< Habhakuki 2 >

1 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.
Megyina mʼahwɛe na mawɛn. Mɛbɔ nsra na mahwɛ nea ɔbɛka akyerɛ me, ne mʼanoyi a mede bɛma nkurobɔ yi.
2 Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.
Afei, Awurade buae se, “Kyerɛw adiyi yi wɔ ɔbopon so ma mu nna hɔ pefee na ama ɔkenkanfo ate ase.
3 Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.
Adiyisɛm no retwɛn nkrabea bi; ɛka awiei ho asɛm na ɛbɛba mu. Ɛwɔ mu sɛ ɛrekyɛ de, nanso twɛn, ɛrenkyɛ, ɛbɛba mu.
4 “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
“Hwɛ, ɔtamfo no ama ne ho so; nʼapɛde nteɛ, nanso ɔtreneeni fi gyidi mu benya nkwa.
5 Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu. (Sheol h7585)
Nokware, nsa yi no ma wayɛ ahantan na onni ahotɔ. Esiane sɛ ɔyɛ adifudepɛ sɛ ɔda na ɔte sɛ owu a hwee mmee no nti ɔfom aman no nyinaa na ɔfa nnipa no nyinaa nnommum. (Sheol h7585)
6 “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’
“Nnommumfo yi nyinaa bedi ne ho fɛw aserew no aka se, “‘Nnome nka nea ɔboaboa akorɔnne ano, na ɔnam apoobɔ so nya ne ho! Eyi nkɔ so nkosi da bɛn?’
7 Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.
So wɔn a wode wɔn ka no rensɔre mpofirim ana? Wɔbɛsɔre ama wo ho apopo, na wobetwiw afa wo so.
8 Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.
Esiane sɛ woafow aman bebree nti, wɔn a wɔaka no bɛfow wo bi. Efisɛ woahwie nnipa mogya agu; woasɛe nsase, nkuropɔn ne wɔn a wɔtete mu.
9 “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa!
“Nnome nka nea ɔde akorɔnne kyekyere ne man, a ɔyɛ ne berebuw wɔ sorɔnsorɔmmea, sɛnea obeyi ne ho afi ɔsɛe mu.
10 Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu.
Woatu nnipa bebree sɛe ho agyina, de agu wankasa fi anim ase, de wo nkwa atwa so.
11 Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.
Abo a ɛhyehyɛ afi afasu mu no bɛteɛ mu, na ebegyigye wɔ mpuran a wɔahyehyɛ no mu.
12 “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.
“Nnome nka nea ɔnam mogyahwiegu so kyekyere kuropɔn na ɔnam awudi so kyekyere kurow.
13 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?
Asafo Awurade ahyɛ sɛ, nnipa no adwumayɛ bɛyɛ ogya a wɔhyew. Aman no brɛ gu kwa.
14 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.
Na Awurade anuonyam ho nimdeɛ bɛhyɛ asase nyinaa ma, sɛnea nsu hyɛ po ma no.
15 “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.
“Due! Wo a woma wo mfɛfo nsa, Wuhwie ma wɔnom kosi sɛ wɔbɛbow, na afei woahwɛ wɔn adagyaw.
16 Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.
Worennya anuonyam biara, wʼani bewu. Afei adu wo so! Nom na wʼadagyaw mu nna hɔ. Kuruwa a efi Awurade nsa nifa reba wo so, na aniwu bɛkata wʼanuonyam so.
17 Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!
Awurukasɛm a wode adi Lebanon no bɛmene wo, ɔsɛe a wosɛe mmoa nso bɛbɔ wo hu. Woaka nnipa mogya agu; woasɛe nsase, nkuropɔn ne nnipa a wɔwɔ mu.
18 “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.
“Mfaso bɛn na munya fi ahoni a nipa ayɛ mu? Anaa nsɛsode a ɛkyerɛkyerɛ atoro? Nea ɔyɛ ohoni no de ne ho to ɔno ankasa nsa ano adwuma so; na ɔyɛ anyame a wontumi nkasa.
19 Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.
Nnome nka nea ɔka kyerɛ dua se, ‘Nya nkwa!’ Anaa ɔka kyerɛ ɔbo a enni nkwa se, ‘Nyan!’ Ebetumi ama akwankyerɛ? Wɔde sika kɔkɔɔ ne dwetɛ adura ho; nanso ɔhome nni mu.”
20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Nanso Awurade wɔ nʼasɔrefi kronkron mu. Momma asase nyinaa nyɛ komm wɔ nʼanim.

< Habhakuki 2 >