< Genesisi 45 >

1 Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake.
Then Joseph could no longer control himself before all those who stood before him, so he cried out, "Send everyone away from me." So no one stood with him while Joseph made himself known to his brothers.
2 Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo.
And he wept so loudly that the Egyptians heard it, and the house of Pharaoh heard about it.
3 Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi hama dzake hadzina kugona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Then Joseph said to his brothers, "I am Joseph. Is my father still alive?" But his brothers couldn't answer him, for they were terrified at his presence.
4 Ipapo Josefa akati kuhama dzake, “Swederai henyu kwandiri.” Vakati vaita izvozvo, akati, “Ndini Josefa hama yenyu, wamakatengesa kuIjipiti!
Then Joseph said to his brothers, "Come near to me, please." So they moved closer. And he said, "I am Joseph, your brother, whom you sold into Egypt.
5 Uye zvino, musatambudzika uye musazvitsamwira nokuda kwokuti makanditengesa kuno, nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndigoponesa upenyu hwavanhu.
Now do not be upset or angry with yourselves that you sold me here, for God sent me before you to preserve life.
6 Nokuti pava namakore maviri zvino nzara yava munyika, uye makore mashanu ari kutevera kuchange kusingarimwi kana kukohwewa.
For the famine has been in the land these two years, and there will be five more years in which there will be neither plowing nor harvest.
7 Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndikuchengeterei vanosara panyika uye kuti ndiponese upenyu hwenyu nokusunungurwa kukuru.
God sent me ahead of you to preserve for you a remnant on the earth, and to save your lives by a great deliverance.
8 “Saka zvino, hamusimi makandituma kuno, asi Mwari. Akandiita baba kuna Faro, ishe weimba yake yose nomutongi weIjipiti yose.
So now, it wasn't you who sent me here, but God, and he has made me a father to Pharaoh, lord of all his house, and ruler over all the land of Egypt.
9 Zvino kurumidzai mudzokere kuna baba vangu mundoti kwavari, ‘Zvanzi nomwanakomana wenyu Josefa: Mwari akandiita ishe weIjipiti yose. Burukai muuye kwandiri; musanonoka.
Now hurry and go up to my father and tell him, 'This is what your son Joseph says, "God has made me lord of all Egypt. Come down to me. Do not delay.
10 Muchandogara munyika yeGosheni muve pedyo neni, imi, vana venyu navazukuru venyu, zvipfuwo zvenyu nemombe dzenyu nezvose zvamunazvo.
You shall dwell in the land of Goshen, and you will be near to me, you, your children, and your children's children, and your flocks, and your herds, and everything that you have.
11 Ndichakuriritirai ikoko, nokuti mamwe makore mashanu enzara ari kuuya. Kana zvikasadaro imi neveimba yenyu navose vamunavo mungazova varombo.’
There I will provide for you, for there are still five years of famine to come, otherwise you and your household and all that you have would become destitute.
12 “Muri kuzvionera pachenyu, uye kana mununʼuna wangu uyu Bhenjamini, kuti ndini chaiye ari kutaura nemi.
Look, your eyes see, and the eyes of my brother Benjamin, that it is my mouth which is speaking to you.
13 Muudze baba vangu pamusoro pokukudzwa kwangu muIjipiti uye napamusoro pezvinhu zvose zvamaona. Uye muuye nababa vangu kuno nokukurumidza.”
So you must tell my father about all my glory in Egypt, and of all that you have seen. But you must hurry and bring my father down here."
14 Ipapo akawira pamutsipa womununʼuna wake Bhenjamini akachema, uye Bhenjamini akamumbundikirawo achichema.
Then he threw his arms around his brother Benjamin's neck and wept, and Benjamin wept on his shoulder.
15 Uye akatsvoda madzikoma ake ose uye akachema pamusoro pavo. Shure kwaizvozvo, madzikoma ake akataura naye.
And he kissed all his brothers and wept on them, and after that his brothers talked with him.
16 Shoko rakati rasvika kumuzinda waFaro kuti madzikoma aJosefa akanga auya, Faro namachinda ake ose vakafara.
Now the report of it was heard in Pharaoh's house, saying, "Joseph's brothers have come." It pleased Pharaoh and his servants.
17 Faro akati kuna Josefa, “Taurira hama dzako uti, ‘Itai izvi: Takudzai zvipfuwo zvenyu mudzokere kunyika yeKenani,
And Pharaoh said to Joseph, "Tell your brothers, 'Do this: Load your animals and go. Enter the land of Canaan.
18 mundouya nababa venyu uye nemhuri kuno kwandiri. Ndichakupai nyika yakaisvonaka yeIjipiti uye mugofara nezvakakora zvenyika.’
Take your father and your families and come to me, and I will give you the best of the land of Egypt, and you will eat the richness of the land.'
19 “Iwe unorayirwawo kuti uvaudze kuti, ‘Itai izvi: Torerai vana navakadzi venyu dzimwe ngoro dzinobva muIjipiti uye mundotora baba venyu mugodzoka.
Now you are commanded, 'Do this: Take wagons from the land of Egypt for your little ones, and for your wives, and bring your father and come.
20 Musafunganya henyu nezvenhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvose zveIjipiti zvichava zvenyu.’”
Also, do not worry about your possessions, for the best of all of the land of Egypt is yours."
21 Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo.
So the sons of Israel did that. And Joseph gave them wagons, according to the commandment of Pharaoh, and gave them provisions for the journey.
22 Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeri esirivha nenguo shanu dzokupfeka.
He gave to all of them, to each one, a change of clothing. But to Benjamin he gave three hundred pieces of silver and five changes of clothing.
23 Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo.
To his father he sent the following: ten donkeys loaded with the best things of Egypt, and ten female donkeys loaded with grain and food and provision for his father on the journey.
24 Ipapo akaendesa hama dzake uye pavakanga voenda akati kwavari, “Musakakavadzana munzira!”
So he sent his brothers off, and as they departed he said to them, "Do not be fearful on the journey."
25 Saka vakabuda muIjipiti uye vakaenda vakandosvika kuna baba vavo Jakobho kunyika yeKenani.
So they went up out of Egypt and came into the land of Canaan to their father Jacob.
26 Uye vakati kwavari, “Josefa mupenyu! Uye ndiye mutongi weIjipiti yose.” Jakobho akati rukutu; haana kuvatenda.
And they told him, saying, "Joseph is still alive, and he is ruler over all the land of Egypt." But he was unmoved, because he did not believe them.
27 Asi pavakavaudza zvose zvakanga zvarehwa naJosefa kwavari, uye paakaona ngoro dzakanga dzatumirwa kwavari naJosefa kuti dzizovatakura, mweya wababa wavo Jakobho wakamutsiridzwa.
But when they told him all the words of Joseph, which he had said to them, and when he saw the wagons which Joseph had sent to transport him, the spirit of their father Jacob revived.
28 Uye Israeri akati, “Ndagutsikana! Mwana wangu Josefa achiri mupenyu. Ndichaenda kundomuona ndisati ndafa.”
Then Israel said, "I'm convinced. My son Joseph is still alive. I will go and see him before I die."

< Genesisi 45 >