< VaHebheru 1 >
1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
Zamani Mungu alisema na baba zetu kwa njia ya manabii mara nyingi na kwa njia mbalimbali,
2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. (aiōn )
lakini katika siku hizi za mwisho anasema nasi kwa njia ya Mwanawe, ambaye amemweka kuwa mrithi wa vitu vyote, na ambaye kupitia kwake aliuumba ulimwengu. (aiōn )
3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
Mwana ni mngʼao wa utukufu wa Mungu na mfano halisi wa nafsi yake, akivihifadhi vitu vyote kwa neno lake lenye uweza. Akiisha kufanya utakaso kwa ajili ya dhambi, aliketi mkono wa kuume wa Aliye Mkuu huko mbinguni.
4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
Kwa hiyo alifanyika bora kuliko malaika, kama jina alilorithi lilivyo bora kuliko lao.
5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
Kwa maana ni malaika yupi ambaye wakati wowote Mungu alipata kumwambia, “Wewe ni Mwanangu; leo mimi nimekuzaa?” Au tena, “Mimi nitakuwa Baba yake, naye atakuwa Mwanangu?”
6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
Tena, Mungu amletapo mzaliwa wake wa kwanza ulimwenguni, anasema, “Malaika wote wa Mungu na wamsujudu.”
7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
Anenapo kuhusu malaika asema, “Huwafanya malaika wake kuwa pepo, watumishi wake kuwa miali ya moto.”
8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. (aiōn )
Lakini kwa habari za Mwana asema, “Kiti chako cha enzi, Ee Mungu, kitadumu milele na milele, nayo haki itakuwa fimbo ya utawala ya ufalme wako. (aiōn )
9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
Umependa haki na kuchukia uovu; kwa hiyo Mungu, Mungu wako, amekuweka juu ya wenzako kwa kukupaka mafuta ya furaha.”
10 Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
Pia asema, “Hapo mwanzo, Ee Bwana, uliweka misingi ya dunia, nazo mbingu ni kazi ya mikono yako.
11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
Hizo zitatoweka, lakini wewe utadumu; zote zitachakaa kama vazi.
12 Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
Utazikungʼutakungʼuta kama joho, nazo zitachakaa kama vazi. Lakini wewe hubadiliki, nayo miaka yako haikomi kamwe.”
13 Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?”
Je, ni kwa malaika yupi ambaye Mungu amepata kumwambia wakati wowote, “Keti mkono wangu wa kuume, hadi nitakapowaweka adui zako chini ya miguu yako”?
14 Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
Je, malaika wote si roho watumikao, waliotumwa kuwahudumia wale watakaourithi wokovu?