< Genesisi 41 >
1 Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paRwizi Nairi.
Kwasekusithi ekupheleni kweminyaka emibili egcweleyo uFaro waphupha; khangela-ke, emi emfuleni.
2 Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga.
Khangela-ke, emfuleni kwakhuphuka amankomokazi ayisikhombisa, ekhangeleka emahle, enonile enyameni; adla emihlangeni.
3 Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muna Nairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi.
Khangela-ke, amanye amankomokazi ayisikhombisa akhuphuka emfuleni emva kwawo, ekhangeleka kubi, ecakile enyameni; ema eduze lamankomokazi ekhunjini lomfula.
4 Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka.
Amankomokazi akhangeleka kubi acakileyo enyameni adla amankomokazi akhangeleka kuhle anonileyo. UFaro wasephaphama.
5 Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe.
Walala futhi, waphupha ngokwesibili; khangela-ke, kwakhahlela izikhwebu eziyisikhombisa ehlangeni linye, ezigcweleyo zilungile.
6 Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.
Khangela-ke, izikhwebu eziyisikhombisa ezicakileyo, zihangulwe ngumoya wempumalanga, zakhahlela emva kwazo.
7 Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota.
Izikhwebu ezicakileyo zaginya izikhwebu ezipheleleyo ezigcweleyo. UFaro wasephaphama, khangela-ke, kwakuliphupho.
8 Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kunʼanga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari.
Kwasekusithi ekuseni umoya wakhe wakhathazeka; wathumela wabiza izangoma zonke zeGibhithe lazo zonke izazi zayo. UFaro wazilandisela iphupho lakhe; kodwa kwakungekho ongamchasisela wona uFaro.
9 Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu.
Induna yabaphathinkezo yasikhuluma kuFaro isithi: Lamuhla ngiyakhumbula amacala ami.
10 Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi.
UFaro wazithukuthelela inceku zakhe, wanginikela esitokisini, endlini yenduna yabalindi, mina lenduna yabaphekizinkwa;
11 Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako.
njalo saphupha iphupho ngabusuku bunye, mina layo. Saphupha, ngamunye njengengcazelo yephupho lakhe.
12 Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake.
Kwakukhona lapho kanye lathi ijaha umHebheru, inceku yenduna yabalindi; sayilandisela yasichasisela amaphupho ethu, yachasisa ngamunye njengephupho lakhe.
13 Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.”
Kwasekusithi njengokusichasisela kwayo kwaba njalo; mina wangibuyisela esikhundleni sami, yena wamlengisa.
14 Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro.
UFaro wasethumela wabiza uJosefa; bamkhupha emgodini ngokuphangisa; esephucile wafaka ezinye izigqoko, wangena kuFaro.
15 Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.”
UFaro wasesithi kuJosefa: Ngiphuphile iphupho, kodwa kakho olichasisayo; njalo mina ngizwile ngawe ukuthi: Usizwa iphupho, uyalichasisa.
16 Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”
UJosefa wasemphendula uFaro esithi: Kakukho kimi. UNkulunkulu uzaphendula impilakahle kaFaro.
17 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi,
UFaro wasekhuluma kuJosefa wathi: Ephutsheni lami, khangela, ngangimi ekhunjini lomfula;
18 ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga.
njalo khangela, kwakhuphuka emfuleni amankomokazi ayisikhombisa, anonileyo enyameni, akhangeleka emahle, adla emihlangeni.
19 Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti.
Khangela-ke, amanye amankomokazi ayisikhombisa akhuphuka emva kwawo, ayangekileyo, akhangeleka emabi kakhulu, acakileyo enyameni; angizanga ngiwabone anjengawo ngobubi elizweni lonke leGibhithe.
20 Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya.
Kwathi amankomokazi acakileyo lamabi adla amankomokazi ayisikhombisa okuqala anonileyo.
21 Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka.
Lapho esengene esiswini sawo, kakubonakalanga ukuthi angenile esiswini sawo, ngoba ekhangeleka kubi njengakuqala. Ngasengiphaphama.
22 “Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete.
Ngasengibona ephutsheni lami, khangela-ke, izikhwebu eziyisikhombisa zikhahlela ehlangeni linye, zigcwele zilungile;
23 Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva.
njalo khangela, izikhwebu eziyisikhombisa ezitshwabheneyo, ezicakileyo, ezihangulwe ngumoya wempumalanga zakhahlela emva kwazo.
24 Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza nʼanga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.”
Njalo izikhwebu ezicakileyo zaginya izikhwebu eziyisikhombisa ezilungileyo. Njalo ngakulandisela izangoma; kodwa kwakungekho esangichasiselayo.
25 Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita.
UJosefa wasesithi kuFaro: Iphupho likaFaro linye. Lokho uNkulunkulu akwenzayo, umazisile uFaro.
26 Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana.
Amankomokazi ayisikhombisa alungileyo ayiminyaka eyisikhombisa; lezikhwebu eziyisikhombisa ezilungileyo ziyiminyaka eyisikhombisa. Iphupho linye.
27 Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara.
Njalo amankomokazi acakileyo lamabi akhuphuka emva kwawo ayiminyaka eyisikhombisa; lezikhwebu eziyisikhombisa ezicakileyo ezihangulwe ngumoya wempumalanga zizakuba yiminyaka eyisikhombisa yendlala.
28 “Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita.
Le yinto engiyikhulume kuFaro ukuthi: Lokho uNkulunkulu akwenzayo, ukutshengisile kuFaro.
29 Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti,
Khangela, kuyeza iminyaka eyisikhombisa yenala enkulu elizweni lonke leGibhithe.
30 asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika.
Kuzavela iminyaka eyisikhombisa yendlala emva kwayo; izakhohlakala-ke inala yonke elizweni leGibhithe; njalo indlala izaliqeda ilizwe.
31 Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo.
Njalo inala kayiyikwaziwa elizweni ngenxa yaleyondlala emva kwalokho, ngoba izakuba nzima kakhulu.
32 Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.
Njalo ukuthi iphupho liphindwe kabili kuFaro, kungoba into le imisiwe nguNkulunkulu, futhi uNkulunkulu uyaphangisa ukukwenza.
33 “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti.
Khathesi-ke uFaro kakhangele indoda eqedisisayo lehlakaniphileyo, ayibeke phezu kwelizwe leGibhithe.
34 Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze chikamu chimwe chete muzvishanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta.
UFaro kenze lokhu, abeke ababonisi phezu kwelizwe, athathe ingxenye yesihlanu yelizwe leGibhithe eminyakeni eyisikhombisa yenala.
35 Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya.
Kababuthe konke ukudla kwaliminyaka elungileyo ezayo, njalo kababuthelele amabele ngaphansi kwesandla sikaFaro, kube yikudla emizini, bawagcine.
36 Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”
Njalo ukudla kuzakuba yisiphala selizwe okweminyaka eyisikhombisa yendlala ezakuba khona elizweni leGibhithe, ukuze ilizwe lingabhujiswa yindlala.
37 Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose.
Njalo into le yabanhle emehlweni kaFaro lemehlweni ezinceku zakhe zonke.
38 Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?”
UFaro wasesithi ezincekwini zakhe: Singamthola yini onjengaye, indoda okuyo uMoya kaNkulunkulu?
39 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe.
UFaro wasesithi kuJosefa: Njengalokhu uNkulunkulu ekwazisile konke lokhu, kakho oqedisisayo lohlakaniphileyo njengawe.
40 Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”
Wena uzakuba phezu kwendlu yami, njalo emlonyeni wakho bonke abantu bami bazabuswa; kuphela esihlalweni sobukhosi ngizakuba mkhulu kulawe.
41 Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.”
UFaro wasesithi kuJosefa: Khangela, ngikubekile phezu kwelizwe lonke leGibhithe.
42 Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake.
UFaro wasekhupha indandatho yakhe elophawu lwakhe esandleni sakhe, wayifaka esandleni sikaJosefa, wamgqokisa izigqoko zelembu elicolekileyo kakhulu, wamgaxa iketane legolide entanyeni yakhe.
43 Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamirira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose.
Wamhambisa enqoleni yesibili ayelayo; njalo bamemeza phambi kwakhe besithi: Guqani! Ngokunjalo wambeka phezu kwelizwe lonke leGibhithe.
44 Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.”
UFaro wasesithi kuJosefa: NginguFaro; kodwa ngaphandle kwakho kakho ozaphakamisa isandla sakhe loba unyawo lwakhe elizweni lonke leGibhithe.
45 Faro akatumidza Josefa zita rokuti Zafenati-Panea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.
UFaro wasebiza ibizo likaJosefa ngokuthi uZafenathi-Paneya. Wamnika uAsenathi, indodakazi kaPotifera umpristi weOni, ukuthi abe ngumkakhe. UJosefa wasephuma wadabula elizweni leGibhithe.
46 Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro akafamba munyika yose yeIjipiti.
Njalo uJosefa wayeleminyaka engamatshumi amathathu mhla esima phambi kukaFaro inkosi yeGibhithe. UJosefa wasephuma esuka ebusweni bukaFaro, wadabula ilizwe lonke leGibhithe.
47 Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo.
Umhlaba wathela ngezandla ezigcweleyo eminyakeni eyisikhombisa yenala.
48 Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza.
Waseqoqa konke ukudla kweminyaka eyisikhombisa eyayiselizweni leGibhithe, wabeka ukudla emizini; ukudla kwensimu ezingelezele lowo lalowomuzi wakubeka kuwo.
49 Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.
UJosefa wasebuthelela amabele njengetshebetshebe lolwandle, aba manengi kakhulu, waze wayekela ukubala, ngoba ayengelanani.
50 Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni.
Wasezalelwa uJosefa amadodana amabili, ungakafiki umnyaka wendlala, amzalela wona uAsenathi indodakazi kaPotifera umpristi weOni.
51 Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.”
UJosefa wasebiza ibizo lezibulo wathi nguManase, wathi: Ngoba uNkulunkulu ungenze ukuthi ngikhohlwe konke ukuhlupheka kwami lendlu yonke kababa.
52 Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.”
Lebizo leyesibili walibiza wathi nguEfrayimi, wathi: Ngoba uNkulunkulu ungenze ukuthi ngibe lezithelo elizweni lokuhlupheka kwami.
53 Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera,
Kwasekuphela iminyaka eyisikhombisa yenala eyayiselizweni leGibhithe.
54 uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya.
Kwasekuqala ukufika iminyaka eyisikhombisa yendlala, njengoba uJosefa wayetshilo. Kwasekusiba khona indlala emazweni wonke, kodwa elizweni lonke leGibhithe kwakukhona isinkwa.
55 Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa muite zvaanokuudzai.”
Kwathi ilizwe leGibhithe lonke selilamba, abantu bakhala ngesinkwa kuFaro. UFaro wasesithi kuwo wonke amaGibhithe: Yanini kuJosefa, lenze lokho alitshela khona.
56 Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti.
Kwathi sekulendlala ebusweni belizwe lonke, uJosefa wavula zonke iziphala, wathengisela amaGibhithe; indlala-ke yaba lamandla elizweni leGibhithe.
57 Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose.
Lonke ilizwe lafika eGibhithe kuJosefa ukuthenga, ngoba indlala yayilamandla emhlabeni wonke.