< Hagai 2 >

1 Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti,
On the twenty-first day of the seventh month, the Lord sent a message through the prophet Haggai.
2 “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti,
Say to Zerubbabel, son of Shealtiel, governor of Judah, and Joshua, son of Jehozadak, the high priest, and all the remaining people,
3 ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here?
Is there anyone left among you who saw this house in its former glory? How does it look to you now? Does it seem like nothing to you?
4 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
So then be strong, Zerubbabel! Be strong, Joshua, son of Jehozadak, high priest! Be strong, all you people who remain in the land! Work, for I am with you, says the Lord Almighty.
5 ‘Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda kubvira muIjipiti. Uye Mweya wangu uchagara pakati penyu. Musatya.’
Just as I promised you when you left Egypt, my Spirit continues to be among you. Don't be afraid!
6 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Munguva shoma shoma, ndichazungunusa matenga nenyika, negungwa nenyika yakaoma.
This is what the Lord Almighty says: Soon I will shake the heavens and the earth once more, and the sea and the dry land.
7 Ndichazungunusa ndudzi dzose, uye zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya, uye ndichazadza imba ino nokubwinya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
I will shake all the nations, and the one desired by all of the nations will come and I will fill this house with glory, says the Lord Almighty.
8 ‘Sirivha ndeyangu negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
The silver is mine, and the gold is mine, declares the Lord Almighty.
9 ‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
The glory of this second house will be greater than the first, says the Lord Almighty, and I will bring peace in this place. So declares the Lord Almighty.
10 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti,
On the twenty-fourth day of the ninth month, in the second year of the reign of king Darius, the Lord sent a message through the prophet Haggai.
11 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei:
“This is what the Lord Almighty says: Ask the priests about the law.
12 Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’” Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.”
If someone carries some meat from a holy sacrifice in a fold of their clothes and that fold touches some bread or stew or wine or olive oil or any other kind of food, does that food become holy?” And the priests answered, “No.”
13 Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.”
Then Haggai asked, “If someone becomes unclean by touching a dead body and then touches any of these foods, do they become unclean?” The priests answered, “Yes, it does become unclean.”
14 Ipapo Hagai akapindura akati, “‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa.
Then Haggai responded, “This is how it is with these people, and with the nation before me, says the Lord. All that they do, every offering they bring, is unclean.”
15 “‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha.
Now think about what you're doing from this day on. Before a stone was laid on another stone in the house of the Lord,
16 Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete.
how was it for you? You expected a store of grain with twenty measures but only found ten. You thought you could empty out fifty measures from the winepress but there was only twenty.
17 Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
I struck with blight and mildew and hail everything you were working so hard for, but even so you refused to come back to me, says the Lord.
18 Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo:
Think about what you're doing from this day on, today the twenty-fourth day of the ninth month when a foundation was laid for the house of the Lord. Think about it:
19 Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero. “‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’”
the seed is still in the barn. The vine, the fig tree, the pomegranate tree, and the olive tree have not yet given fruit. But from this day on I will bless you.
20 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti,
The Lord sent another message through the prophet Haggai on the twenty-fourth day of the month:
21 “Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika.
Tell Zerubbabel, governor of Judah, I am going to shake the heavens and the earth.
22 Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.
I will overthrow the thrones of kingdoms and destroy the power of the nations' kingdoms. I will overthrow the chariots and their riders. The horses and riders will fall, and the men will kill each other by the sword.
23 “‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
On that day, says the Lord, I will take you, Zerubbabel, son of Shealtiel, my servant, and make you like my signet ring, for I have chosen you. So declares the Lord Almighty.

< Hagai 2 >