< Genesisi 36 >
1 Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
एसाव (अर्थात् एदोम) के वंशज इस प्रकार है:
2 Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi,
एसाव ने कनान देश की ही कन्याओं से विवाह कर लिया. हित्ती एलोन की पुत्री अदाह, अनाह की पुत्री तथा हिव्वी ज़िबेओन की पौत्री ओहोलिबामाह थे.
3 uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
इसके अलावा उन्होंने इशमाएल की पुत्री नेबाइयोथ की बहन बसेमाथ से भी विवाह किया था.
4 Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,
एसाव से अदाह ने एलिफाज़ को जन्म दिया तथा बसेमाथ ने रियुएल को जन्म दिया,
5 uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
ओहोलिबामाह ने योउश, यालम तथा कोराह को जन्म दिया. कनान देश में ही एसाव के ये पुत्र पैदा हुए.
6 Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho.
इसके बाद एसाव अपनी पत्नियों, पुत्र-पुत्रियों, अपने संपूर्ण घर-परिवार, अपने पशु, तथा अपनी समस्त संपत्ति को लेकर, जो उसने कनान देश में पाई थी, अपने भाई याकोब से दूर देश में जाकर रहा.
7 Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo.
उन दोनों की संपत्ति इतनी अधिक थी कि दोनों का एक साथ रहना मुश्किल था; वह भूमि दोनों परिवारों के पोषण के लिए काफ़ी नहीं थी. उनके पास अत्यधिक पशु थे.
8 Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
इसलिये एसाव (अर्थात् एदोम) सेईर के पर्वतीय क्षेत्र में रहने लगे.
9 Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
सेईर के पर्वतीय क्षेत्र में बसे हुए एदोमियों के वंश एसाव की पीढ़ियां इस प्रकार हैं.
10 Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau: Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau, Adha, Reueri, mwanakomana waBhasemati, mukadzi waEsau.
एसाव के पुत्र थे: एसाव की पत्नी अदाह से जन्मे एलिफाज़, एसाव दूसरी की पत्नी बसेमाथ का पुत्र रियुएल.
11 Vanakomana vaErifazi vaiva: Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi.
एलिफाज़ के पुत्र: तेमान, ओमर, ज़ेफो, गाताम तथा केनाज़ थे.
12 Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
एसाव के पुत्र एलिफाज़ की दासी का नाम तिम्ना था, जिसने एलिफाज़ से अमालेक को जन्म दिया. ये एसाव की पत्नी अदाह की संतान हैं.
13 Vanakomana vaReueri vaiva: Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
रियुएल के पुत्र थे: नाहाथ, ज़ेराह, शम्माह तथा मिज्जाह. ये एसाव की पत्नी बसेमाथ द्वारा पैदा हुए थे.
14 Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau, vaiva: Jeushi, Jaramu naKora.
अनाह की पुत्री, ज़िबेओन की पौत्री, एसाव की पत्नी ओहोलिबामाह के पुत्र योउश, यालम तथा कोराह थे.
15 Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau, vaiva: madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi,
एसाव के पुत्रों में प्रमुख ये थे: एसाव के बड़े बेटे एलिफाज़ के पुत्र: तेमान, ओमर, ज़ेफो, केनाज़,
16 Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
कोराह, गाताम, अमालेक. एदोम देश में एलिफाज़ के ये पुत्र थे; ये सभी अदाह वंश के थे.
17 Vanakomana vaReueri, mwanakomana waEsau, vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati, mukadzi waEsau.
एसाव के पुत्र रियुएल के पुत्र: नाहाथ, ज़ेराह, शम्माह, मिज्जाह. ये वे प्रधान हैं, जो एदोम देश में रियुएल द्वारा जन्मे थे—ये वे हैं, जो एसाव की पत्नी बसेमाथ से पैदा हुए थे.
18 Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, vaiva: madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.
एसाव की पत्नी ओहोलिबामाह से पुत्र हैं: योउश, यालम, कोराह. ये एसाव की पत्नी अनाह की पुत्री ओहोलिबामाह के द्वारा जन्मे हैं.
19 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
ये एसाव (अर्थात् एदोम) के पुत्र तथा उनके प्रधान हैं.
20 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
ये उस देश के होरी सेईर के पुत्र हैं: लोतन, शोबल, ज़िबेओन, अनाह,
21 Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
दिशोन, एज़र तथा दिशान. ये सभी एदोम देश के वे प्रधान हैं. जो होरियों के वंश के सेईर के पुत्र हैं.
22 Vanakomana vaRotani vaiva: Hori naHomami. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
लोतन के पुत्र: होरी तथा होमाम, तथा तिम्ना लोतन की बहन थी.
23 Vanakomana vaShobhari vaiva: Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
शोबल के पुत्र थे: अलवान, मानाहाथ, एबल, शेफो तथा ओनम.
24 Vanakomana vaZibheoni vaiva: Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
ज़िबेओन के पुत्र ये है: अइयाह तथा अनाह (यह वही अनाह है, जिसने निर्जन देश में, अपने पिता ज़िबेओन के गधों को चराते हुए गर्म पानी के झरने की खोज की थी.)
25 Vanakomana vaAna vaiva: Dishoni naOhoribhama, mwanakomana waAna.
अनाह की संतान हैं: दिशोन तथा ओहोलिबामाह, जो अनाह की पुत्री थी.
26 Vanakomana vaDhishoni vaiva: Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
दिशोन के पुत्र: हेमदान, एशबान, इथरान तथा चेरन.
27 Vanakomana vaEzeri vaiva: Bhirihani, Zaavhani naAkani.
एज़र के पुत्र: बिलहान, त्सावन और आकन.
28 Vanakomana vaDhishani vaiva: Uzi naArani.
दिशान के पुत्र: उज़ और अरान.
29 Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori: Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana,
वे प्रधान, जो होरियों वंश के, ये है: लोतन, शोबल, ज़िबेओन, अनाह,
30 Dhishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
दिशोन, एज़र तथा दिशान. सेईर देश में होरी जाति के लोग प्रधान बने.
31 Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
इसके पहले कि इस्राएल पर किसी राजा का शासन होता, एदोम देश पर राज्य करनेवाले राजा ये थे:
32 Bhera, mwanakomana waBheori, akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
बेओर का पुत्र बेला एदोम का राजा बना, तथा उसके द्वारा शासित नगर का नाम था दिनहाबाह.
33 Bhera akati afa, Jobhabhi, mwanakomana waZera, aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
बेला के मरने के बाद, उसके स्थान पर बोज़राहवासी ज़ेराह का पुत्र योबाब राजा बना.
34 Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
योबाब के मरने के बाद, उसके स्थान पर तेमानियों के देश का व्यक्ति हुशम राजा बना.
35 Hushani akati afa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
हुशम के मरने के बाद, उसके स्थान पर बेदद का पुत्र हदद राजा बना. उसने मोआब देश में मिदियानी सेना को हरा दिया. उसके द्वारा शासित नगर का नाम था आविथ.
36 Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
हदद के मरने के बाद, उसके स्थान पर मसरेकाह का सामलाह राजा बना.
37 Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
सामलाह के मरने के बाद, फरात नदी पर बसे रेहोबोथ का निवासी शाऊल उनके स्थान पर राजा बना.
38 Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
शाऊल के मरने के बाद, उसके स्थान पर अखबोर का पुत्र बाल-हनन राजा बना.
39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.
अखबोर के पुत्र बाल-हनन के मरने के बाद, उसके स्थान पर हदद राजा बना. उस नगर का नाम पाऊ था तथा उसकी पत्नी का नाम मेहेताबेल था. वह मातरेद की पुत्री, और मातरेद मेत्साहब की पुत्री थी.
40 Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo: Timina, Arivha, Jeteti,
एसाव के वंश में जो प्रधान थे उनके नाम: तिम्ना, अलवाह, यथेथ,
41 Ohoribhama, Era, Pinoni,
ओहोलिबामाह, एलाह, पिनोन,
42 Kenazi, Temani, Mibhiza,
केनाज़, तेमान, मिबज़ार,
43 Magidhieri naIrami. Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora. Uyu ndiye Esau baba wevaEdhomu.
मगदिएल, इराम. ये सभी एदोम देश के प्रधान हुए. एक प्रदेश में जो रहा, उस प्रदेश का नाम भी वही था जो उनका पारिवारिक नाम था. यह एसाव, जो एदोमियों का गोत्रपिता था, उसका परिवार है.