< Genesisi 28 >

1 Saka Isaka akadana Jakobho akamuropafadza uye akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani.
以撒叫了雅各来,给他祝福,并嘱咐他说:“你不要娶迦南的女子为妻。
2 Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
你起身往巴旦·亚兰去,到你外祖彼土利家里,在你母舅拉班的女儿中娶一女为妻。
3 Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji.
愿全能的 神赐福给你,使你生养众多,成为多族,
4 Ngaakupe iwe nezvizvarwa zvako maropafadzo akapiwa kuna Abhurahama, kuitira kuti utore nyika yaugere zvino somutorwa, nyika yakapiwa Abhurahama naMwari.”
将应许亚伯拉罕的福赐给你和你的后裔,使你承受你所寄居的地为业,就是 神赐给亚伯拉罕的地。”
5 Ipapo Isaka akaendesa Jakobho, uye akaenda kuPadhani Aramu, kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muAramu, hanzvadzi yaRabheka, akanga ari mai vaJakobho naEsau.
以撒打发雅各走了,他就往巴旦·亚兰去,到亚兰人彼土利的儿子拉班那里。拉班是雅各、以扫的母舅。
6 Zvino Esau akaziva kuti Isaka akanga aropafadza Jakobho uye kuti akanga amuendesa kuPadhani Aramu kuti andotora mukadzi ikoko, uye kuti paakamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani,”
以扫见以撒已经给雅各祝福,而且打发他往巴旦·亚兰去,在那里娶妻,并见祝福的时候嘱咐他说:“不要娶迦南的女子为妻”,
7 uye kuti Jakobho akateerera baba namai vake akaenda kuPadhani Aramu.
又见雅各听从父母的话往巴旦·亚兰去了,
8 Ipapo Esau akaziva kuti vakadzi veKenani vakanga vasingafadzi sei Isaka baba vake;
以扫就晓得他父亲以撒看不中迦南的女子,
9 saka akaenda kuna Ishumaeri akandowana Maharati, hanzvadzi yaNebhayoti mwanasikana waIshumaeri mwanakomana waAbhurahama, kuwedzera pavakadzi vaakanga atova navo kare.
便往以实玛利那里去,在他二妻之外又娶了玛哈拉为妻。她是亚伯拉罕儿子以实玛利的女儿,尼拜约的妹子。
10 Jakobho akabva paBheerishebha akaenda kuHarani.
雅各出了别是巴,向哈兰走去;
11 Akati asvika pane imwe nzvimbo, akavata ipapo usiku nokuti zuva rakanga ravira. Akatora rimwe ramatombo ipapo, akaritsamira akavata.
到了一个地方,因为太阳落了,就在那里住宿,便拾起那地方的一块石头枕在头下,在那里躺卧睡了,
12 Akarota achiona manera amire panyika, uye musoro wawo uchisvika kudenga, uye vatumwa vaMwari vaikwidza nokudzika nawo.
梦见一个梯子立在地上,梯子的头顶着天,有 神的使者在梯子上,上去下来。
13 Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi.
耶和华站在梯子以上,说:“我是耶和华—你祖亚伯拉罕的 神,也是以撒的 神;我要将你现在所躺卧之地赐给你和你的后裔。
14 Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.
你的后裔必像地上的尘沙那样多,必向东西南北开展;地上万族必因你和你的后裔得福。
15 Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.”
我也与你同在。你无论往哪里去,我必保佑你,领你归回这地,总不离弃你,直到我成全了向你所应许的。”
16 Jakobho akati apepuka pahope, akafunga akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, uye ndanga ndisingazvizivi.”
雅各睡醒了,说:“耶和华真在这里,我竟不知道!”
17 Akanga achitya uye akati, “Nzvimbo ino inotyisa sei! Iyi imba chaiyo yaMwari; iri ndiro suo rokudenga.”
就惧怕,说:“这地方何等可畏!这不是别的,乃是 神的殿,也是天的门。”
18 Mangwanani akatevera Jakobho akatora dombo raakanga akatsamira akarimisa sembiru akadururira mafuta pamusoro paro.
雅各清早起来,把所枕的石头立作柱子,浇油在上面。
19 Akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bheteri, kunyange zvazvo guta iro raimbonzi Ruzi.
他就给那地方起名叫伯特利;但那地方起先名叫路斯。
20 Ipapo Jakobho akaita mhiko, akati, “Kana Mwari akava neni uye akandichengeta parwendo urwu rwandiri kufamba uye akandipa zvokudya kuti ndidye nenguo dzokupfeka
雅各许愿说:“神若与我同在,在我所行的路上保佑我,又给我食物吃,衣服穿,
21 uye ndikadzoka zvakanaka kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu,
使我平平安安地回到我父亲的家,我就必以耶和华为我的 神。
22 uye dombo iri randamisa sembiru richava imba yaMwari, uye pane zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi.”
我所立为柱子的石头也必作 神的殿;凡你所赐给我的,我必将十分之一献给你。”

< Genesisi 28 >