< Genesisi 5 >

1 Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari.
This is the record of the descendants of Adam. On the day that God created mankind, he made them in his own likeness.
2 Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
Male and female he created them. He blessed them and named them mankind when they were created.
3 Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti.
When Adam had lived 130 years, he became the father of a son in his own likeness, after his image, and he called his name Seth.
4 Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana.
After Adam became the father of Seth, he lived eight hundred years. He became the father of more sons and daughters.
5 Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
Adam lived 930 years, and then he died.
6 Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.
When Seth had lived 105 years, he became the father of Enosh.
7 Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Enosh, he lived 807 years and became the father of more sons and daughters.
8 Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
Seth lived 912 years, and then he died.
9 Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.
When Enosh had lived ninety years, he became the father of Kenan.
10 Uye shure kwokubereka kwake Kenani, Enoshi akararama kwamakore mazana masere ane gumi namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Kenan, Enosh lived 815 years. He became the father of more sons and daughters.
11 Pamwe chete, Enoshi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
Enosh lived 905 years, and then he died.
12 Kenani akati ararama kwamakore makumi manomwe, akabereka Maharareri.
When Kenan had lived seventy years, he became the father of Mahalalel.
13 Uye mushure mokubereka kwake Maharareri, Kenani akagara kwamakore mazana masere namakumi mana uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Mahalalel, Kenan lived 840 years. He became the father of more sons and daughters.
14 Pamwe chete, Kenani akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi, uye ipapo akafa.
Kenan lived 910 years, and then he died.
15 Maharareri akati agara kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi.
When Mahalalel had lived sixty-five years, he became the father of Jared.
16 Uye mushure mokubereka kwake Jaredhi, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Jared, Mahalalel lived 830 years. He became the father of more sons and daughters.
17 Pamwe chete, Maharareri akararama kwamakore mazana masere namakumi mapfumbamwe namashanu, uye ipapo akafa.
Mahalalel lived 895 years, and then he died.
18 Jaredhi akati ararama kwamakore zana namakumi matanhatu namaviri, akabereka Enoki.
When Jared had lived 162 years, he became the father of Enoch.
19 Uye mushure mokubereka kwake Enoki, Jaredhi akararama kwamakore mazana masere akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Enoch, Jared lived eight hundred years. He became the father of more sons and daughters.
20 Pamwe chete, Jaredhi akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namaviri, uye ipapo akafa.
Jared lived 962 years, and then he died.
21 Enoki akati ararama kwamakore makumi matanhatu namashanu, akabereka Metusera.
When Enoch had lived sixty-five years, he became the father of Methuselah.
22 Uye mushure mokubereka kwake Metusera, Enoki akafamba naMwari kwamakore mazana matatu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Enoch walked with God three hundred years after he became the father of Methuselah. He became the father of more sons and daughters.
23 Pamwe chete, Enoki akararama kwamakore mazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
Enoch lived 365 years.
24 Enoki akafamba naMwari; ipapo akasazovapo, nokuti Mwari akamutora.
Enoch walked with God, and then he was gone, for God took him.
25 Metusera akati ararama kwamakore zana namakumi masere namanomwe, akabereka Rameki.
When Methuselah had lived 187 years, he became the father of Lamech.
26 Uye mushure mokubereka kwake Rameki, Metusera akararama kwamakore mazana manomwe namakumi masere namaviri uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
After he became the father of Lamech, Methuselah lived 782 years. He became the father of more sons and daughters.
27 Pamwe chete, Metusera akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu namapfumbamwe, uye ipapo akafa.
Methuselah lived 969 years. Then he died.
28 Rameki akati ararama kwamakore zana namakumi masere namaviri, akabereka mwanakomana.
When Lamech had lived 182 years, he became the father of a son.
29 Akamutumidza zita rokuti Noa uye akati, “Achativaraidza pabasa uye napakurwadziwa kwokubata kwamaoko edu zvinobva pavhu rakatukwa naJehovha.”
He called his name Noah, saying, “This one will give us rest from our work and from the painful labor of our hands, which we must do because of the ground that Yahweh has cursed.”
30 Mushure mokuberekwa kwaNoa, Rameki akararama kwamakore mazana mashanu namakumi mapfumbamwe namashanu uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
Lamech lived 595 years after he became the father of Noah. He became the father of more sons and daughters.
31 Pamwe chete, Rameki akararama kwamakore mazana manomwe namakumi manomwe namanomwe, uye ipapo akafa.
Lamech lived 777 years. Then he died.
32 Mushure mokunge Noa ava namakore okuberekwa mazana mashanu, akabereka Shemu, Hamu naJafeti.
After Noah had lived five hundred years, he became the father of Shem, Ham, and Japheth.

< Genesisi 5 >