< Genesisi 46 >

1 Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.
Israël partit avec tout ce qui lui appartenait. Arrivé à Bersabée, il offrit des sacrifices au Dieu de son père Isaac.
2 Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.”
Et Dieu parla à Israël dans une vision de nuit, et il dit: « Jacob! Jacob! » Israël répondit: « Me voici. »
3 Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.
Et Dieu dit: « Je suis le Dieu fort, le Dieu de ton père. Ne crains point de descendre en Égypte, car là je te ferai devenir une grande nation.
4 Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”
Moi-même je descendrai avec toi en Égypte, et moi-même aussi je t’en ferai sûrement remonter; et Joseph posera sa main sur tes yeux. »
5 Ipapo Jakobho akabva paBheerishebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatora baba vavo Jakobho navana vavo navakadzi vavo vakavakwidza mungoro dzakanga dzatumirwa naFaro kuti dzivatakure.
Jacob, se levant, quitta Bersabée; et les fils d’Israël mirent Jacob, leur père, ainsi que leurs femmes et leurs enfants, sur les chariots que Pharaon avait envoyés pour le transporter.
6 Vakaendawo nezvipfuwo zvavo nepfuma yose yavakanga vawana muKenani, uye Jakobho navana vake vose vakaenda kuIjipiti.
Ils prirent aussi leurs troupeaux et leurs biens qu’ils avaient acquis dans le pays de Chanaan. Et Jacob se rendit en Égypte avec toute sa famille.
7 Akaenda pamwe chete navanakomana vake, navazukuru vake navanasikana vake navanasikana vavo, vana vake vose.
Il emmena avec lui en Égypte ses fils et les fils de ses fils, ses filles et les filles de ses fils, et toute sa famille.
8 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri (Jakobho nezvizvarwa zvake) vakaenda kuIjipiti: Rubheni dangwe raJakobho.
Voici les noms des fils d’Israël qui vinrent en Égypte: Jacob et ses fils. — Premier-né de Jacob, Ruben. —
9 Vanakomana vaRubheni vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKami.
Fils de Ruben: Hénoch, Phallu, Hesron et Charmi. —
10 Vanakomana vaSimeoni vaiva: Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani.
Fils de Siméon: Jamuel, Jamin, Ahod, Jachin et Sohar, et Saul, fils de la Chananéenne. —
11 Vanakomana vaRevhi vaiva: Gerishoni, Kohati naMerari.
Fils de Lévi: Gerson, Caat et Mérari. —
12 Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani, Shera, Perezi naZera (asi Eri naOnani vakanga vafira munyika yeKenani). Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.
Fils de Juda: Her, Onan, Séla, Pharès et Zara; mais Her et Onan étaient morts au pays de Chanaan. Les fils de Pharès furent Hesron et Hamul. —
13 Vanakomana vaIsakari vaiva: Tora, Pua, Jashubhi naShimironi.
Fils d’Issachar: Thola, Phua, Job et Semron. —
14 Vanakomana vaZebhuruni vaiva: Seredhi, Eroni naJareri.
Fils de Zabulon: Sared, Elon et Jahélel —
15 Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naRea muPadhani Aramu, kunze kwaDhaina mwanasikana wake. Vanakomana navanasikana vake ava vakanga vari makumi matatu navatatu pamwe chete.
Ce sont là les fils que Lia enfanta à Jacob à Paddan-Aram, avec sa fille Dina. Ses fils et ses filles étaient en tout trente-trois personnes.
16 Vanakomana vaGadhi vaiva: Zefoni, Hagi, Shuni, Ezibhoni, Eri, Arodhi naAreri.
Fils de Gad: Séphion, Haggi, Suni, Esebon, Heri, Arodi et Aréli. —
17 Vanakomana vaAsheri vaiva: Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yakanga iri Sera. Vanakomana vaBheria vaiva: Hebheri naMarikieri.
Fils d’Aser: Jamné, Jésua, Jessui et Béria, et Sara, leur sœur. Les fils de Béria furent Héber et Melchiel. —
18 Ava ndivo vana vakaberekerwa Jakobho naZiripa, uyo akanga apiwa naRabhani kuna Rea mwanasikana wake, gumi navatanhatu pamwe chete.
Ce sont là les fils de Zelpha, que Laban avait donnée à Lia, sa fille; et elle les enfanta à Jacob: en tout seize personnes.
19 Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakobho vaiva: Josefa naBhenjamini.
Fils de Rachel, femme de Jacob: Joseph et Benjamin.
20 MuIjipiti, Manase naEfuremu vakaberekerwa Josefa naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
Il naquit à Joseph, au pays d’Égypte, des fils que lui enfanta Aseneth, fille de Putiphar, prêtre d’On, savoir Manassé et Ephraïm. —
21 Vanakomana vaBhenjamini vaiva: Bhera, Bhekeri, Gera, Naamani, Ehi, Roshi, Mupimi, Hupimi naAridhi.
Fils de Benjamin: Béla, Bochor, Asbel, Géra, Naaman, Echi, Ros, Mophim, Ophim et Ared. —
22 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaRakeri vakanga vaberekerwa Jakobho, gumi navana pamwe chete.
Ce sont là les fils de Rachel, qui naquirent à Jacob: en tout quatorze personnes.
23 Mwanakomana waDhani aiva: Hushimi.
Fils de Dan: Husim. —
24 Vanakomana vaNafutari vaiva: Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi.
Fils de Nephtali: Jasiel, Guni, Jéser et Salem. —
25 Ava ndivo vanakomana vakaberekerwa Jakobho naBhiriha, uya akapiwa naRabhani kuna Rakeri mwanasikana wake, vanomwe pamwe chete.
Ce sont là les fils de Bala, que Laban avait donnée à Rachel, sa fille; et elle les enfanta à Jacob: en tout sept personnes.
26 Vose vakaenda naJakobho kuIjipiti, vaya vakanga vari zvizvarwa zvake chaizvo, tisingaverengi vakadzi vavanakomana vake, vaiva vanhu makumi matanhatu navatanhatu pakuwanda.
Toutes les personnes qui vinrent avec Jacob en Égypte, issues de lui, sans compter les femmes des fils de Jacob, étaient au nombre de soixante-six en tout.
27 Pamwe chete navanakomana vaviri vakaberekerwa Josefa muIjipiti, vose vemhuri yaJakobho, avo vakaenda kuIjipiti, vakanga vari makumi manomwe pamwe chete.
Les fils de Joseph qui lui étaient nés en Égypte étaient deux. — Le total des personnes de la famille de Jacob qui vinrent en Égypte était de soixante-dix.
28 Zvino Jakobho akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti aratidzwe nzira yokuenda nayo kuGosheni. Vakati vasvika mudunhu reGosheni,
Jacob avait envoyé Juda devant lui vers Joseph pour préparer son arrivée en Gessen. Lorsque Jacob et les siens furent entrés en Gessen,
29 Josefa akaita kuti ngoro yake igadzirirwe uye akaenda kuGosheni kundosangana nababa vake Israeri. Josefa paakangosvika pamberi pavo, akambundikira baba vake uye akachema kwenguva refu.
Joseph fit atteler son char et y monta, pour aller en Gessen, à la rencontre d’Israël, son père. Il se montra à lui et, s’étant jeté à son cou, il pleura longtemps sur son cou.
30 Israeri akati kuna Josefa, “Zvino ndagadzirira kufa, sezvo ndazvionera pachangu kuti uchiri mupenyu.”
Israël dit à Joseph: « Je puis mourir maintenant, puisque j’ai vu ton visage et que tu vis encore! »
31 Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.
Joseph dit à ses frères et à la famille de son père: « Je vais avertir Pharaon et je lui dirai: Mes frères et la famille de mon père, qui étaient au pays de Chanaan, sont venus vers moi.
32 Vanhu ava vafudzi; vanochengeta zvipfuwo, uye vauya namakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo.’
Ces hommes font paître des brebis, car ce sont des propriétaires de troupeaux; ils ont amené leurs brebis et leurs bœufs, et tout ce qui leur appartient.
33 Pamunodanwa naFaro uye akakubvunzai achiti, ‘Basa renyu ndereiko?’
Et quand Pharaon vous appellera et dira: Quelle est votre occupation?
34 imi munofanira kupindura muchiti, ‘Varanda venyu vaiva vachengeti vezvipfuwo kubvira pauduku hwavo, sezvakanga zvichiitawo madzibaba edu.’ Ipapo muchatenderwa kugara munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza kuvaIjipita.”
vous répondrez: Nous, tes serviteurs, sommes des propriétaires de troupeaux depuis notre jeunesse jusqu’à présent comme l’étaient nos pères. De cette manière vous habiterez dans le pays de Gessen, car tous les bergers sont en abomination aux Égyptiens. »

< Genesisi 46 >