< VaHebheru 10 >

1 Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.
Zákon zajisté, maje stín budoucího dobrého, a ne sám obraz těch věcí, jednostejnými obětmi, kteréž po všecka léta obětují, nikdy nemůž přistupujících dokonalých učiniti.
2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
Sic jinak zdaliž by již nepřestaly obětovány býti, proto že by již neměli žádného svědomí z hříchů ti, kteříž obětují, jsouce jednou očištěni?
3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
Ale při těch obětech připomínání hříchů děje se každého roku.
4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
Neboť možné není, aby krev býků a kozlů shladila hříchy.
5 Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati: “Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira, asi muviri wamakandigadzirira;
Protož vcházeje na svět, dí: Oběti a daru nechtěl jsi, ale tělo jsi mi způsobil.
6 zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi hamuna kufadzwa nazvo.
Zápalných obětí, ani obětí za hřích jsi neoblíbil.
7 Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’”
Tehdy řekl jsem: Aj, jduť, (jakož v knihách psáno jest o mně, ) abych činil, ó Bože, vůli tvou.
8 Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).”
Pověděv napřed: Že oběti a daru, a zápalů, i obětí za hřích, (kteréž se podlé zákona obětují, ) nechtěl jsi, aniž jsi oblíbil,
9 Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.
Tehdy řekl: Aj, jduť, abych činil, ó Bože, vůli tvou. Ruší první, aby druhé ustanovil.
10 Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.
V kteréžto vůli posvěceni jsme skrze obětování těla Ježíše Krista jednou.
11 Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.
A všeliký zajisté kněz přístojí, na každý den službu konaje, a jednostejné často obětuje oběti, kteréž nikdy nemohou odjíti hříchů.
12 Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.
Ale tento, jednu obět obětovav za hříchy, vždycky sedí na pravici Boží,
13 Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,
Již dále očekávaje, až by položeni byli nepřátelé jeho za podnož noh jeho.
14 nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
Nebo jednou obětí dokonalé učinil na věky ty, kteříž posvěceni bývají.
15 Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:
Svědčíť pak nám to i sám Duch svatý. Nebo prvé pověděv:
16 “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo, uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
Tatoť jest smlouva, kterouž učiním s nimi po těch dnech, praví Pán: Dám zákony své v srdce jejich, a na myslech jejich napíši je,
17 Ipapo anotizve: “Zvivi zvavo nokudarika kwavo handizozvirangarirezve.”
A na hříchy jejich, i na nepravosti jejich nikoli nezpomenu více.
18 Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
Kdežť pak jest odpuštění jich, neníť více oběti za hřích.
19 Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,
Majíce tedy, bratří, plnou svobodu k vjití do svatyně skrze krev Ježíšovu,
20 nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
(Tou cestou novou a živou, kterouž nám způsobil skrze oponu, to jest tělo své, )
21 uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
A kněze velikého nad domem Božím,
22 ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.
Přistupmež s pravým srdcem, v plné jistotě víry, očištěná majíce srdce od svědomí zlého,
23 Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
A umyté tělo vodou čistou, držmež nepochybné vyznání naděje; (nebo věrnýť jest ten, kterýž zaslíbil.)
24 Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.
A šetřme jedni druhých, k rozněcování se v lásce a dobrých skutcích,
25 Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
Neopouštějíce společného shromáždění svého, jako někteří obyčej mají, ale napomínajíce se, a to tím více, čímž více vidíte, že se ten den přibližuje.
26 Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi,
Nebo jestliže bychom dobrovolně hřešili po přijetí známosti pravdy, nezůstávalo by již oběti za hříchy,
27 asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari.
Ale hrozné nějaké očekávání soudu, a ohně prudká pálivost, kterýž žráti má protivníky.
28 Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu.
Kdož by koli pohrdal zákonem Mojžíšovým, bez lítosti pode dvěma neb třmi svědky umírá.
29 Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei?
Což se vám zdá, čím přísnějšího trestání hoden jest ten, kdož by Syna Božího pošlapával, a krev smlouvy, kterouž byl posvěcen, za nehodnou drahého vážení by měl, a Duchu milosti potupu učinil?
30 Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.”
Známeť zajisté toho, jenž řekl: Mně pomsta, já odplatím, praví Pán. A opět: Pán souditi bude lid svůj.
31 Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
Hroznéť jest upadnouti v ruce Boha živého.
32 Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika.
Rozpomeňtež se pak na předešlé dny, v nichž osvíceni byvše, mnohý boj utrpení snášeli jste,
33 Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo.
Buďto když jste byli i pohaněními i ssouženími jako divadlo učiněni, buďto účastníci učiněni byvše těch, kteříž tak zmítáni byli.
34 Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.
Nebo i vězení mého čitelni jste byli, a rozchvátání statků svých s radostí jste strpěli, vědouce, že v sobě máte lepší zboží nebeské a trvanlivé.
35 Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
Protož nezamítejtež smělé doufanlivosti své, kteráž velikou má odplatu.
36 Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa.
Než potřebíť jest vám trpělivosti, abyste vůli Boží činíce, dosáhli zaslíbení.
37 Nokuti kanguva kaduku duku kasara, “Iye anouya, achauya, asinganonoki.
Nebo ještě velmi, velmi maličko, a aj, ten, kterýž přijíti má, přijde, a nebudeť meškati,
38 Asi akarurama wangu achararama nokutenda. Uye kana akadzokera shure, handizofadzwi naye.”
Spravedlivý pak z víry živ bude. Pakli by se jinam obrátil, nezalibuje sobě duše má v něm.
39 Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.
Ale myť nejsme poběhlci k zahynutí, ale věřící k získání duše.

< VaHebheru 10 >