< Hagai 1 >

1 Mugore rechipiri ramambo Dhariasi, pazuva rokutanga romwedzi wechitanhatu, shoko raJehovha rakasvika kubudikidza nomuprofita Hagai richienda kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti:
[第一篇演詞]達理阿王二年六月初一,有上主的話藉哈蓋先知傳給沙耳提耳的兒子猶大省長則魯巴貝耳,和約匝達克火兒子大司祭耶叔亞說:
2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’”
萬軍的上主這樣說:這百姓說:「建築上主的殿字的時候還沒有到! 」
3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika nokumuprofita Hagai richiti,
於是上主的話藉哈蓋先知說:「
4 “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?”
當這座殿還尸一堆廢墟時,難道為你們就到了住有天花皮的房屋的時候﹖
5 Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.
如今萬軍的上主這樣說:你們應細心考慮一下你們的行逕!
6 Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.”
你們播種的多,卻收割的少;你們吃,卻總吃不飽;你們喝,卻總喝不夠;你們穿衣,卻總不覺溫暖;賺了工資,無異尸將工資投了破囊。
7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.
萬軍的上主這樣說:你們應考慮一下你們的行逕!
8 Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
你們應上山去,搬運木材,建造殿宇! 葷到家時裏,我必因此喜悅,並發顯光榮──上主說。
9 “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake.
你們期望豐收,看,反而歉收;你們運到家裏,我反把它吃散;這是為了什麼﹖──萬軍上主的斷語──是為了我的殿宇尚在荒廢,而你們竟各自趕造自己的房屋。
10 Naizvozvo, nokuda kwenyu matenga aramba nedova uye nyika yaramba nezvibereko zvayo.
為此,上主對你們停降雨露,大地也停止了出產,
11 Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.”
因為我向大地、群山、五穀、新油、田地的出產、人畜和手中的一切工作招來了旱災。」
12 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha.
於是沙耳提耳的兒子則魯巴貝耳的兒子,約匝達克的兒子大司祭耶叔亞,以及全體遺民都聽從了上主,他們天主的聲音,也聽從了上主,他們的天主給他們派遺來的哈蓋先知的話;因此百姓在上主面前都起了敬畏的心。
13 Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, akasvitsa shoko iri raJehovha kuvanhu achiti, “Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
上主的使者哈蓋就以上主使者的名義向人民說:我與你們同在──上主的斷語。
14 Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo,
於是上主振興起了沙耳提耳的兒子猶大省長則魯巴貝耳的精神,以及約匝達克的兒子大司祭耶叔亞的,和全體遺民的精神,他們便都上前來興工建造萬軍的上主,他們的天主的聖殿。
15 pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariasi.
時在達理阿王二年六月二十四日。

< Hagai 1 >