< Genesisi 40 >

1 Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti.
這事以後,埃及王的酒政和膳長得罪了他們的主-埃及王,
2 Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru,
法老就惱怒酒政和膳長這二臣,
3 akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa.
把他們下在護衛長府內的監裏,就是約瑟被囚的地方。
4 Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva.
護衛長把他們交給約瑟,約瑟便伺候他們;他們有些日子在監裏。
5 Vose vari vaviri vakarota hope, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti, avo vakanga vakabatwa vari mutorongo, vakarota usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwakanga kune zvakunoreva.
被囚在監之埃及王的酒政和膳長二人同夜各做一夢,各夢都有講解。
6 Josefa akati auya kwavari mangwanani akatevera, akaona kuti vakanga vakasurukirwa.
到了早晨,約瑟進到他們那裏,見他們有愁悶的樣子。
7 Saka akabvunza varanda vaFaro vakanga vari muchitokisi naye mumba matenzi wake akati, “Seiko nhasi zviso zvenyu zvichipunyaira kudai?”
他便問法老的二臣,就是與他同囚在他主人府裏的,說:「你們今日為甚麼面帶愁容呢?」
8 Vakapindura vakati, “Tose tiri vaviri tarota hope, asi hakuna munhu angadzidudzira.” Ipapo Josefa akati kwavari, “Ko, kududzira hakuzi kwaMwari here? Ndiudzei kurota kwenyu.”
他們對他說:「我們各人做了一夢,沒有人能解。」約瑟說:「解夢不是出於上帝嗎?請你們將夢告訴我。」
9 Saka mudiri mukuru akataurira Josefa kurota kwake. Akati kwaari, “Mukurota kwangu ndaona muzambiringa pamberi pangu,
酒政便將他的夢告訴約瑟說:「我夢見在我面前有一棵葡萄樹,
10 uye mumuzambiringa manga mune matavi matatu. Wati uchangobuka, waita maruva, uye masumbu awo aibva akava mazambiringa.
樹上有三根枝子,好像發了芽,開了花,上頭的葡萄都成熟了。
11 Mukombe waFaro wanga uri muruoko rwangu, uye ndatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFaro uye ndikaisa mukombe muruoko rwake.”
法老的杯在我手中,我就拿葡萄擠在法老的杯裏,將杯遞在他手中。」
12 Josefa akati kwavari, “Uku ndiko kududzirwa kwadzo. Matavi matatu ndiwo mazuva matatu.
約瑟對他說:「你所做的夢是這樣解:三根枝子就是三天;
13 Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako agokudzosera pabasa rako, uye uchaisa mukombe waFaro muruoko rwake, sezvawaisimboita pawakanga uri mudiri wake.
三天之內,法老必提你出監,叫你官復原職,你仍要遞杯在法老的手中,和先前作他的酒政一樣。
14 Asi pazvinenge zvakunakira iwe, undirangarire uye undiitirewo ngoni; undireverere kuna Faro kuti ndigobudiswa mutorongo rino.
但你得好處的時候,求你記念我,施恩與我,在法老面前提說我,救我出這監牢。
15 Nokuti ndakatorwa nokumanikidzwa kubva kunyika yavaHebheru, kunyange pano handina kuita chinhu chakafanira kuti ndipinzwe mugomba rino.”
我實在是從希伯來人之地被拐來的;我在這裏也沒有做過甚麼,叫他們把我下在監裏。」
16 Mubiki mukuru akati aona kuti Josefa akanga apa dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, “Neniwo ndarota hope. Pamusoro pangu panga pane matengu matatu echingwa.
膳長見夢解得好,就對約瑟說:「我在夢中見我頭上頂着三筐白餅;
17 Mudengu rapamusoro manga mune mhando dzose dzezvinhu zvakabikwa zvaFaro, asi shiri dzanga dzichidya kubva mudengu ranga riri pamusoro pangu.”
極上的筐子裏有為法老烤的各樣食物,有飛鳥來吃我頭上筐子裏的食物。」
18 Josefa akati, “Uku ndiko kududzirwa kwazvo. Matengu matatu ndiwo mazuva matatu.
約瑟說:「你的夢是這樣解:三個筐子就是三天;
19 Mukati mamazuva matatu, Faro achasimudza musoro wako kubva pauri agokuturika pamuti. Uye shiri dzichadya nyama yako.”
三天之內,法老必斬斷你的頭,把你掛在木頭上,必有飛鳥來吃你身上的肉。」
20 Zvino zuva rechitatu rakanga riri zuva rokuzvarwa kwaFaro, uye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza misoro yavaranda vake vaiti mudiri mukuru nomubiki mukuru pamberi pavaranda vake.
到了第三天,是法老的生日,他為眾臣僕設擺筵席,把酒政和膳長提出監來,
21 Akadzosera mudiri mukuru pabasa rake, zvokuti akaisazve mukombe muruoko rwaFaro,
使酒政官復原職,他仍舊遞杯在法老手中;
22 asi akaturika mubiki mukuru pamuti, sezvazvakanga zvataurwa naJosefa kwavari mukududzira kwake.
但把膳長掛起來,正如約瑟向他們所解的話。
23 Kunyange zvakadaro hazvo, mudiri mukuru haana kurangarira Josefa; akamukanganwa.
酒政卻不記念約瑟,竟忘了他。

< Genesisi 40 >