< Genesisi 43 >

1 Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika.
那地的饑荒甚大。
2 Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.”
他們從埃及帶來的糧食吃盡了,他們的父親就對他們說:「你們再去給我糴些糧來。」
3 Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’
猶大對他說:「那人諄諄地告誡我們說:『你們的兄弟若不與你們同來,你們就不得見我的面。』
4 Kana mukaendesa mununʼuna wedu nesu, tichaenda kundokutengerai zvokudya.
你若打發我們的兄弟與我們同去,我們就下去給你糴糧;
5 Asi kana mukasamuendesa, hatingatongoendi, nokuti murume uya akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge mununʼuna wenyu auya nemi.’”
你若不打發他去,我們就不下去,因為那人對我們說:『你們的兄弟若不與你們同來,你們就不得見我的面。』」
6 Israeri akabvunza akati, “Seiko makauyisa dambudziko iri pamusoro pangu zvamakaudza murume uyu kuti muno mumwe mununʼuna?”
以色列說:「你們為甚麼這樣害我,告訴那人你們還有兄弟呢?」
7 Ivo vakapindura vakati, “Murume uyu akatibvunzisisa kwazvo nezvedu uye nezvemhuri yedu. Akati, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Muno mumwe mununʼuna here?’ Takangopindura mubvunzo wake zvakanaka. Ko, taiziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nomununʼuna wenyu kuno?’”
他們回答說:「那人詳細問到我們和我們的親屬,說:『你們的父親還在嗎?你們還有兄弟嗎?』我們就按着他所問的告訴他,焉能知道他要說『必須把你們的兄弟帶下來』呢?」
8 Ipapo Judha akati kuna Israeri baba vake, “Tumai mukomana pamwe chete neni tibve taenda izvozvi, kuitira kuti isu nemi navana vedu tirarame uye tirege kufa.
猶大又對他父親以色列說:「你打發童子與我同去,我們就起身下去,好叫我們和你,並我們的婦人孩子,都得存活,不至於死。
9 Ini pachangu ndichava rubatso rwokuchengetedzeka kwake; musiyei muruoko rwangu pachangu. Kana ndikasadzoka naye kwamuri ndikamumisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva pamberi penyu muupenyu hwangu hwose.
我為他作保;你可以從我手中追討,我若不帶他回來交在你面前,我情願永遠擔罪。
10 Izvozvi dai tisina kunonoka, tingadai takatoenda uye takatodzoka kaviri kwose.”
我們若沒有耽擱,如今第二次都回來了。」
11 Ipapo baba vavo Israeri vakati kwavari, “Kana zvakadaro, itai izvi zvino: Isai zvimwe zvibereko zvemichero yenyika ino zvakaisvonaka mumasaga enyu uye mugoenda nazvo sezvipo kumurume uyo, bharimu shoma shoma, nouchi hushoma shoma, zvinonhuhwira nemura, nzungu dzomupistakio namaarimondi.
他們的父親以色列說:「若必須如此,你們就當這樣行:可以將這地土產中最好的乳香、蜂蜜、香料、沒藥、榧子、杏仁都取一點,收在器具裏,帶下去送給那人作禮物,
12 Mutakure mari yakapetwa kaviri, nokuti munofanira kudzorera mari yakanga yadzoserwa pamiromo yamasaga enyu. Zvichida kwaiva kukanganisa.
又要手裏加倍地帶銀子,並將歸還在你們口袋內的銀子仍帶在手裏;那或者是錯了。
13 Toraiwo mununʼuna wenyu mudzokere izvozvi kumunhu uyo.
也帶着你們的兄弟,起身去見那人。
14 Uye Mwari Wamasimba Ose ngaakunzwirei ngoni pamberi pomunhu uyo kuitira kuti asunungure mumwe mununʼuna wenyu naBhenjamini uye vagodzokazve nemi. Kana ndirini, kana ndafirwa navana vangu, ndafirwa hangu.”
但願全能的上帝使你們在那人面前蒙憐憫,釋放你們的那弟兄和便雅憫回來。我若喪了兒子,就喪了吧!」
15 Saka varume vakatora zvipo nemari yakapetwa kaviri, naBhenjaminiwo. Vakakurumidza kuburuka kuIjipiti vakandozviratidza kuna Josefa.
於是,他們拿着那禮物,又手裏加倍地帶銀子,並且帶着便雅憫,起身下到埃及,站在約瑟面前。
16 Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kuvatariri veimba yake, “Torai varume ava muende navo kumba kwangu, muuraye chipfuwo mugogadzira zvokudya; vanofanira kudya neni masikati ano.”
約瑟見便雅憫和他們同來,就對家宰說:「將這些人領到屋裏。要宰殺牲畜,預備筵席,因為晌午這些人同我吃飯。」
17 Varume vakaita sezvavakanga vaudzwa naJosefa vakabva vatora varume vaya vakaenda navo kumba kwaJosefa.
家宰就遵着約瑟的命去行,領他們進約瑟的屋裏。
18 Zvino varume vaya vakatya pavakatorwa vakaendwa navo kumba kwake. Vakafunga vakati, “Tauyiswa muno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mumasaga edu panguva yokutanga. Anoda kutirwisa, agotikunda, agotisunga senhapwa uye agotora mbongoro dzedu.”
他們因為被領到約瑟的屋裏,就害怕,說:「領我們到這裏來,必是因為頭次歸還在我們口袋裏的銀子,找我們的錯縫,下手害我們,強取我們為奴僕,搶奪我們的驢。」
19 Saka vakaenda kumutariri waJosefa vakandotaura naye pamukova wokupinda mumba make.
他們就挨近約瑟的家宰,在屋門口和他說話,
20 Vakati kwaari, “Tapota ishe, takauya kuno panguva yokutanga kuti tizotenga zvokudya.
說:「我主啊,我們頭次下來實在是要糴糧。
21 Asi patakamira pane imwe nzvimbo usiku, takazarura masaga edu uye mumwe nomumwe wedu akawana mari yake iri pamuromo wesaga, iyo mari yacho yose zvayo. Saka tadzoka nayo.
後來到了住宿的地方,我們打開口袋,不料,各人的銀子,分量足數,仍在各人的口袋內,現在我們手裏又帶回來了。
22 Tauyawo neimwe mari yokuti tizotenga zvokudya. Hatizivi akaisa mari yedu mumasaga edu.”
另外又帶下銀子來糴糧。不知道先前誰把銀子放在我們的口袋裏。」
23 Iye akati, “Zvakanakai. Musatya henyu Mwari wenyu, iye Mwari wababa venyu, ndiye akakupai pfuma mumasaga enyu, ini ndakagamuchira mari yenyu.” Ipapo akabudisa Simeoni akamuuyisa kwavari.
家宰說:「你們可以放心,不要害怕,是你們的上帝和你們父親的上帝賜給你們財寶在你們的口袋裏;你們的銀子,我早已收了。」他就把西緬帶出來,交給他們。
24 Mutariri uya akauyisa varume vaya mumba maJosefa, akavapa mvura kuti vashambe tsoka dzavo uye akapa mbongoro dzavo zvokudya.
家宰就領他們進約瑟的屋裏,給他們水洗腳,又給他們草料餵驢。
25 Vakagadzira zvipo zvokupa Josefa pakusvika kwake masikati, nokuti vakanga vanzwa kuti vachandodya ikoko.
他們就預備那禮物,等候約瑟晌午來,因為他們聽見要在那裏吃飯。
26 Josefa akati auya kumba, ivo vakamupa zvipo zvavakanga vapinda nazvo mumba, uye vakakotamira pasi kwaari.
約瑟來到家裏,他們就把手中的禮物拿進屋去給他,又俯伏在地,向他下拜。
27 Akavabvunza mufaro, uye akati, “Vakadii baba venyu, mutana, vamakandiudza nezvavo? Vachiri vapenyu here?”
約瑟問他們好,又問:「你們的父親-就是你們所說的那老人家平安嗎?他還在嗎?」
28 Vakapindura vakati, “Muranda wenyu, ivo baba vedu vachiri vapenyu uye vanofara.” Uye vakakotama pasi kuti vamuremekedze.
他們回答說:「你僕人-我們的父親平安;他還在。」於是他們低頭下拜。
29 Paakatarisa-tarisa akaona mununʼuna wake Bhenjamini, mwanakomana wamai vake chaiye, akabvunza akati, “Uyu ndiye mununʼuna wenyu gotwe, wamakandiudza nezvake here?” Uye akati, “Mwari akuitire nyasha, mwanakomana wangu.”
約瑟舉目看見他同母的兄弟便雅憫,就說:「你們向我所說那頂小的兄弟就是這位嗎?」又說:「小兒啊,願上帝賜恩給你!」
30 Adumbirwa pakuona kwake mununʼuna wake, Josefa akakurumidza kubuda uye akatsvaka nzvimbo paangachema ari. Akapinda muimba yake yomukati akandochema ari imomo.
約瑟愛弟之情發動,就急忙尋找可哭之地,進入自己的屋裏,哭了一場。
31 Shure kwokushamba uso hwake, akabuda uye akazvidzora, akati “Pakurai zvokudya.”
他洗了臉出來,勉強隱忍,吩咐人擺飯。
32 Vakamupakurira ari oga, madzikoma vari voga, uye vaIjipita vaidya naye vari voga, nokuti vaIjipita vakanga vasingagoni kudya pamwe chete navaHebheru, nokuti zvinonyangadza kuvaIjipita.
他們就為約瑟單擺了一席,為那些人又擺了一席,也為和約瑟同吃飯的埃及人另擺了一席,因為埃及人不可和希伯來人一同吃飯;那原是埃及人所厭惡的。
33 Varume vakanga vakagariswa pamberi pake zvaienderana namazera avo, kubva kudangwe kusvikira kugotwe; uye vakatarisana zvikavakatyamadza.
約瑟使眾弟兄在他面前排列坐席,都按着長幼的次序,眾弟兄就彼此詫異。
34 Pavakagoverwa migove kubva patafura yaJosefa, mugove waBhenjamini wakanga wakawanda kashanu kupinda ani zvake pakati pavo. Saka vakadya nokunwa naye vakasununguka.
約瑟把他面前的食物分出來,送給他們;但便雅憫所得的比別人多五倍。他們就飲酒,和約瑟一同宴樂。

< Genesisi 43 >