< Genesisi 47 >
1 Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.”
Then Joseph went in and told Pharaoh, “My father and my brothers, their flocks, their herds, and all that they own, have arrived from the land of Canaan. See, they are in the land of Goshen.”
2 Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro.
He took five of his brothers and introduced them to Pharaoh.
3 Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.”
Pharaoh said to his brothers, “What is your occupation?” They said to Pharaoh, “Your servants are shepherds, as our ancestors.”
4 Vakatizve kwaari, “Tauya kuzogara kuno kwechinguva, nokuti nzara yakanyanya muKenani uye zvipfuwo zvavaranda venyu hazvisisina mafuro. Saka zvino, tapota regai varanda venyu vagare muGosheni.”
Then they said to Pharaoh, “We come as temporary residents in the land. There is no pasture for your servants' flocks, because the famine is severe in the land of Canaan. So now, please let your servants live in the land of Goshen.”
5 Faro akati kuna Josefa, “Baba vako namadzikoma ako vauya kwauri,
Then Pharaoh spoke to Joseph, saying, “Your father and your brothers have come to you.
6 uye nyika yeIjipiti iri pamberi pako; garisa baba vako namadzikoma ako panzvimbo yakanakisisa munyika ino. Ngavagare muGosheni. Uye kana uchiziva kuti pakati pavo pane vamwe vane zvavanokwanisa kuita, uvaite kuti vave vatariri vezvipfuwo zvangu.”
The land of Egypt is before you. Settle your father and your brothers in the best region, the land of Goshen. If you know any capable men among them, put them in charge of my livestock.”
7 Ipapo akapinza baba vake Jakobho akavaendesa pamberi paFaro. Shure kwokuropafadzwa kwaFaro naJakobho,
Then Joseph brought in Jacob his father and presented him to Pharaoh. Jacob blessed Pharaoh.
8 Faro akavabvunza akati, “Mava namakore manganiko?”
Pharaoh said to Jacob, “How long have you lived?”
9 Uye Jakobho akati kuna Faro, “Makore okufamba kwangu panyika izana namakumi matatu. Makore angu akanga ari mashoma uye akaoma, uye haaenzani namakore okufamba kwamadzibaba angu.”
Jacob said to Pharaoh, “The years of my travels are a hundred and thirty. The years of my life have been few and painful. They have not been as long as those of my ancestors.”
10 Ipapo Jakobho akaropafadza Faro akabva pamberi pake.
Then Jacob blessed Pharaoh and went out from his presence.
11 Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakanakisisa munyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.
Then Joseph settled his father and his brothers. He gave them a territory in the land of Egypt, the best of the land, in the land of Rameses, as Pharaoh had commanded.
12 Josefa akapa baba vake namadzikoma ake navose veimba yababa vake zvokudya, zvakaenzana nouwandu hwavana vavo.
Joseph provided food for his father, his brothers, and all his father's household, according the number of their dependents.
13 Kunyange zvakadaro, kwakanga kusina zvokudya munyika yose nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzakaziya nokuda kwenzara.
Now there was no food in all the land; for the famine was severe. The land of Egypt and the land of Canaan wasted away because of the famine.
14 Josefa akaunganidza mari yose yaiwanikwa muIjipiti neKenani yomuripo wezviyo zvavaitenga, uye akaenda nayo kumuzinda waFaro.
Joseph gathered all the money that was in the land of Egypt and in the land of Canaan, by selling grain to the inhabitants. Then Joseph brought the money to Pharaoh's palace.
15 Mari yavanhu veIjipiti nevokuKenani yakati yapera, vanhu veIjipiti yose vakauya kuna Josefa vakati, “Tipei zvokudya. Tofireiko pamberi penyu? Mari yedu yapera.”
When all the money of the lands of Egypt and Canaan was spent, all the Egyptians came to Joseph saying, “Give us food! Why should we die in your presence because our money is gone?”
16 Ipapo Josefa akati, “Uyai nezvipfuwo zvenyu. Ndichakutengeserai zvokudya ndichitsinhanisa nezvipfuwo zvenyu, sezvo mari yenyu yapera.”
Joseph said, “If your money is gone, bring your livestock and I will give you food in exchange for your livestock.”
17 Saka vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye akavapa zvokudya achitsinhanisa namabhiza avo, makwai nembudzi dzavo, mombe nembongoro dzavo. Uye akavabudisa mugore iro nezvokudya zvokutsinhana nezvipfuwo zvavo zvose.
So they brought their livestock to Joseph. Joseph gave them food in exchange for the horses, for the flocks, for the herds, and for the donkeys. He fed them with bread in exchange for all their livestock that year.
18 Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari mugore rakatevera vakati, “Hatingavanziri ishe wedu chokwadi chokuti sezvo mari yedu yakapera uye zvipfuwo zvedu zvava zvenyu, hapasisina chasara chatingapa ishe wedu kunze kwemiviri yedu nenyika yedu.
When that year was ended, they came to him the next year and said to him, “We will not hide from my master that our money is all gone, and the herds of cattle are my master's. There is nothing left in the sight of my master, except our bodies and our land.
19 Tichafireiko pamberi penyu, isu nenyika yeduwo? Titengei isu nenyika yedu titsinhane nezvokudya, uye isu nenyika yedu tichava varanda vaFaro. Tipeiwo mbeu kuitira kuti tirarame uye tirege kufa, uye kuti nyika irege kuparara.”
Why should we die before your eyes, both we and our land? Buy us and our land in exchange for food, and we and our land will be servants to Pharaoh. Give us seed that we may live and not die, and that the land may not become desolate.”
20 Saka Josefa akatengera Faro nyika yose iri muIjipiti. VaIjipita vakatengesa, mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo. Nyika yakava yaFaro,
So Joseph bought all the land of Egypt for Pharaoh. For every Egyptian sold his field, because the famine was very severe. In this way, the land became Pharaoh's.
21 uye Josefa akaita kuti vanhu vave varanda kubva kuna mamwe magumo eIjipiti kusvikira kuna mamwe.
As for the people, he made them slaves from one end of Egypt's border to the other end.
22 Kunyange zvakadaro hazvo, haana kutenga nyika yavaprista, nokuti ivo vaigamuchira migove nguva dzose kubva kuna Faro uye vakanga vane zvokudya zvakakwana kubva pamugove wavaipiwa naFaro. Ndokusaka vasina kutengesa nyika yavo.
It was only the land of the priests that Joseph did not buy, because the priests were given an allowance. They ate from the allotment which Pharaoh gave them. Therefore they did not sell their land.
23 Josefa akati kuvanhu, “Zvino zvandakutengai nhasi imi nenyika yenyu kuti muve vaFaro, heyi mbeu yokuti mudyare muminda.
Then Joseph said to the people, “See, I have bought you and your land today for Pharaoh. Now here is seed for you, and you will plant the land.
24 Asi pamunokohwa, mupe chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chazvo kuna Faro. Zvimwe zvikamu zvina kubva muzvishanu mungazvichengeta henyu sembeu dzomuminda nezvokudya zvenyu navari mudzimba dzenyu navana venyu.”
At the harvest, you must give a fifth to Pharaoh, and four parts will be your own, for seed of the field and for food for your households and your children.”
25 Ivo vakati, “Makaponesa upenyu hwedu. Ngatiwanei hedu nyasha pamberi penyu ishe wedu; tichava varanda kuna Faro.”
They said, “You have saved our lives. May we find favor in your eyes. We will be Pharaoh's servants.”
26 Saka Josefa akasimbisa izvi somurayiro pamusoro penyika muIjipiti, murayiro uyu uchiri kushanda nanhasi, kuti chikamu chimwe chete kubva muzvishanu chezvibereko ndechaFaro. Nyika yavaprista bedzi ndiyo yakanga isiri yaFaro.
So Joseph made it a statute which is in effect in the land of Egypt to this day, that one-fifth belongs to Pharaoh. Only the land of the priests did not become Pharaoh's.
27 Zvino vaIsraeri vakagara muIjipiti mudunhu reGosheni. Vakawana pfuma ikoko, vakabereka vana uye vakawanda zvikuru.
So Israel lived in the land of Egypt, in the land of Goshen. His people gained possessions there. They were fruitful and multiplied greatly.
28 Jakobho akagara muIjipiti kwamakore gumi namanomwe, uye akararama kwamakore zana namakumi mana namanomwe.
Jacob lived in the land of Egypt seventeen years, so the years of Jacob's life were one hundred forty-seven years.
29 Nguva yokufa kwaIsraeri yakati yaswedera, akadana mwanakomana wake Josefa uye akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, isa ruoko rwako pasi pechidya changu uye ugovimbisa kuti uchandinzwira ngoni uye uchava wakatendeka. Usandiviga muIjipiti,
When the time approached for Israel to die, he called his son Joseph and said to him, “If now I have found favor in your eyes, put your hand under my thigh, and show me faithfulness and trustworthiness. Please do not bury me in Egypt.
30 asi pandinozorora namadzibaba angu, mundibudise muIjipiti munondiviga pavakavigwa.” Iye akati, “Ndichaita sezvamareva.”
When I sleep with my fathers, you will carry me out of Egypt and bury me in my forefathers' burial place.” Joseph said, “I will do as you have said.”
31 Ivo vakati, “Ndipikire.” Ipapo Josefa akapika kwaari, uye Israeri akanamata akasendamira pamusoro wetsvimbo yake.
Israel said, “Swear to me,” and Joseph swore to him. Then Israel bowed down at the head of his bed.