< Genesisi 49 >

1 Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.
Derpå kaldte Jakob sine Sønner til sig og sagde: "Saml eder, så vil jeg forkynde eder, hvad der skal hændes eder i de sidste Dage:
2 “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri.
Kom hid og hør, Jakobs Sønner, lyt til eders Fader Israel!
3 “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.
Ruben, du er min førstefødte, min Styrke og min Mandskrafts første, ypperst i Højhed, ypperst i Kraft!
4 Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, panhoo yangu uye ukaisvibisa.
Du skummer over som Vandet, men du mister din Forret; thi du besteg din Faders Leje. Skændigt handled du da han besteg mit Leje!
5 “Simeoni naRevhi mukoma nomununʼuna, minondo yavo zvombo zvokurwa.
Simeon og Levi, det Broder Par, Voldsredskaber er deres Våben.
6 Ngandirege kupinda parangano yavo, ngandirege kuva paungano yavo, nokuti vakauraya vanhu mukutsamwa kwavo uye vakagura marunda enzombe sezvavaida.
I deres Råd giver min Sjæl ej Møde, i deres Forsamling tager min Ære ej Del; thi i Vrede dræbte de Mænd, egenrådigt lamslog de Okser.
7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, kunotyisa zvakadai, uye hasha dzavo, dzaiva noutsinye kudai! Ndichavaparadzira muna Jakobho uye ndigovatsaura muna Israeri.
Forbandet være deres Vrede, så vild den er, deres Hidsighed, så voldsom den er! Jeg spreder dem i Jakob, splitter dem ad i Israel!
8 “Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri.
Juda, dig skal dine Brødre prise, din Hånd skal gribe dine Fjender i Nakken, din Faders Sønner skal bøje sig for dig.
9 Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
En Løveunge er Juda. Fra Rov stiger du op, min Søn! Han ligger og strækker sig som en Løve, ja, som en Løvinde, hvo tør vække ham!
10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake.
Ikke viger Kongespir fra Juda, ej Herskerstav fra hans Fødder, til han, hvem den tilhører; kommer, ham skal Folkene lyde.
11 Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
Han binder sit Æsel ved Vinstokken, ved Ranken Asenindens Fole, tvætter i Vin sin Kjortel, sin Kappe i Drueblod,
12 Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka.
med Øjnene dunkle af Vin og Tænderne hvide af Mælk!
13 “Zebhuruni achagara kumahombekombe egungwa uye achava zororo rezvikepe; muganhu wake uchasvika paSidhoni.
Zebulon har hjemme ved Havets Byst, han bor ved Skibenes Kyst, hans Side er vendt mod Zidon.
14 “Isakari imbongoro ine simba, ivete pasi pakati pamatanga amakwai.
Issakar, det knoglede Æsel, der strækker sig mellem Foldene,
15 Paanoona nzvimbo yake yokuzorora kuti yanaka sei uye kuti nyika yake inofadza sei, acharerekera pfudzi rake kumutoro uye achava mubatiri wechibharo.
fandt Hvilen sød og Landet lifligt; derfor bøjed han Ryg under Byrden og blev en ufri Træl.
16 “Dhani acharuramisira vanhu vake somumwe wamarudzi aIsraeri.
Dan dømmer sit Folk så godt som nogen Israels Stamme.
17 Dhani achava nyoka iri parutivi pomugwagwa, semhakure iri munzira, inoruma chitsitsinho chebhiza kuitira kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
Dan blive en Slange ved Vejen, en Giftsnog ved Stien, som bider Hesten i Hælen, så Rytteren styrter bagover!
18 “Ndakamirira rusununguko rwenyu, imi Jehovha.
På din Frelse bier jeg, HERRE!
19 “Gadhi acharohwa neboka ravapambi, asi achavarova pazvitsitsinho zvavo.
Gad, på ham gør Krigerskarer Indhug, men han gør Indhug i Hælene på dem.
20 “Zvokudya zvaAsheri zvichava zvakakora; achauya nezvinonaka zvakafanira madzimambo.
Aser, hans Føde er fed, Lækkerier for Konger har han at give.
21 “Nafutari isheche yemhembwe yakasunungurwa, inobereka tsvana dzakaisvonaka.
Naftali er en løssluppen Hind, han fremfører yndig Tale.
22 “Josefa muzambiringa unobereka mazambiringa, unobereka uri pedyo netsime, matavi awo anokwira pamadziro.
Et yppigt Vintræ er Josef, et yppigt Vintræ ved Kilden, Ranker slynger sig over Muren.
23 Neshungu vapfuri vanomurwisa; vanomupfura noruvengo.
Bueskytter fejder imod ham, strides med ham, gør Angreb på ham,
24 Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, maoko ake akasimba, akagwinya, nokuda kworuoko rwaIye Anesimba waJakobho, nokuda kwoMufudzi, iye Dombo raIsraeri,
men hans Bue er stærk, hans Hænders Arme rappe; det kommer fra Jakobs Vældige, fra Hyrden, Israels Klippe,
25 nokuda kwaMwari wababa vako anokubatsira, nokuda kwoWamasimba Ose anokuropafadza namaropafadzo okumatenga kumusoro, maropafadzo okwakadzika kuri pasi, maropafadzo amazamu neechizvaro.
fra din Faders Gud han hjælpe dig! Og Gud den Almægtige, han velsigne dig med Himmelens Velsignelser oventil og Dybets Velsignelser nedentil, med Brysters og Moderlivs Velsignelser!
26 Maropafadzo ababa vako makuru kupfuura maropafadzo amakomo ekare, kupfuura zvakawanda zvezvikomo zvamakore ekare. Zvose izvi ngazvigare pamusoro waJosefa, pamusoro womuchinda ari pakati pehama dzake.
Din Faders Velsignelser overgår de ældgamle Bjerges Velsignelser, de evige Højes Herlighed. Måtte de komme over Josefs Hoved, over Issen på Fyrsten blandt Brødre!
27 “Bhenjamini ibere rinoparadza; mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.”
Benjamin, den rovlystne Ulv, om Morgenen æder han Rov, om Aftenen deler han Bytte!"
28 Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.
Alle disse er Israels Stammer, tolv i Tal, og det var, hvad deres Fader talte til dem, og han velsignede dem, hver især af dem gav han sin særlige Velsignelse.
29 Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,
Og han sagde til dem som sin sidste Vilje: "Nu samles jeg til mit Folk; jord mig da hos mine Fædre i Hulen på Hetiten Efrons Mark.
30 bako riri mumunda weMakapera, pedyo neMamure muKenani, rakatengwa kubva kuna Efuroni naAbhurahama senzvimbo yokuviga pamwe chete nomunda.
i Hulen på Makpelas Mark over for Mamre i Kana'ans Land. den Mark, som Abraham købte af Hetiten Efron til Gravsted,
31 Ndipo pakavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara, ndipozve pakavigwa Isaka nomukadzi wake Rabheka, uye Rea akavigwa ipapo.
hvor de jordede Abraham og hans Hustru Sara, hvor de jordede Isak og hans Hustru Rebekka, og hvor jeg jordede Lea.
32 Munda nebako riri mauri zvakatengwa kubva kuvaHiti.”
Marken og Hulen derpå blev købt af Hetiterne."
33 Jakobho akati apedza kurayira vanakomana vake, akadzora tsoka dzake mumubhedha, akabudisa mweya wake akasanganiswa navanhu vokwake.
Dermed havde Jakob givet sine Sønner sin Vilje til Kende, og han strakte sine Fødder ud på Lejet. udåndede og samledes til sin Slægt.

< Genesisi 49 >