< Genesisi 6 >

1 Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari,
And when men began to be multiplied upon the earth, and daughters were born to them,
2 vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza.
the sons of God, seeing that the daughters of men were beautiful, took to themselves wives from all whom they chose.
3 Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.”
And God said: “My spirit shall not remain in man forever, because he is flesh. And so his days shall be one hundred and twenty years.”
4 VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana vaMwari vakapinda kuvasikana vavanhu vakaita vana navo. Vakanga vari mhare dzakare, vanhu vaiva nomukurumbira.
Now giants were upon the earth in those days. For after the sons of God went in to the daughters of men, and they conceived, these became the powerful ones of ancient times, men of renown.
5 Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
Then God, seeing that the wickedness of men was great upon the earth and that every thought of their heart was intent upon evil at all times,
6 Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa.
repented that he had made man on the earth. And being touched inwardly with a sorrow of heart,
7 Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”
he said, “I will eliminate man, whom I have created, from the face of the earth, from man to other living things, from animals even to the flying things of the air. For it grieves me that I have made them.”
8 Asi Noa akawana nyasha pamberi paJehovha.
Yet truly, Noah found grace before the Lord.
9 Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa. Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari.
These are the generations of Noah. Noah was a just man, and yet he was predominate among his generations, for he walked with God.
10 Noa akanga ana vanakomana vatatu vaiti: Shemu, Hamu naJafeti.
And he conceived three sons: Shem, Ham, and Japheth.
11 Zvino nyika yakanga yaora pamberi paMwari uye yakanga yazara nokurwisana.
Yet the earth was corrupted before the eyes of God, and it was filled with iniquity.
12 Mwari akaona kuti nyika yakanga yaora sei, nokuti vanhu vose panyika vakanga vaodza nzira dzavo.
And when God had seen that the earth had been corrupted, (indeed, all flesh had corrupted its way upon the earth)
13 Saka Mwari akati kuna Noa, “Ndava kuzoisa magumo kuvanhu vose, nokuti nyika yazara nokurwisana nokuda kwavo. Zvirokwazvo ndiri kuzovaparadza vose pamwe chete nenyika.
he said to Noah: “The end of all flesh has arrived in my sight. The earth has been filled with iniquity by their presence, and I will destroy them, along with the earth.
14 Saka iwe zviitire areka yomuti womusipuresi; uite makamuri mukati mayo uye uiname nenamo mukati nokunze.
Make yourself an ark from smoothed wood. You shall make little dwelling places in the ark, and you shall smear pitch on the interior and exterior.
15 Uku ndiko kuvaka kwaunofanira kuiita: Areka inofanira kureba makubhiti mazana matatu, upamhi hwayo huve makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi matatu pakukwirira kwayo.
And thus shall you make it: The length of the ark shall be three hundred cubits, its width fifty cubits, and its height thirty cubits.
16 Uite windo uchipoteredza areka ugosiya kubhiti rimwe chete kumusoro. Uise mukova parutivi rweareka uye uite muturikidzwa wapasi, wapakati nowapamusoro.
You shall make a window in the ark, and you shall complete it within a cubit of the top. Then you shall set the door of the ark at its side. You shall make in it: a lower part, upper rooms, and a third level.
17 Ndichauyisa mvura yamafashamu pamusoro penyika kuti iparadze zvipenyu zvose pasi pedenga, zvisikwa zvose zvino upenyu mazviri. Zvinhu zvose zviri panyika zvichaparara.
Behold, I shall bring the waters of a great flood upon the earth, so as to put to death all flesh in which there is the breath of life under heaven. All things that are on the earth shall be consumed.
18 Asi ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchapinda muareka, iwe navanakomana vako uye nomukadzi wako uye navakadzi vavanakomana vako vari pauri.
And I shall establish my covenant with you, and you shall enter the ark, you and your sons, your wife and the wives of your sons with you.
19 Unofanira kuisa muareka zviviri zviviri pazvisikwa zvipenyu zvose, chikono nechikadzi, kuti zvirarame pamwe chete newe.
And from every living thing of all that is flesh, you shall lead pairs into the ark, so that they may survive with you: from the male sex and the female,
20 Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu.
from birds, according to their kind, and from beasts, in their kind, and from among all animals on earth, according to their kind; pairs from each shall enter with you, so that they may be able to live.
21 Unofanira kutora zvokudya zvamarudzi ose zvinofanira kudyiwa ugozvichengeta kuti zvigova zvokudya zvako nezvazvo.”
Therefore, you shall take with you from all the foods that are able to be eaten, and you shall carry these with you. And these shall be used as food, some for you, and the rest for them.”
22 Noa akaita zvose sezvaakanga arayirwa naMwari.
And so Noah did all things just as God had instructed him.

< Genesisi 6 >

The World is Destroyed by Water
The World is Destroyed by Water