< VaHebheru 11 >

1 Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
NOW faith is the substance of things hoped for, the evidence of things not seen.
2 Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka.
For by it the elders obtained a good report.
3 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. (aiōn g165)
Through faith we understand that the worlds were framed by the word of God, so that things which are seen were not made of things which do appear. (aiōn g165)
4 Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
By faith Abel offered unto God a more excellent sacrifice than Cain, by which he obtained witness that he was righteous, God testifying of his gifts: and by it he being dead yet speaketh.
5 Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
By faith Enoch was translated that he should not see death; and was not found, because God had translated him: for before his translation he had this testimony, that he pleased God.
6 Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
But without faith it is impossible to please him: for he that cometh to God must believe that he is, and that he is a rewarder of them that diligently seek him.
7 Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
By faith Noah, being warned of God of things not seen as yet, moved with fear, prepared an ark to the saving of his house; by the which he condemned the world, and became heir of the righteousness which is by faith.
8 Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
By faith Abraham, when he was called to go out into a place which he should after receive for an inheritance, obeyed; and he went out, not knowing whither he went.
9 Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
By faith he sojourned in the land of promise, as in a strange country, dwelling in tabernacles with Isaac and Jacob, the heirs with him of the same promise:
10 Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
For he looked for a city which hath foundations, whose builder and maker is God.
11 Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
Through faith also Sara herself received strength to conceive seed, and was delivered of a child when she was past age, because she judged him faithful who had promised.
12 Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
Therefore sprang there even of one, and him as good as dead, so many as the stars of the sky in multitude, and as the sand which is by the sea shore innumerable.
13 Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
These all died in faith, not having received the promises, but having seen them afar off, and were persuaded of them, and embraced them, and confessed that they were strangers and pilgrims on the earth.
14 Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.
For they that say such things declare plainly that they seek a country.
15 Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.
And truly, if they had been mindful of that country from whence they came out, they might have had opportunity to have returned.
16 Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
But now they desire a better country, that is, an heavenly: wherefore God is not ashamed to be called their God: for he hath prepared for them a city.
17 Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
By faith Abraham, when he was tried, offered up Isaac: and he that had received the promises offered up his only begotten son,
18 kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.”
Of whom it was said, That in Isaac shall thy seed be called:
19 Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa.
Accounting that God was able to raise him up, even from the dead; from whence also he received him in a figure.
20 Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika.
By faith Isaac blessed Jacob and Esau concerning things to come.
21 Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
By faith Jacob, when he was a dying, blessed both the sons of Joseph; and worshipped, leaning upon the top of his staff.
22 Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.
By faith Joseph, when he died, made mention of the departing of the children of Israel; and gave commandment concerning his bones.
23 Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
By faith Moses, when he was born, was hid three months of his parents, because they saw he was a proper child; and they were not afraid of the king’s commandment.
24 Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
By faith Moses, when he was come to years, refused to be called the son of Pharaoh’s daughter;
25 Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
Choosing rather to suffer affliction with the people of God, than to enjoy the pleasures of sin for a season;
26 Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
Esteeming the reproach of Christ greater riches than the treasures in Egypt: for he had respect unto the recompence of the reward.
27 Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
By faith he forsook Egypt, not fearing the wrath of the king: for he endured, as seeing him who is invisible.
28 Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri.
Through faith he kept the passover, and the sprinkling of blood, lest he that destroyed the firstborn should touch them.
29 Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura.
By faith they passed through the Red sea as by dry land: which the Egyptians assaying to do were drowned.
30 Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
By faith the walls of Jericho fell down, after they were compassed about seven days.
31 Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
By faith the harlot Rahab perished not with them that believed not, when she had received the spies with peace.
32 Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita,
And what shall I more say? for the time would fail me to tell of Gedeon, and of Barak, and of Samson, and of Jephthae; of David also, and Samuel, and of the prophets:
33 vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba,
Who through faith subdued kingdoms, wrought righteousness, obtained promises, stopped the mouths of lions,
34 vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
Quenched the violence of fire, escaped the edge of the sword, out of weakness were made strong, waxed valiant in fight, turned to flight the armies of the aliens.
35 Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
Women received their dead raised to life again: and others were tortured, not accepting deliverance; that they might obtain a better resurrection:
36 Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo.
And others had trial of cruel mockings and scourgings, yea, moreover of bonds and imprisonment:
37 Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa,
They were stoned, they were sawn asunder, were tempted, were slain with the sword: they wandered about in sheepskins and goatskins; being destitute, afflicted, tormented;
38 nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika.
(Of whom the world was not worthy: ) they wandered in deserts, and in mountains, and in dens and caves of the earth.
39 Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.
And these all, having obtained a good report through faith, received not the promise:
40 Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigoitwa vakakwana.
God having provided some better thing for us, that they without us should not be made perfect.

< VaHebheru 11 >