< VaHebheru 1 >

1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
神は,過去には,多くの場合に,またさまざまな方法で,預言者たちを通して父祖たちに語られましたが,
2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. (aiōn g165)
これらの日々の終わりには,み子によってわたしたちに語られました。神は彼をすべてのものの相続人と定め,彼を通してもろもろの世界を造られました。 (aiōn g165)
3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
み子はその方の栄光の輝き,その方の実体の生き写しであって,すべてのものをご自分の力ある言葉によって支えておられます。ご自身でわたしたちのための罪の清めを行なったのち,高い所で荘厳な方の右に座られました。
4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
み使いたちよりも優れた名を受け継いで,それだけ彼らにまさる者となられました。
5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
というのは,神はかつて,み使いたちのだれにこう言われたでしょうか。 「あなたはわたしの子,わたしは今日あなたの父となった」。 または,こう言われたでしょうか。 「わたしは彼の父となり,彼はわたしの子となるだろう」。
6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
さらに,この初子をこの世に連れ入れる時には,こう言われます。「神のみ使いたちはみな,彼を拝め」。
7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
み使いたちについては,こう言われます。 「そのみ使いたちを風にし,その召使いたちを火の炎とされる方」。
8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. (aiōn g165)
一方,み子については,こう言われます。 「神よ,あなたのみ座は限りなく,あなたの王国の笏は廉直の笏。 (aiōn g165)
9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
あなたは義を愛し,不法を憎んだ。それゆえに,神,あなたの神は,喜びの油をあなたの仲間にまさってあなたに注がれた」。
10 Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
また, 「主よ,あなたははじめに地の基礎を置かれました。もろもろの天はあなたのみ手の業です。
11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
それらは滅びることになりますが,あなたはとどまっておられます。それらはみな外衣のように古くなるでしょう。
12 Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
あなたは外とうのようにそれらを巻かれます。それらは取り替えられることになりますが,あなたは同じであられます。あなたの年が尽きることはありません」。
13 Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?”
しかし,神はかつて,み使いたちのだれにこう言われたでしょうか。 「わたしの右に座っていなさい,わたしがあなたの敵たちをあなたの足台とするまで」。
14 Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
彼らはみな仕える霊であって,救いを受け継ぐ人たちに奉仕するために遣わされたのではありませんか。

< VaHebheru 1 >