< Genesisi 32 >

1 Jakobho akaendawo nenzira yake, uye vatumwa vaMwari vakasangana naye.
Yakobo pia akaendelea na safari yake, na malaika wa Mungu wakakutana naye.
2 Jakobho akati achivaona, akati, “Uyu ndiwo musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Mahanaimi.
Yakobo alipowaona, akasema, “Hii ni kambi ya Mungu,” hivyo akapaita mahali pale Mahanaimu.
3 Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu.
Yakobo akatuma wajumbe mbele yake waende kwa Esau ndugu yake katika nchi ya Seiri, katika eneo la Edomu.
4 Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino.
Aliwaagiza, kusema, “Hivi ndivyo mtakavyosema kwa bwana wangu Esau: Hivi ndivyo mtumishi wako Yakobo asemavyo: 'Nimekuwa nikikaa na Labani, naye amekawilisha kurudi kwangu hata sasa.
5 Ndine mombe nembongoro, makwai nembudzi, varandarume navarandakadzi. Zvino ndiri kutuma shoko iri kuna she wangu, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’”
Nina ng'ombe, punda, na kondoo, wajori na wajakazi. Nimetuma ujumbe huu kwa bwana wangu, ili kwamba nipate kibali mbele zako.”
6 Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.”
Wajumbe wakarudi kwa Yakobo na kusema, “Tulikwenda kwa Esau ndugu yako. Anakuja kukulaki, na watu mia nne pamoja naye.”
7 Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo.
Ndipo Yakobo alipoogopa sana na kutaabika. Hivyo akagawanya watu aliokuwa nao katika kambi mbili, na kondoo pia, mbuzi na ngamia.
8 Akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
Akasema, “Ikiwa Esau ataishambulia kambi moja, ndipo kambi nyingine itakaposalimika.”
9 Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
Yakobo akasema, “Mungu wa baba yangu Ibrahimu, na Mungu wa baba yangu Isaka, Yahwe, uliyeniambia, 'Rudi katika nchi yako na kwa jamaa yako, nami nitakustawisha,'
10 ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
Mimi sistahili matendo yako yote ya agano la uaminifu na ustahilifu wote uliomfanyia mtumishi wako. Kwa maana nilikuwa na fimbo tu nilipovuka mto huu wa Yordani, na sasa nimekuwa matuo mawili.
11 Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
Tafadhari niokoe kutoka katika mikono ya ndugu yangu, mikono ya Esau, kwa maana namwogopa, kwamba atakuja na kunishambulia mimi na wamama na watoto.
12 Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’”
Lakini ulisema, 'hakika nitakufanya ufanikiwe. Nitaufanya uzao wako kuwa kama mchanga wa bahari, ambao hauwezi kuhesabika kwa hesabu yake.”
13 Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti:
Yakobo akakaa pale usiku huo. Akachukua baadhi ya alivyokuwa navyo kama zawadi kwa Esau, ndugu yake:
14 mazana maviri enhunzvi dzemakwai namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondobwe makumi maviri,
mbuzi majike mia mbili na mabeberu ishirini, kondoo majike mia mbili na madume ya kondoo ishirini,
15 ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi.
ngamia wakamwao thelathini na wana wao, ng'ombe madume arobaini na madume kumi ya ng'ombe, punda wa kike ishirini na madume yake ishirini.
16 Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.”
Akawaweka katika mikono ya watumishi wake, kila kundi peke yake. Akawambia watumishi, “Tangulieni mbele yangu na mwache nafasi kati ya makundi ya wanyama.”
17 Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’
Akamwagiza mtumishi wa kwanza, akisema, “Ndugu yangu Esau atakapokutana nawe na kukuuliza, akasema, 'Ninyi ni wa nani? Mnakwenda wapi? Na wanyama hawa mbele yenu ni wa nani?
18 ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’”
Ndipo umwambie, 'Ni wa mtumishi wako Yakobo. Ni zawadi wanaopelekwa kwa bwana wangu Esau. Na tazama, yeye pia anakuja nyuma yetu.”
19 Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye.
Yakobo akatoa maelekezo kwa kundi la pili pia, la tatu, na watu wote walioyafuata makundi ya wanyama. Akasema, mseme vilevile kwa Esau mtakapokutana naye.
20 Uye murangarire kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kuuya mumashure medu.’” Nokuti akafunga akati, “Ndamunyaradza nezvipo zvandiri kumutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
Mnapaswa pia kusema, 'mtumwa wako Yakobo pia anakuja nyuma yetu.” Kwani alifikiri, “nitamtuliza Esau kwa zawadi nilizozituma mbele yangu. Kisha baadaye, nitakapomwona, bila shaka atanipokea.”
21 Saka chipo chaJakobho chakatungamira mberi kwake, asi iye pachake akavata mumusasa. Nokuti akafunga akati, “Ndichamunyaradza nezvipo zvandiri kutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
Hivyo zawadi zikatangulia mbele yake. Yeye mwenyewe akakaa kambini usiku huo
22 Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki.
Yakobo akaamka wakati wa usiku, na akawachukua wakeze, wajakazi wake na wanaye kumi na wawili. Akawawavusha kijito cha Yaboki.
23 Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo.
Kwa njia hii akawapeleka kupitia chemichemi pamoja na mali yake yote.
24 Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka.
Yakobo akaachwa peke yake, na mtu akashindana naya mpaka alfajiri.
25 Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu.
Mtu yule alipoona kwamba hawezi kumshinda, akalipiga paja lake. Paja la Yakobo likatenguka alipokuwa akishindana naye.
26 Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.”
Yule mtu akasema, “Niache niende, kwani kunakucha.” Yakobo akasema, sitakuacha uende mpaka uwe umenibariki.”
27 Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.”
Yule mtu akamwuliza, “Jina lako ni nani?” Yakobo akasema, “Yakobo.” Yule mtu akasema,
28 Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.”
“Jina lako halitakuwa Yakobo tena, ila Israeli. Kwa kuwa umeshindana na Mungu na wanadamu na umeshinda.”
29 Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza.
Yakobo akamwambia, “Tafadhari niambie jina lako.” Akasema, “Kwa nini kuniuliza jina langu?” Kisha akambariki pale.
30 Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.”
Yakobo akapaita mahali pale Penieli kwani alisema, “Nimemwona Mungu uso kwa uso, na maisha yangu yamesalimika.”
31 Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake.
Jua likatoka wakati Yakobo anaipita Penieli. Alikuwa akichechemea kwa sababu ya paja lake.
32 Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.
Ndiyo maana wana wa Israeli hawali kano ya paja iliyopo katika nyonga ya paja, kwa sababu yule mtu aliziumiza hizo kano alipotegua paja la Yakobo.

< Genesisi 32 >