< Genesisi 29 >
1 Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva.
雅各起行,到了東方人之地,
2 Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.
看見田間有一口井,有三群羊臥在井旁;因為人飲羊群都是用那井裏的水。井口上的石頭是大的。
3 Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.
常有羊群在那裏聚集,牧人把石頭轉離井口飲羊,隨後又把石頭放在井口的原處。
4 Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”
雅各對牧人說:「弟兄們,你們是哪裏來的?」他們說:「我們是哈蘭來的。」
5 Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”
他問他們說:「拿鶴的孫子拉班,你們認識嗎?」他們說:「我們認識。」
6 Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”
雅各說:「他平安嗎?」他們說:「平安。看哪,他女兒拉結領着羊來了。」
7 Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
雅各說:「日頭還高,不是羊群聚集的時候,你們不如飲羊,再去放一放。」
8 Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
他們說:「我們不能,必等羊群聚齊,人把石頭轉離井口才可飲羊。」
9 Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.
雅各正和他們說話的時候,拉結領着她父親的羊來了,因為那些羊是她牧放的。
10 Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.
雅各看見母舅拉班的女兒拉結和母舅拉班的羊群,就上前把石頭轉離井口,飲他母舅拉班的羊群。
11 Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru.
雅各與拉結親嘴,就放聲而哭。
12 Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
雅各告訴拉結,自己是她父親的外甥,是利百加的兒子,拉結就跑去告訴她父親。
13 Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
拉班聽見外甥雅各的信息,就跑去迎接,抱着他,與他親嘴,領他到自己的家。雅各將一切的情由告訴拉班。
14 Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Shure kwokugara kwake naye mwedzi wose,
拉班對他說:「你實在是我的骨肉。」雅各就和他同住了一個月。
15 Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
拉班對雅各說:「你雖是我的骨肉,豈可白白地服事我?請告訴我,你要甚麼為工價?」
16 Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
拉班有兩個女兒,大的名叫利亞,小的名叫拉結。
17 Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
利亞的眼睛沒有神氣,拉結卻生得美貌俊秀。
18 Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
雅各愛拉結,就說:「我願為你小女兒拉結服事你七年。」
19 Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
拉班說:「我把她給你,勝似給別人,你與我同住吧!」
20 Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
雅各就為拉結服事了七年;他因為深愛拉結,就看這七年如同幾天。
21 Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
雅各對拉班說:「日期已經滿了,求你把我的妻子給我,我好與她同房。」
22 Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
拉班就擺設筵席,請齊了那地方的眾人。
23 Asi akati ava madekwana, akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, Jakobho akavata naye.
到晚上,拉班將女兒利亞送來給雅各,雅各就與她同房。
24 Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
拉班又將婢女悉帕給女兒利亞作使女。
25 Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, hazvisirizvo here? Seiko mandinyengera?”
到了早晨,雅各一看是利亞,就對拉班說:「你向我做的是甚麼事呢?我服事你,不是為拉結嗎?你為甚麼欺哄我呢?」
26 Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
拉班說:「大女兒還沒有給人,先把小女兒給人,在我們這地方沒有這規矩。
27 Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”
你為這個滿了七日,我就把那個也給你,你再為她服事我七年。」
28 Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake.
雅各就如此行。滿了利亞的七日,拉班便將女兒拉結給雅各為妻。
29 Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake.
拉班又將婢女辟拉給女兒拉結作使女。
30 Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe.
雅各也與拉結同房,並且愛拉結勝似愛利亞,於是又服事了拉班七年。
31 Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki.
耶和華見利亞失寵,就使她生育,拉結卻不生育。
32 Rea akava nemimba akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.”
利亞懷孕生子,就給他起名叫呂便,因而說:「耶和華看見我的苦情,如今我的丈夫必愛我。」
33 Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni.
她又懷孕生子,就說:「耶和華因為聽見我失寵,所以又賜給我這個兒子」,於是給他起名叫西緬。
34 Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi.
她又懷孕生子,起名叫利未,說:「我給丈夫生了三個兒子,他必與我聯合。」
35 Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.
她又懷孕生子,說:「這回我要讚美耶和華」,因此給他起名叫猶大。這才停了生育。