< Genesisi 31 >
1 Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.”
Now it came to the ears of Jacob that Laban's sons were saying, Jacob has taken away all our father's property, and in this way he has got all this wealth.
2 Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga.
And Jacob saw that Laban's feeling for him was no longer what it had been before.
3 Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.”
Then the Lord said to Jacob, Go back to the land of your fathers, and to your relations, and I will be with you.
4 Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake.
And Jacob sent for Rachel and Leah to come to him in the field among his flock.
5 Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni.
And he said to them, It is clear to me that your father's feeling is no longer what it was to me; but the God of my father has been with me
6 Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose,
And you have seen how I have done all in my power for your father,
7 asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze.
But your father has not kept faith with me, and ten times he has made changes in my payment; but God has kept him from doing me damage.
8 Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse.
If he said, All those in the flock which have marks are to be yours, then all the flock gave birth to marked young; and if he said, All the banded ones are to be yours, then all the flock had banded young.
9 Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri.
So God has taken away your father's cattle and has given them to me.
10 “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa.
And at the time when the flock were with young, I saw in a dream that all the he-goats which were joined with the she-goats were banded and marked and coloured.
11 Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’
And in my dream the angel of the Lord said to me, Jacob: and I said, Here am I.
12 Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri.
And he said, See how all the he-goats are banded and marked and coloured: for I have seen what Laban has done to you.
13 Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’”
I am the God of Beth-el, where you put oil on the pillar and took an oath to me: now then, come out of this land and go back to the country of your birth.
14 Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here?
Then Rachel and Leah said to him in answer, What part or heritage is there for us in our father's house?
15 Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose.
Are we not as people from a strange country to him? for he took a price for us and now it is all used up.
16 Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.”
For the wealth which God has taken from him is ours and our children's; so now, whatever God has said to you, do.
17 Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera,
Then Jacob put his wives and his sons on camels;
18 uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani.
And sending on before him all his cattle and his property which he had got together in Paddan-aram, he made ready to go to Isaac his father in the land of Canaan.
19 Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake.
Now Laban had gone to see to the cutting of the wool of his sheep; so Rachel secretly took the images of the gods of her father's house.
20 Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda.
And Jacob went away secretly, without giving news of his flight to Laban the Aramaean.
21 Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi.
So he went away with all he had, and went across the River in the direction of the hill-country of Gilead.
22 Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza.
And on the third day Laban had news of Jacob's flight.
23 Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi.
And taking the men of his family with him, he went after him for seven days and overtook him in the hill-country of Gilead.
24 Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.”
Then God came to Laban in a dream by night, and said to him, Take care that you say nothing good or bad to Jacob.
25 Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo.
Now when Laban overtook him, Jacob had put up his tent in the hill-country; and Laban and his brothers put up their tents in the hill-country of Gilead.
26 Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo.
And Laban said to Jacob, Why did you go away secretly, taking my daughters away like prisoners of war?
27 Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matambureni norudimbwa?
Why did you make a secret of your flight, not giving me word of it, so that I might have sent you away with joy and songs, with melody and music?
28 Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi.
You did not even let me give a kiss to my sons and my daughters. This was a foolish thing to do.
29 Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’
It is in my power to do you damage: but the God of your father came to me this night, saying, Take care that you say nothing good or bad to Jacob.
30 Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?”
And now, it seems, you are going because your heart's desire is for your father's house; but why have you taken my gods?
31 Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba.
And Jacob, in answer, said to Laban, My fear was that you might take your daughters from me by force.
32 Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho.
As for your gods, if anyone of us has them, let him be put to death: make search before us all for what is yours, and take it. For Jacob had no knowledge that Rachel had taken them.
33 Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri.
So Laban went into Jacob's tent and into Leah's tent, and into the tents of the two servant-women, but they were not there; and he came out of Leah's tent and went into Rachel's.
34 Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu.
Now Rachel had taken the images, and had put them in the camels' basket, and was seated on them. And Laban, searching through all the tent, did not come across them.
35 Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake.
And she said to her father, Let not my lord be angry because I do not get up before you, for I am in the common condition of women. And with all his searching, he did not come across the images.
36 Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai?
Then Jacob was angry with Laban, and said, What crime or sin have I done that you have come after me with such passion?
37 Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri.
Now that you have made search through all my goods, what have you seen which is yours? Make it clear now before my people and your people, so that they may be judges between us.
38 “Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondobwe amakwai enyu.
These twenty years I have been with you; your sheep and your goats have had young without loss, not one of your he-goats have I taken for food.
39 Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku.
Anything which was wounded by beasts I did not take to you, but myself made up for the loss of it; you made me responsible for whatever was taken by thieves, by day or by night.
40 Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu.
This was my condition, wasted by heat in the day and by the bitter cold at night; and sleep went from my eyes.
41 Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava nemakore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mubayiro wangu kagumi.
These twenty years I have been in your house; I was your servant for fourteen years because of your daughters, and for six years I kept your flock, and ten times was my payment changed.
42 Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.”
If the God of my father, the God of Abraham and the Fear of Isaac, had not been with me, you would have sent me away with nothing in my hands. But God has seen my troubles and the work of my hands, and this night he kept you back.
43 Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka?
Then Laban, answering, said, These women are my daughters and these children my children, the flocks and all you see are mine: what now may I do for my daughters and for their children?
44 Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.”
Come, let us make an agreement, you and I; and let it be for a witness between us.
45 Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru.
Then Jacob took a stone and put it up as a pillar.
46 Akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi.
And Jacob said to his people, Get stones together; and they did so; and they had a meal there by the stones.
47 Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi.
And the name Laban gave it was Jegar-sahadutha: but Jacob gave it the name of Galeed.
48 Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi.
And Laban said, These stones are a witness between you and me today. For this reason its name was Galeed,
49 Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure.
And Mizpah, for he said, May the Lord keep watch on us when we are unable to see one another's doings.
50 Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.”
If you are cruel to my daughters, or if you take other wives in addition to my daughters, then though no man is there to see, God will be the witness between us.
51 Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni.
And Laban said, See these stones and this pillar which I have put between you and me;
52 Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza.
They will be witness that I will not go over these stones to you, and you will not go over these stones or this pillar to me, for any evil purpose.
53 Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka.
May the God of Abraham and the God of Nahor, the God of their father, be our judge. Then Jacob took an oath by the Fear of his father Isaac.
54 Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya vakavatapo usiku ihwohwo.
And Jacob made an offering on the mountain, and gave orders to his people to take food: so they had a meal and took their rest that night on the mountain.
55 Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.
And early in the morning Laban, after kissing and blessing his daughters, went on his way back to his country.