< Genesisi 3 >

1 Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”
Now, the serpent, was more crafty than any living thing of the field which Yahweh God had made, so he said unto the woman, Can it really be that God hath said, Ye shall not eat of every tree of the garden?
2 Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu,
And the woman said unto the serpent, —Of the fruit of the trees of the garden, we may eat;
3 asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’”
but of the fruit of the tree which is in the midst of the garden, God hath said Ye shall not eat of it neither shall ye touch it, —lest ye die.
4 Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo.
And the serpent said unto the woman, —Ye shall not die,
5 Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
For God doth know, that in the day ye eat thereof, then shall your eyes be opened, —and ye shall become like God, knowing good and evil.
6 Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
And, when the woman saw that the tree was good for food, and that it was desirable to the eyes and the tree was pleasant to make one knowing, then took she of the fruit thereof, and did eat, and she gave to her husband also, along with her, and he did eat.
7 Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
Then were opened the eyes of them both, and they knew that, naked, they were, —so they tacked together fig-leaves, and made for themselves girdles,
8 Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu.
Then heard they the sound of Yahweh God, walking to and fro in the garden at the breeze of the day, —so he hid himself—the man with his wife, from the face of Yahweh God, amid the trees of the garden.
9 Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
And Yahweh God called unto the man, —and said to him, Where art thou?
10 Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
And he said, The sound of thee, heard I in the garden, and I was afraid, for, naked, was I, so I hid myself.
11 Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”
And he said, Who told thee that, naked, thou wast? Of the tree whereof I commanded thee not to eat, hast thou eaten?
12 Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
And the man said, —The woman whom thou didst put with me, she, gave me of the tree, so I did eat.
13 Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”
Then said Yahweh God to the woman, What is this that thou hast done? And the woman said, the serpent, deceived me, so I did eat.
14 Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
Then said Yahweh God unto the serpent—Because thou hast done this, Accursed, art thou above every tame-beast, and above every wild-beast of the field, —on thy belly, shalt thou go, and dust, shalt thou eat all the days of thy life.
15 Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
And enmity, will I put between thee, and the woman, and between thy seed and her seed, —He shall crush thy head, but, thou, shalt crush his heel.
16 Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”
Unto the woman, he said, I will, increase, thy pain of pregnancy, In pain, shalt thou bear children, —Yet, unto thy husband, shall be thy longing, Though, he, rule over thee.
17 Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako.
And, to the man, he said, Because thou didst hearken to the voice of thy wife, and so didst eat of the tree as to which I commanded thee, saying, Thou shalt not eat of it, Accursed be the ground for thy sake, In pain, shalt thou eat of it, all the days of thy life;
18 Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango.
Thorn also and thistle, shall it shoot forth to thee, —when thou hast come to eat of the herb of the field:
19 Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.”
In the sweat of thy face, shalt thou eat bread, until thou return to the ground, because therefrom, wast thou taken, —For, dust, thou art, And, unto dust, shalt thou return.
20 Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
So the man called the name of his wife, Eve, —in that, she, was made mother of every one living.
21 Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza.
And Yahweh God made for the man—and for his wife—tunics of skin and clothed them.
22 Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.”
Then said Yahweh God—Lo! man, hath become like one of us, in respect of knowing good and evil, —Now, therefore, lest he thrust forth his hand, and take even of the tree of life, and eat, and live to times age-abiding, —
23 Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
So Yahweh God put him forth from the garden of Eden, —to till the ground wherefrom he had been taken.
24 Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
So he expelled the man, —and caused to dwell—in front of the garden of Eden—cherubim and a brandishing sword—flame, to keep the way to the tree of life.

< Genesisi 3 >