< Genesisi 50 >
1 Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda.
UJosefa wasewela phezu kobuso bukayise, wakhala inyembezi phezu kwakhe, wamanga.
2 Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika,
UJosefa waselaya inceku zakhe abelaphi ukuthi baqhole uyise ngomuthi; labelaphi bamqhola uIsrayeli ngomuthi.
3 vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika mutumbi. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe.
Zagcwaliseka kuye insuku ezingamatshumi amane, ngoba ngokunjalo zazigcwaliseka insuku zabaqholwe ngomuthi. LamaGibhithe amlilela insuku ezingamatshumi ayisikhombisa.
4 Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, nditaurireiwo kuna Faro. Mumuudze kuti,
Kwathi sezidlulile insuku zokumkhalela, uJosefa wakhuluma lendlu kaFaro esithi: Uba-ke ngithole umusa emehlweni enu, ake likhulume endlebeni zikaFaro, lisithi:
5 ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike mhiko uye vakati, “Ini ndava kufa; mundivige muguva randakazvicherera munyika yeKenani.” Zvino regai hangu ndikwidze ndinoviga baba vangu; ipapo ndigozodzoka hangu.’”
Ubaba wangifungisa esithi: Khangela, ngiyafa; engcwabeni engazigebhela lona elizweni leKhanani, lapho ungingcwabe. Khathesi-ke, ake ngenyuke ngiyengcwaba ubaba, besengibuya.
6 Faro akati, “Kwira hako undoviga baba vako, sezvo vakaita kuti upikire kuita izvozvo.”
UFaro wasesithi: Yenyuka uyengcwaba uyihlo njengokukufungisa kwakhe.
7 Saka Josefa akakwidza kundoviga baba vake. Varanda vose vaFaro vakamuperekedza, vanokudzwa vomumba make navose vanokudzwa vomuIjipiti,
UJosefa wasesenyuka ukuyangcwaba uyise, kwenyuka kanye laye zonke izinceku zikaFaro, abadala bendlu yakhe, labo bonke abadala belizwe leGibhithe,
8 tisingaverengi vose vomumhuri yaJosefa namadzikoma ake uye navose veimba yababa vake. Vana vavo chete namakwai avo nemombe dzavo, ndivo vakasiyiwa muGosheni.
lendlu yonke kaJosefa, labafowabo, lendlu kayise; kuphela abantwana babo abancinyane lezimvu zabo lenkomo zabo bakutshiya elizweni leGosheni.
9 Ngoro navatasvi vamabhiza vakaendawo naye. Rakanga riri boka guru kwazvo.
Kwasekusenyuka kanye laye konke izinqola labagadi bamabhiza, kwaba liviyo elinzima kakhulu.
10 Vakati vasvika paburiro raAtadhi, pedyo neJorodhani, vakachema zvikuru neshungu; uye ipapo Josefa akatara mazuva manomwe okuchema baba vake.
Kwathi sebefike esizeni seAtadi, eliphetsheya kweJordani, balila khona, isililo esikhulu lesinzima kakhulu, bamenzela uyise isililo insuku eziyisikhombisa.
11 VaKenani vaigara ikoko vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, “VaIjipita vari pakuchema kukuru.” Ndokusaka nzvimbo iyo iri pedyo neJorodhani yakatumidzwa zita rokuti Abheri Miziraimi.
Kwathi abakhileyo belizwe, amaKhanani, bebona ukulila esizeni seAtadi, bathi: Lesi yisililo esinzima samaGibhithe. Ngakho basebesitha ibizo laso iAbeli-Mizirayimi, eliphetsheya kweJordani.
12 Saka vanakomana vaJakobho vakaita sezvaakavarayira:
Amadodana akhe asemenzela njalo njengalokhu ewalayile;
13 Vakamutakura vakaenda naye kunyika yeKenani uye vakamuviga mubako mumunda weMakapera, pedyo neMamure, rakatengwa naAbhurahama senzvimbo yokuviga kubva kuna Efuroni muHiti, pamwe chete nomunda wacho.
ngoba amadodana akhe amthwalela elizweni leKhanani, amngcwaba obhalwini lwensimu yeMakaphela, uAbrahama aluthenga lensimu, lube yindawo yakhe yokungcwabela, kuEfroni umHethi, eqondane leMamre.
14 Shure kwokuvigwa kwababa vake, Josefa akadzokera kuIjipiti, pamwe chete namadzikoma ake navamwe vose vakanga vaenda naye kundoviga baba vake.
UJosefa wasebuyela eGibhithe, yena labafowabo labo bonke abenyuka laye ukuyangcwaba uyise, esemngcwabile uyise.
15 Madzikoma aJosefa akati aona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati, “Zvimwe Josefa angadaro achiri kutivenga uye akatitsiva pane zvakaipa zvose zvatakaita kwaari?”
Kwathi abafowabo bakaJosefa sebebonile ukuthi uyise usefile bathi: Mhlawumbe uJosefa uzasizonda, ngoqotho asiphindisele ububi bonke esabenza kuye.
16 Saka vakatuma shoko kwaari vakati, “Baba vako vakasiya varayira vasati vafa vachiti:
Basebenika isilayezelo kuJosefa besithi: Uyihlo walaya engakafi, esithi:
17 ‘Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna Josefa: Ndinokumbira kuti ukanganwire madzikoma ako zvivi zvavo nezvitadzo zvavakaita pavakakuitira zvakaipa kwazvo. Zvino ndapota kanganwira hako zvivi zvavaranda vaMwari wababa vako.’” Pakasvika shoko ravo kwaari, Josefa akachema.
Lizakutsho kanje kuJosefa lithi: Ngiyakucela, akuxolele isiphambeko sabafowenu lesono sabo, ngoba bakwenzela okubi; khathesi-ke ake uxolele isiphambeko sezinceku zikaNkulunkulu kayihlo. UJosefa wasekhala inyembezi nxa bekhuluma kuye.
18 Ipapo madzikoma ake akauya akazviwisira pasi pamberi pake. Vakati, “Tiri varanda venyu.”
Labafowabo labo beza, bawa phansi phambi kwakhe, bathi: Khangela, siyizinceku zakho.
19 Asi Josefa akati kwavari, “Musatya. Ko, ini ndiri pachinzvimbo chaMwari here?
Kodwa uJosefa wathi kibo: Lingesabi, ngoba kanti ngisendaweni kaNkulunkulu yini?
20 Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji.
Kodwa lina laceba okubi kimi, uNkulunkulu waceba ngokuhle, ukuze enze njengalamuhla, ukuze alondoloze abantu abanengi bephila.
21 Naizvozvo zvino, musatya. Ndichakuriritirai imi navana venyu.” Akavasimbaradza uye akataura nounyoro kwavari.
Khathesi-ke lingesabi; mina ngizalondla lina labantwanyana benu. Wasebaduduza, wakhuluma labo ngomusa.
22 Josefa akagara muIjipiti pamwe chete nemhuri yose yababa vake. Akararama kwamakore zana negumi,
UJosefa wasehlala eGibhithe, yena lendlu kayise. Njalo uJosefa waphila iminyaka elikhulu letshumi.
23 uye akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu. Uyewo vana vaMakiri mwanakomana waManase vakaiswa pamakumbo aJosefa pavakaberekwa.
UJosefa wasebona abantwana bakaEfrayimi abesizukulwana sesithathu; labantwana bakaMakiri indodana kaManase bazalelwa emadolweni kaJosefa.
24 Ipapo Josefa akati kumadzikoma ake, “Ini ndava kuzofa. Asi zvirokwazvo Mwari achakubatsirai nokukubudisai munyika muno achikuendesai kunyika yakavimbiswa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho.”
UJosefa wasesithi kubafowabo: Ngiyafa, kodwa uNkulunkulu uzalihambela isibili, alenyuse kulelilizwe alise elizweni alifungela oAbrahama, uIsaka loJakobe.
25 Uye Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko uye akati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva munzvimbo ino.”
UJosefa wafungisa amadodana kaIsrayeli esithi: UNkulunkulu uzalihambela isibili, njalo lizakwenyusa amathambo ami asuke lapha.
26 Saka Josefa akafa ava namakore zana negumi. Uye shure kwokumusasika, akaiswa mubhokisi muIjipiti.
UJosefa wasesifa, eleminyaka elikhulu letshumi; basebemqhola ngomuthi, wafakwa ebhokisini eGibhithe.