< Genesisi 29 >

1 Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva.
ヤコブはその旅を続けて東の民の地へ行った。
2 Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.
見ると野に一つの井戸があって、そのかたわらに羊の三つの群れが伏していた。人々はその井戸から群れに水を飲ませるのであったが、井戸の口には大きな石があった。
3 Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.
群れが皆そこに集まると、人々は井戸の口から石をころがして羊に水を飲ませ、その石をまた井戸の口の元のところに返しておくのである。
4 Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”
ヤコブは人々に言った、「兄弟たちよ、あなたがたはどこからこられたのですか」。彼らは言った、「わたしたちはハランからです」。
5 Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”
ヤコブは彼らに言った、「あなたがたはナホルの子ラバンを知っていますか」。彼らは言った、「知っています」。
6 Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”
ヤコブはまた彼らに言った、「彼は無事ですか」。彼らは言った、「無事です。御覧なさい。彼の娘ラケルはいま羊と一緒にここへきます」。
7 Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
ヤコブは言った、「日はまだ高いし、家畜を集める時でもない。あなたがたは羊に水を飲ませてから、また行って飼いなさい」。
8 Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
彼らは言った、「わたしたちはそれはできないのです。群れがみな集まった上で、井戸の口から石をころがし、それから羊に水を飲ませるのです」。
9 Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.
ヤコブがなお彼らと語っている時に、ラケルは父の羊と一緒にきた。彼女は羊を飼っていたからである。
10 Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.
ヤコブは母の兄ラバンの娘ラケルと母の兄ラバンの羊とを見た。そしてヤコブは進み寄って井戸の口から石をころがし、母の兄ラバンの羊に水を飲ませた。
11 Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru.
ヤコブはラケルに口づけし、声をあげて泣いた。
12 Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
ヤコブはラケルに、自分がラケルの父のおいであり、リベカの子であることを告げたので、彼女は走って行って父に話した。
13 Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
ラバンは妹の子ヤコブがきたという知らせを聞くとすぐ、走って行ってヤコブを迎え、これを抱いて口づけし、家に連れてきた。そこでヤコブはすべての事をラバンに話した。
14 Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Shure kwokugara kwake naye mwedzi wose,
ラバンは彼に言った、「あなたはほんとうにわたしの骨肉です」。ヤコブは一か月の間彼と共にいた。
15 Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
時にラバンはヤコブに言った、「あなたはわたしのおいだからといって、ただでわたしのために働くこともないでしょう。どんな報酬を望みますか、わたしに言ってください」。
16 Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
さてラバンにはふたりの娘があった。姉の名はレアといい、妹の名はラケルといった。
17 Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
レアは目が弱かったが、ラケルは美しくて愛らしかった。
18 Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
ヤコブはラケルを愛したので、「わたしは、あなたの妹娘ラケルのために七年あなたに仕えましょう」と言った。
19 Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
ラバンは言った、「彼女を他人にやるよりもあなたにやる方がよい。わたしと一緒にいなさい」。
20 Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
こうして、ヤコブは七年の間ラケルのために働いたが、彼女を愛したので、ただ数日のように思われた。
21 Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
ヤコブはラバンに言った、「期日が満ちたから、わたしの妻を与えて、妻の所にはいらせてください」。
22 Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
そこでラバンはその所の人々をみな集めて、ふるまいを設けた。
23 Asi akati ava madekwana, akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, Jakobho akavata naye.
夕暮となったとき、娘レアをヤコブのもとに連れてきたので、ヤコブは彼女の所にはいった。
24 Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
ラバンはまた自分のつかえめジルパを娘レアにつかえめとして与えた。
25 Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, hazvisirizvo here? Seiko mandinyengera?”
朝になって、見ると、それはレアであったので、ヤコブはラバンに言った、「あなたはどうしてこんな事をわたしにされたのですか。わたしはラケルのために働いたのではありませんか。どうしてあなたはわたしを欺いたのですか」。
26 Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
ラバンは言った、「妹を姉より先にとつがせる事はわれわれの国ではしません。
27 Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”
まずこの娘のために一週間を過ごしなさい。そうすればあの娘もあなたにあげよう。あなたは、そのため更に七年わたしに仕えなければならない」。
28 Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake.
ヤコブはそのとおりにして、その一週間が終ったので、ラバンは娘ラケルをも妻として彼に与えた。
29 Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake.
ラバンはまた自分のつかえめビルハを娘ラケルにつかえめとして与えた。
30 Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe.
ヤコブはまたラケルの所にはいった。彼はレアよりもラケルを愛して、更に七年ラバンに仕えた。
31 Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki.
主はレアがきらわれるのを見て、その胎を開かれたが、ラケルは、みごもらなかった。
32 Rea akava nemimba akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.”
レアは、みごもって子を産み、名をルベンと名づけて、言った、「主がわたしの悩みを顧みられたから、今は夫もわたしを愛するだろう」。
33 Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni.
彼女はまた、みごもって子を産み、「主はわたしが嫌われるのをお聞きになって、わたしにこの子をも賜わった」と言って、名をシメオンと名づけた。
34 Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi.
彼女はまた、みごもって子を産み、「わたしは彼に三人の子を産んだから、こんどこそは夫もわたしに親しむだろう」と言って、名をレビと名づけた。
35 Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.
彼女はまた、みごもって子を産み、「わたしは今、主をほめたたえる」と言って名をユダと名づけた。そこで彼女の、子を産むことはやんだ。

< Genesisi 29 >