< Habhakuki 2 >

1 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.
我要站在守望所, 立在望楼上观看, 看耶和华对我说什么话, 我可用什么话向他诉冤。
2 Ipapo Jehovha akapindura achiti: “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya.
他对我说:将这默示明明地写在版上, 使读的人容易读。
3 Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.
因为这默示有一定的日期, 快要应验,并不虚谎。 虽然迟延,还要等候; 因为必然临到,不再迟延。
4 “Tarira, ana manyawi; zvido zvake hazvina kururama, asi akarurama achararama nokutenda kwake.
迦勒底人自高自大,心不正直; 惟义人因信得生。
5 Zvirokwazvo, waini inomupandukira; anozvikudza uye haazombozorori. Nokuti anokara sezvinoita guva uye sorufu haaguti, anozviunganidzira ndudzi dzose uye anotapa marudzi ose avanhu. (Sheol h7585)
迦勒底人因酒诡诈,狂傲, 不住在家中, 扩充心欲,好像阴间。 他如死不能知足, 聚集万国,堆积万民都归自己。 (Sheol h7585)
6 “Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’
这些国的民岂不都要提起诗歌并俗语讥刺他说: 祸哉!迦勒底人,你增添不属自己的财物, 多多取人的当头,要到几时为止呢?
7 Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa.
咬伤你的岂不忽然起来, 扰害你的岂不兴起, 你就作他们的掳物吗?
8 Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.
因你抢夺许多的国,杀人流血, 向国内的城并城中一切居民施行强暴, 所以各国剩下的民都必抢夺你。
9 “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa!
为本家积蓄不义之财、 在高处搭窝、指望免灾的有祸了!
10 Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu.
你图谋剪除多国的民,犯了罪, 使你的家蒙羞,自害己命。
11 Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.
墙里的石头必呼叫; 房内的栋梁必应声。
12 “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa.
以人血建城、 以罪孽立邑的有祸了!
13 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?
众民所劳碌得来的被火焚烧, 列国由劳乏而得的归于虚空, 不都是出于万军之耶和华吗?
14 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.
认识耶和华荣耀的知识要充满遍地, 好像水充满洋海一般。
15 “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo.
给人酒喝、又加上毒物、 使他喝醉、好看见他下体的有祸了!
16 Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.
你满受羞辱,不得荣耀; 你也喝吧,显出是未受割礼的! 耶和华右手的杯必传到你那里; 你的荣耀就变为大大地羞辱。
17 Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!
你向黎巴嫩行强暴与残害 惊吓野兽的事必遮盖你; 因你杀人流血, 向国内的城并城中一切居民施行强暴。
18 “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.
雕刻的偶像,人将它刻出来, 有什么益处呢? 铸造的偶像就是虚谎的师傅。 制造者倚靠这哑巴偶像有什么益处呢?
19 Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku.
对木偶说:醒起! 对哑巴石像说:起来!那人有祸了! 这个还能教训人吗? 看哪,是包裹金银的,其中毫无气息。
20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
惟耶和华在他的圣殿中; 全地的人都当在他面前肃敬静默。

< Habhakuki 2 >