
For you know that even afterwards, when he wished to secure the blessing, he was rejected; for he found no opportunity for undoing what he had done, though he sought the blessing earnestly with tears.
18 Hamuna kumboswedera kugomo ringabatwa namaoko uye rinopfuta nomoto; kurima, kukusviba uye nokudutu guru;
For you have not come to a material object all ablaze with fire, and to gloom and darkness and storm and trumpet-blast and the sound of words--
19 kukurira kwehwamanda kana inzwi rinotaura mashoko zvokuti vaya vakarinzwa vakakumbirisa kuti varege kuudzwazve rimwe shoko,
a sound of such a kind that those who heard it entreated that no more should be added.
20 nokuti vakanga vasingagoni kutakura zvakanga zvarayirwa sokuti: “Kunyange kana mhuka ipi zvayo ikabata gomo, inofanira kutakwa namabwe.”
For they could not endure the order which had been given, "Even a wild beast, if it touches the mountain, shall be stoned to death;"
21 Chakaonekwa chaityisa zvokuti Mozisi akati, “Ndiri kudedera nokutya.”
and so terrible was the scene that Moses said, "I tremble with fear."
22 Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro,
On the contrary you have come to Mount Zion, and to the city of the ever-living God, the heavenly Jerusalem, to countless hosts of angels,
23 kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa,
to the great festal gathering and Church of the first-born, whose names are recorded in Heaven, and to a Judge who is God of all, and to the spirits of righteous men made perfect,
24 kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.
and to Jesus the negotiator of a new Covenant, and to the sprinkled blood which speaks in more gracious tones than that of Abel.
25 Chenjerai kuti murege kuramba iye anotaura. Kana ivo vasina kupunyuka pavakaramba iye akavayambira panyika, ko, kuzoti isu kana tikatsauka kubva kwaari anotiyambira kubva kudenga?
Be careful not to refuse to listen to Him who is speaking to you. For if they of old did not escape unpunished when they refused to listen to him who spoke on earth, much less shall we escape who turn a deaf ear to Him who now speaks from Heaven.
26 Panguva iyo inzwi rake rakazungunusa nyika, asi zvino akativimbisa, achiti, “Ndichazungunusazve kamwe chete, kwete nyika chete, asi nedengawo.”
His voice then shook the earth, but now we have His promise, "Yet again I will, once for all, cause not only the earth to tremble, but Heaven also."
27 Mashoko okuti, “Kamwe chetezve” anoratidza kubviswa kwezvinhu zvinogona kuzungunuswa, izvo zvinhu zvakasikwa, kuitira kuti zvisingagoni kuzungunuswa zvirambe zviripo.
Here the words "Yet again, once for all" denote the removal of the things which can be shaken--created things--in order that the things which cannot be shaken may remain.
28 Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
Therefore, receiving, as we now do, a kingdom which cannot be shaken, let us cherish thankfulness so that we may ever offer to God an acceptable service, with godly reverence and awe.
29 nokuti “Mwari wedu moto unoparadza.”
For our God is also a consuming fire.

< VaHebheru 12 >