< Habhakuki 1 >

1 Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki.
哈巴谷先知在神視中所得的神諭。
2 Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?
上主,我呼救而你不予垂聽,要到何時﹖向你呼喊「殘暴」,而你仍不施救﹖
3 Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.
為什麼你仗我見到邪惡,人受壓迫,而你竟坐視﹖在我面前,只有壓害和殘暴,爭吵不休,辯論迭起。
4 Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.
為此法律鬆馳,正義不彰,惡人包圍了義人,因而產生歪曲的審判。
5 “Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.
你們應觀察列邦,且應注意視,你們必要詑異驚奇,因在你們的日子內,我要做一件事,縱然有人述說,你們也不相信。
6 Ndiri kumutsa vaBhabhironi ruya rudzi rune utsinye, rune hasha, runopararira pasi pose kuti rubvute nzvimbo dzokugara dzisiri dzavo.
看,我要激起加色丁人──那殘暴凶猛的民族,向廣大的地區進發,侵佔別人的居所。
7 Vanhu vanotyisa uye vanovhundukwa; vasina murayiro unovatonga uye vanongozvitsvakira kukudzwa.
這民族獨斷獨行,目中無人,實令人恐怖。
8 Mabhiza avo anomhanya kukunda ingwe, anotyisa kukunda mhumhi mumadekwana. Mauto avo amabhiza anomhanya asingadzoki; vatasvi vamabhiza vanobva kure kure. Vanobhururuka segora rinotsvaka kuparadza;
他們的馬捷於虎豹,猛於夜狼;他們的馬隊由遠方飛奔而來,像撲食的老鷹;
9 vanouya vose kuzoita zvechisimba. Mapoka avo ehondo anouya semhepo inovhuvhuta mugwenga vachiunganidza nhapwa sejecha.
大事摧殘,而面目焦燥,有如烈風;聚集的俘虜,多似塵沙。
10 Vanozvidza madzimambo uye vanomhura vatongi. Vanoseka maguta ose akasimbiswa; vanovaka zvikomo zvevhu voatapa.
他們嘲笑列王,譏諷諸侯,嗤笑任何堡壘只堆一堆土,即可攻下;
11 Ipapo vanopfuura semhepo, vanopfuura vasingamiri, varume vane mhosva, simba ravo ndiye mwari wavo.”
然後鼓起勇氣向前猛進,以自己的力量為神。
12 Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange.
吾主,你自古不就是我的天主,我的聖者﹖你決不會死亡! 上主,你派他們來是為審判;磐石,你立定他們是為懲罰。
13 Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama?
你的眼睛這樣純潔,以致見不得邪惡,見不得折磨! 你為什麼垂顧背信的人﹖當惡人吞噬較他們更義的人,你又為什麼緘默﹖
14 Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.
你竟把人當作海裏的魚,當作沒有主宰的爬蟲!
15 Muvengi anovaredza vose nezviredzo, anovabata mumumbure wake, achivakokorodza murutava rwake; naizvozvo anopembera nomufaro.
他們把所有的一切用鉤子鉤上來,用網拉上來,用罟收集起來,為此歡欣踴躍,
16 Naizvozvo anopisira zvibayiro kumumbure wake, uye anopisira zvinonhuhwira kumumbure wake, nokuti anogarika nokuda kwomumbure wake, anodya zvokudya zvakaisvonaka.
向網祭獻,向罟焚香,因為給他們帶來了富裕的財物,豐美的飲食。
17 Ko, acharamba achingodurura zviri mumumbure wake, achingoparadza ndudzi asina tsitsi here?
難道因此他們就應時常倒空自己的羅,無情地屠殺萬民﹖

< Habhakuki 1 >