< Genesisi 30 >

1 Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!”
辣黑耳見自己沒有給雅各伯生子,就嫉妒姐姐,對雅各伯說:「你要給我孩子;不然,我就死啦! 」
2 Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?”
雅各伯對辣黑耳生氣說:「不肯使你懷孕的是天主,難道我能替他作主﹖」
3 Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.”
辣黑耳回答說:「這裏有我的婢女彼耳哈,你親近她,叫她在我膝下生子,使我能由她得子。」
4 Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye,
辣黑耳就將自己的婢女彼耳哈給了雅各伯作妾;雅各伯親近了她,
5 akava nemimba akamuberekera mwanakomana.
她遂懷孕,給雅各伯生了一子。
6 Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.
辣黑耳就說:「天主對我公道,俯聽了我的哀聲,給了我一子。」為此給他起名叫丹。
7 Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
辣黑耳的婢女彼耳哈又懷孕,給雅各伯生了第二個兒子。
8 Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari.
辣黑耳就說:「我以天大的力量與我姐姐相爭,得到勝利了。」便給他起名叫納斐塔里。
9 Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake.
肋阿見自己停止生育,也將自己的婢女齊耳帕給了雅各伯作妾。
10 Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana.
肋阿的婢女齊耳帕給雅各伯生了一子。
11 Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi.
肋阿遂說:「好幸運! 」就給他起名叫加得。
12 Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
肋阿的婢女齊耳帕給雅各伯又生了第二個兒子。
13 Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri.
肋阿遂說:「我真有福! 女人都要以為我有福。」就給他起名叫阿協爾。
14 Panguva yokuchekwa kwegorosi, Rubheni akabuda akaenda musango akandowana mamandiraki, akauya nawo kuna mai vake Rea, Rakeri akati kuna Rea, “Ndapota dondipawo mamwe mamandiraki omwanakomana wako.”
到了割麥的時節,勒烏本出去,在田間尋得了一些曼陀羅,帶回來給了他母親肋阿。辣黑耳對肋阿說:「請你將你兒子得的曼陀羅給我一些。」
15 Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?” Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.”
肋阿回答說:「你奪去了我的丈夫還不夠;你還想奪去我兒的曼陀羅麼﹖」辣黑耳說:「好罷! 今夜就讓他與你同睡,為交換你兒子的曼陀羅。」
16 Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo.
到了晚上雅各伯由田間回來,肋阿就跑出去迎接他說:「你該來我這裏,因為我用我兒子的曼陀羅雇了你。」那夜雅各伯便與她同睡。
17 Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.
天主俯允了肋阿,她又懷孕,給雅各伯生了第五個兒子。
18 Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari.
肋阿說:「天主給了我報酬,因為我將我的婢女給了我的丈夫。」便給他起名叫依撒加爾。
19 Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.
肋阿又懷孕,給雅各伯生了第六個兒子。
20 Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
肋阿說:「天主給了我一個很好的禮物;這一回我的丈夫要與我同居了,因為我給他生了六個兒子。」便給他起名叫則步隆。
21 Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina.
後來她生了一個女兒,給她起名叫狄納。
22 Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake.
天主想起了辣黑耳,垂允了她,開了她的子宮,
23 Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.”
她遂懷孕,生了一個兒子,說:「天主拭去了我的恥辱。」
24 Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.”
她給他起名叫若瑟說:「願上主再給我添子。」
25 Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu.
辣黑耳生了若瑟以後,雅各伯對拉班說:「請讓我回到我的本鄉故土!
26 Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.”
請你將我服事你所得的妻子兒女交給我,讓我回去;你知道我怎樣服事了你。」
27 Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.”
拉班對他說:「如果我在你眼中得寵,請你住下;我覺察出,上主祝福我,是為了你的原故。」
28 Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.”
繼而說:「請規定你的工價,我必付給你。」
29 Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei.
雅各伯對他說:「你知道,我是怎樣服事了你;你的牲畜跟著我是怎樣的情形。
30 Zvishoma zvamaiva nazvo kare ndisati ndauya zvawanda, uye Jehovha akakuropafadzai kwose kwandakanga ndiri. Asi zvino, ndichaitirawo mhuri yangu chinhu riniko?”
我未來之前,你所有的是那麼少,現在增加了那麼多;我一來,上主就祝福了你。但是,我幾時也能為我興家立業呢﹖」
31 Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?” Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta:
拉班問說:「我該給你什麼﹖」雅各伯答說:「你什麼也不必給我,只要你應承我這件事,我就仍牧放照顧你的羊群:
32 Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu.
你今天走遍你的羊群,將其中凡有斑點或黑點的,即綿羊群中有黑色的,山羊群中有黑點或斑點的,都挑出來,當作我的工價。
33 Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.”
後來任何一天,你來察看我的工價時,我好對你證明我的公正。山羊中凡是沒有斑點或黑點的,綿羊中凡是不黑的,都算是偷來的。」
34 Rabhani akati, “Ndizvozvo. Ngazvive sezvawataura.”
拉班回答說:「好,就照你的話辦罷!」
35 Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake.
當天拉班就將有條紋有斑點的公山羊,凡有白紋,或斑點和黑點的母山羊,並黑色的綿羊都挑出來,交在自己兒子們手中;
36 Ipapo akaisa nhambwe yorwendo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho, asi Jakobho akaramba achifudza makwai akanga asara aRabhani.
又使雅各伯與自己相距三日的路程。雅各伯便牧放拉班其餘的羊群。
37 Kunyange zvakadaro, Jakobho akatora matavi akatemwa kubva pamupopura, muarimondi nomuti womupureni uye akasvuura mitsetse michena pairi achibvisa gwati kuti kuchena kwedanda kwomukati kuonekwe.
雅各伯拿了楊樹、杏樹和楓樹的嫩枝,將皮剝成一條一條的白紋,使樹枝的光白露出;
38 Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura,
然後將剝去皮的枝條,插在水溝和水漕裏,羊群前來喝水時,正與羊群相對。羊群前來喝水時,就彼此相配。
39 zvaisangana pamberi pamatanda. Uye zvaibereka vana vane mitsetse kana vane mavara kana makwapa.
羊群對著枝條相配,就生出了有條紋,有斑點和黑點的小羊。
40 Jakobho aitsaura mbudzana kana makwayana oga, asi aiita kuti akasara atarisane nezvipfuwo zvine mitsetse nezvipfuwo zvitema zvakanga zviri zvaRabhani. Nokudaro akaparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani.
雅各伯將這些羔羊分開,將這些羊放在拉班羊群中有條紋和有黑點的羊前;這樣他為自己另組羊群,不將牠們放在拉班的羊群中。
41 Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda,
到了肥壯的羊要配合時,雅各伯就將枝條插在水溝裏,對著羊群的眼,使羊對著枝條彼此相配。
42 asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho.
當羊群瘦弱時,他就不插枝條:這樣,瘦弱的都歸拉班,肥壯的都歸雅各伯。
43 Nenzira iyi murume uyu akapfuma kwazvo uye akava namapoka akawanda amakwai, navarandakadzi navarandarume, uye ngamera nembongoro.
為此這人越來越富,擁有許多羊群,婢女和奴僕,駱駝和驢子。

< Genesisi 30 >