< Genesisi 27 >

1 Isaka akati akwegura uye meso ake akanga aneta zvokuti akanga asisaoni, akadana Esau mwanakomana wake mukuru akati kwaari, “Mwanakomana wangu.” Iye akapindura akati, “Ndiri pano.”
Kwasekusithi uIsaka esemdala lamehlo akhe esefiphele engasaboni, wabiza uEsawu indodana yakhe enkulu, wathi kuye: Ndodana yami! Wasesithi kuye: Khangela ngilapha.
2 Isaka akati, “Zvino ndava murume mutana uye handizivi zuva rokufa kwangu.
Wasesithi: Khangela-ke, sengimdala, angilwazi usuku lokufa kwami.
3 Naizvozvo zvino tora zvombo zvako, goba rako nouta ugoenda kusango kuti unondivhimirawo mhuka.
Ngakho khathesi, ake uthathe izikhali zakho, isikhwama sakho semitshoko ledandili lakho, uphume uye egangeni ungizingelele inyama yenyamazana,
4 Undigadzirire zvokudya zvinondinakira ugondivigira kuti ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu ndisati ndafa.”
ungilungisele ukudla okumnandi njengengikuthandayo, ukulethe kimi ukuthi ngidle, ukuze umphefumulo wami ukubusise ngingakafi.
5 Zvino Rabheka akanga akateerera Isaka paakanga achitaura nomwanakomana wake Esau. Esau akati aenda kusango kuti andovhima mhuka kuti agouya nayo,
URebeka wasesizwa lapho uIsaka ekhuluma loEsawu indodana yakhe. UEsawu wasesiya egangeni ukuyazingela inyama yenyamazana ukuze ayilethe.
6 Rabheka akati kumwanakomana wake Jakobho, “Tarira, ndanzwa baba vako vachiti kumukoma wako Esau,
URebeka wasekhuluma kuJakobe indodana yakhe, esithi: Khangela, ngizwile uyihlo ekhuluma kuEsawu umnewenu, esithi:
7 ‘Ndivigirewo mhuka ugondigadzirira nyama inonaka kuti ndidye kuitira kuti ndigokupa maropafadzo angu ndisati ndafa.’
Ngilethela inyama yenyamazana, ungilungisele ukudla okumnandi ukuthi ngidle, ngikubusise phambi kweNkosi ngingakafi.
8 Zvino, chinzwa mwanakomana wangu, nyatsoteerera uye uite zvandinokuudza.
Ngakho khathesi, ndodana yami, lalela ilizwi lami kulokhu engikulaya khona.
9 Enda kuzvipfuwo unondivigira mbudzana mbiri dzakaisvonaka, kuti ndigogadzirira baba vako nyama inonaka nenzira chaiyo yavanoda.
Ake uye emhlanjini, ungithathele lapho amazinyane amabili amahle ezimbuzi, ngizawenzela uyihlo ukudla okumnandi njengalokho akuthandayo;
10 Ipapo ugoitora uende nayo kuna baba vako kuti vadye, kuitira kuti vagokupa maropafadzo avo vasati vafa.”
uzakusa-ke kuyihlo ukuthi adle, ukuze akubusise engakafi.
11 Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Asi mukoma wangu Esau munhu ane mvere, uye ini ndiri munhu ane ganda risina mvere.
UJakobe wasesithi kuRebeka unina: Khangela, uEsawu umnewethu uyindoda elihwanqa, kodwa ngiyindoda ebutshelezi.
12 Ko, kana baba vangu vakandibata? Ndichava somunhu anovanyengera uye ndikazouyisa kutukwa pamusoro pangu pachinzvimbo chokuropafadzwa.”
Mhlawumbe ubaba uzangiphulula, besengisiba emehlweni akhe njengomhleka usulu, njalo ngizilethele isiqalekiso kungabi-ke yisibusiso.
13 Mai vake vakati kwaari, “Mwanakomana wangu, rega kutukwa kuuye pamusoro pangu. Iwe ita zvandinoreva; enda unonditorera idzo.”
Unina wasesithi kuye: Isiqalekiso sakho kasibe phezu kwami, ndodana yami; kuphela lalela ilizwi lami, uhambe ungithathele wona.
14 Saka akaenda akandodzitora akauya nadzo kuna mai vake, uye vakagadzira nyama inonaka, nenzira chaiyo yaidikanwa nababa vake.
Wasehamba, wawathatha, wawaletha kunina; unina waselungisa ukudla okumnandi njengalokho uyise akuthandayo.
15 Ipapo Rabheka akatora nguo dzakaisvonaka dzaEsau mwanakomana wake mukuru, dzaakanga anadzo mumba, akadzipfekedza mwanakomana wake muduku iye Jakobho.
URebeka wasethatha izigqoko ezinhle zikaEsawu indodana yakhe enkulu, ayelazo endlini, wagqokisa uJakobe indodana yakhe encinyane;
16 Akafukidzawo namatehwe embudzi, maoko ake uye nenzvimbo dzomutsipa wake dzakanga dzisina mvere.
lezikhumba zamazinyane ezimbuzi wazifaka ezandleni zakhe lebutshelezini bentamo yakhe.
17 Ipapo akapa kumwanakomana wake Jakobho nyama inonaka nechingwa chaakanga abika.
Wasenika ukudla okumnandi lesinkwa ayekulungisile esandleni sikaJakobe indodana yakhe.
18 Akaenda kuna baba vake akati, “Baba vangu.” Vakapindura vakati, “Ndiri pano mwana wangu. Ndianiko?”
Wasesiza kuyise wathi: Baba! Wasesithi: Khangela ngilapha; ungubani ndodana yami?
19 Jakobho akati kuna baba vake, “Ndini Esau dangwe renyu. Ndaita sezvamandiudza. Ndapota, mukai mudye nyama yemhuka yangu kuitira kuti mundipe maropafadzo enyu.”
UJakobe wasesithi kuyise: NginguEsawu izibulo lakho; ngenze njengoba ungitshelile; ake uvuke uhlale, udle okwenyama yami yenyamazana, ukuze umphefumulo wakho ungibusise.
20 Isaka akabvunza mwanakomana wake akati, “Waiwana seiko nokukurumidza zvakadai, mwanakomana wangu?” Iye akapindura akati, “Jehovha Mwari wenyu aita kuti ndibudirire.”
UIsaka wasesithi endodaneni yakhe: Kungani uyithole masinyane kangaka, ndodana yami? Wasesithi: Ngoba iNkosi uNkulunkulu wakho yenze ukuthi ize phambi kwami.
21 Ipapo Isaka akati kuna Jakobho, “Swedera pedyo kuti ndikubate, mwana wangu, kuti ndizive kana uri Esau mwanakomana wangu chaiye kana kwete.”
UIsaka wasesithi kuJakobe: Ake usondele ukuze ngikuphulule, ndodana yami, ukuthi uyindodana yami uEsawu uqobo, kumbe hatshi.
22 Jakobho akaswedera kuna baba vake Isaka, iye akamubata akati, “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.”
UJakobe wasesondela kuIsaka uyise; wasemphulula wathi: Ilizwi liyilizwi likaJakobe, kodwa izandla ziyizandla zikaEsawu.
23 Haana kugona kumuziva, nokuti maoko ake aiva nemvere dzakaita sedzomukoma wake Esau; saka akamuropafadza.
Kodwa kamazanga ngoba izandla zakhe zaziloboya njengezandla zomnewabo uEsawu; ngakho wambusisa.
24 Akati, “Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?” Akapindura akati, “Ndini.”
Wasesithi: Uyindodana yami uEsawu uqobo yini? Wasesithi: Nginguye.
25 Ipapo akati, “Mwanakomana wangu, ndipe nyama yako yemhuka ndidye, kuitira kuti ndikupe maropafadzo angu.” Jakobho akaiisa kwaari akadya; uye akauya newaini akanwa.
Wasesithi: Sondeza kimi ukuze ngidle okwenyama yenyamazana yendodana yami, ukuze umphefumulo wami ukubusise. Waseyisondeza kuye, wasesidla; waseletha kuye iwayini, wasenatha.
26 Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Uya pano mwanakomana wangu unditsvode.”
Uyise uIsaka wasesithi kuye: Ake usondele, ungange, ndodana yami.
27 Saka akaenda kwaari iye akamutsvoda. Isaka akati anzwa kunhuhwira kwenguo dzake akamuropafadza achiti, “Haiwa kunhuhwira kwomwanakomana wangu kwakaita sokunhuhwira kwesango raropafadzwa naJehovha.
Wasesondela, wamanga; wasenuka iphunga lezembatho zakhe, wambusisa wathi: Khangela, iphunga lendodana yami linjengephunga lensimu iNkosi eyibusisileyo.
28 Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva.
Ngakho uNkulunkulu akunike okwamazolo amazulu lokokuvunda komhlaba, lenala yamabele lewayini elitsha.
29 Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.”
Abantu kabakukhonze, lezizwe zikukhothamele. Bana yinkosi yabafowenu, lamadodana kanyoko akukhothamele. Okuqalekisayo kaqalekiswe, lokubusisayo kabusiswe!
30 Shure kwokunge Isaka apedza kumuropafadza uye Jakobho achangobva pamberi pababa vake, mukoma wake Esau akasvika achibva kundovhima.
Kwasekusithi uIsaka eseqedile ukubusisa uJakobe, kwathi uJakobe esanda ukuphuma phambi kukaIsaka uyise, uEsawu umnewabo wafika evela ekuzingeleni kwakhe.
31 Naiyewo akagadzira nyama inonaka akauya nayo kuna baba vake. Ipapo akati kwavari, “Baba vangu, mukai mudye nyama yangu yemhuka, kuti mugondipa maropafadzo.”
Laye futhi walungisa ukudla okumnandi, wakusa kuyise; wathi kuyise: Ubaba kavuke, adle okwenyama yenyamazana yendodana yakhe, ukuze umphefumulo wakho ungibusise.
32 Baba vake Isaka vakamubvunza vakati, “Ndiwe aniko?” Akapindura akati, “Ndini Esau mwanakomana wenyu wedangwe.”
UIsaka uyise wasesithi kuye: Ungubani? Wasesithi: Ngiyindodana yakho, izibulo lakho uEsawu.
33 Isaka akadedera nehasha akati, “Ndianiko zvino, avhima mhuka akauya nayo kwandiri? Ndaidya iwe uchigere kusvika uye ndamuropafadza, uye zvirokwazvo acharopafadzwa!”
UIsaka wasethuthumela ngokuthuthumela okukhulukazi, wathi: Pho, ngubani ozingele inyama yenyamazana wayiletha kimi, ngasengisidla okwayo yonke ungakafiki? Ngimbusisile, yebo uzabusiswa.
34 Esau akati anzwa mashoko ababa vake akaridza mhere nokuchema kukuru neshungu uye akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!”
Kwathi uEsawu esezwe amazwi kayise, wakhala ngokukhala okukhulu lokubuhlungu isibili, wathi kuyise: Ngibusisa lami njalo, baba!
35 Asi ivo vakati, “Mununʼuna wako auya nokunyengera akatora maropafadzo ako.”
Wasesithi: Umfowenu ufike ngenkohliso, wathatha isibusiso sakho.
36 Esau akati, “Haana kutumidzwa zita chairo here rokuti Jakobho? Akandinyengera kaviri kose: Akatora udangwe hwangu, uye zvino atora maropafadzo angu!” Ipapo akabvunza akati, “Ko, hamuna kundichengeterawo kana ropafadzo here?”
Wasesithi: Kasikuthi babiza ibizo lakhe ngokuthi nguJakobe, ukuthi ungiqile lezizikhathi ezimbili? Ilungelo lobuzibulo bami ulithethe, khangela-ke, khathesi uthethe isibusiso sami. Wathi futhi: Kawungigcinelanga mina isibusiso?
37 Isaka akapindura Esau akati, “Ndamuita ishe wako uye ndakaita hama dzake dzose varanda vake, uye ndamusimbisa nezviyo newaini itsva. Saka chiiko chandichagona kukuitira mwana wangu?”
UIsaka wasephendula wathi kuEsawu: Khangela, ngimbekile abe yinkosi phezu kwakho, labo bonke abafowabo ngimnikile babe zinceku; ngimsekele ngamabele lewayini elitsha; pho, ngingabe ngisakwenzelani, ndodana yami?
38 Esau akati kuna baba vake, “Munongova neropafadzo imwe chete here, baba vangu? Ndiropafadzeiwo, baba vangu!” Ipapo Esau akachema achiridza mhere.
UEsawu wasesithi kuyise: Ulesibusiso esisodwa yini, baba? Ngibusisa lami njalo, baba. UEsawu waphakamisa ilizwi lakhe wakhala inyembezi.
39 Baba vake Isaka vakamupindura vakati, “Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika, kure nedova rokudenga kumusoro.
UIsaka uyise wasephendula wathi kuye: Khangela, umuzi wakho uzakuba khatshana lokuvunda komhlaba lakhatshana lamazolo amazulu avela phezulu.
40 Iwe uchararama nomunondo uye uchashumira mununʼuna wako. Asi paunenge woshaya zororo uchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.”
Njalo uzaphila ngenkemba yakho, uzakhonza umfowenu. Kodwa kuzakuthi lapho usuphunyuka, uzakwephula ijogwe lakhe entanyeni yakho.
41 Esau akavenga Jakobho nokuda kwokuropafadzwa kwaakapiwa nababa vake. Akati mumwoyo make, “Mazuva okuchema baba vangu ava pedyo; ipapo ndichauraya mununʼuna wangu Jakobho.”
UEsawu wasemzonda uJakobe ngenxa yesibusiso uyise ayembusise ngaso. UEsawu wasesithi enhliziyweni yakhe: Insuku zokulilela ubaba sezisondele, khona ngizambulala umnawami uJakobe.
42 Rabheka akati audzwa zvakanga zvataurwa nomwanakomana wake mukuru Esau, akatuma munhu kuna Jakobho mwanakomana wake muduku akati kwaari, “Mukoma wako Esau ari kuzvinyaradza nepfungwa dzokuda kukuuraya.
Kwathi uRebeka etshelwa amazwi kaEsawu indodana yakhe enkulu, wathuma wabiza uJakobe indodana yakhe encinyane, wathi kuye: Khangela, uEsawu umnewenu uyaziduduza ngawe ukuthi akubulale.
43 Naizvozvo zvino, mwanakomana wangu, chiita zvandinokuudza: Tiza izvozvi uende kuhanzvadzi yangu Rabhani kuHarani.
Ngakho khathesi, ndodana yami, lalela ilizwi lami; sukuma uzibalekele uye kuLabani umfowethu eHarani,
44 Ugare naye kwechinguva kusvikira shungu dzomukoma wako dzaserera.
njalo uhlale laye insuku ezinlutshwana, ize idede intukuthelo yomnewenu,
45 Mukoma wako paachazenge asisina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira, ini ndichatuma shoko kwauri rokuti uchidzoka kubva ikoko. Ndorasikirwa nemi seiko muri vaviri zuva rimwe chete?”
kuze kuthi ulaka lomnewenu ludede kuwe, futhi akhohlwe lokho okwenze kuye; besengithuma ngikulande khona; kungani ngizalahlekelwa layini lobabili ngosuku lunye?
46 Ipapo Rabheka akati kuna Isaka, “Ndinosemburwa noupenyu nokuda kwavakadzi vechiHiti ava. Kana Jakobho akatora mukadzi anobva pakati pavakadzi vechiHiti vakaita savava, kurarama kwangu hakungavi namaturo.”
URebeka wasesithi kuIsaka: Nginengekile yimpilo ngenxa yamadodakazi kaHethi; uba uJakobe ethatha umfazi kumadodakazi kaHethi anjengala, emadodakazini alelilizwe, ngiphilelani?

< Genesisi 27 >