< Genesisi 25 >

1 Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura.
ابراهیم بار دیگر زنی گرفت که نامش قِطوره بود.
2 Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.
قِطوره برای ابراهیم چندین فرزند به دنیا آورد. اسامی آنها عبارت بود از: زمران، یُقشان، مدان، مدیان، یشباق و شوعه.
3 Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.
شبا و ددان پسران یقشان بودند. ددان پدر اشوریم، لطوشیم و لئومیم بود.
4 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.
عیفه، عیفر، حنوک، ابیداع و الداعه، پسران مدیان بودند.
5 Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.
ابراهیم تمام دارایی خود را به اسحاق بخشید،
6 Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.
اما به سایر پسرانش که از کنیزانش به دنیا آمده بودند، هدایایی داده، ایشان را در زمان حیات خویش از نزد پسر خود اسحاق، به دیار مشرق فرستاد.
7 Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu.
ابراهیم در سن صد و هفتاد و پنج سالگی، در کمال پیری، کامیاب از دنیا رفت و به اجداد خود پیوست.
8 Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.
9 Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,
پسرانش اسحاق و اسماعیل او را در غار مکفیله، نزدیک مَمری، واقع در زمین عفرون پسر صوحارِ حیتّی، دفن کردند.
10 munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.
این همان زمینی بود که ابراهیم از حیتی‌ها خریده و همسرش سارا را در آنجا دفن کرده بود.
11 Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.
بعد از مرگ ابراهیم، خدا اسحاق را برکت داد. (در این زمان اسحاق نزدیک بئرلحی رُئی، واقع در نِگِب ساکن بود.)
12 Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.
این است تاریخچۀ نسل اسماعیل، پسر ابراهیم، که از هاجر مصری، کنیز سارا به دنیا آمد.
13 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,
این است نامهای پسران اسماعیل به ترتیب تولدشان: نبایوت پسر ارشد اسماعیل، قیدار، ادبئیل، مِبسام،
14 Mishima, Dhuma, Masa,
مشماع، دومه، مسا،
15 Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.
حداد، تیما، یطور، نافیش و قدمه.
16 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.
هر کدام از این دوازده پسر اسماعیل، قبیله‌ای به نام خودش به وجود آوردند. محل سکونت و اردوگاه این قبایل نیز به همان اسامی خوانده می‌شد.
17 Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake.
اسماعیل در سن صد و سی و هفت سالگی مُرد و به اجداد خود پیوست.
18 Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.
فرزندان اسماعیل در منطقه‌ای بین حویله و شور که در مرز شرقی مصر و سر راه آشور واقع بود، ساکن شدند. آنها در دشمنی با همۀ برادران خود زندگی می‌کردند.
19 Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka,
این است تاریخچۀ نسل اسحاق، پسر ابراهیم. ابراهیم اسحاق را آورد،
20 uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.
و اسحاق چهل ساله بود که ربکا را به زنی گرفت. ربکا دختر بتوئیل و خواهر لابان، اهل فَدّان‌اَرام بود.
21 Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
ربکا نازا بود و اسحاق برای او نزد خداوند دعا می‌کرد. سرانجام خداوند دعای او را اجابت فرمود و ربکا حامله شد.
22 Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.
به نظر می‌رسید که دو بچه در شکم او با هم کشمکش می‌کنند. پس ربکا گفت: «چرا چنین اتفاقی برای من افتاده است؟» و در این خصوص از خداوند سؤال نمود.
23 Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”
خداوند به او فرمود: «از دو پسری که در رحم داری، دو قوم به وجود خواهد آمد. یکی از دیگری قویتر خواهد بود، و بزرگتر کوچکتر را بندگی خواهد کرد!»
24 Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake.
وقتی زمان وضع حمل ربکا رسید، او دوقلو زایید.
25 Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau.
پسر اولی که به دنیا آمد، سرخ رو بود و بدنش چنان با مو پوشیده شده بود که گویی پوستین بر تن دارد. بنابراین او را عیسو نام نهادند.
26 Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
پسر دومی که به دنیا آمد پاشنهٔ پای عیسو را گرفته بود! پس او را یعقوب نامیدند. اسحاق شصت ساله بود که این دوقلوها به دنیا آمدند.
27 Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende.
آن دو پسر بزرگ شدند. عیسو شکارچی‌ای ماهر و مرد بیابان بود، ولی یعقوب مردی آرام و چادرنشین بود.
28 Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
اسحاق، عیسو را دوست می‌داشت، چون از گوشت حیواناتی که او شکار می‌کرد، می‌خورد؛ اما ربکا یعقوب را دوست می‌داشت.
29 Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara!
روزی یعقوب مشغول پختن آش بود که عیسو خسته و گرسنه از شکار برگشت.
30 Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).
عیسو گفت: «برادر، از شدت گرسنگی رمقی در من نمانده است، کمی از آن آش سرخ به من بده تا بخورم.» (به همین دلیل است که عیسو را ادوم نیز می‌نامند.)
31 Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”
یعقوب جواب داد: «به شرط آنکه در عوض آن، حق نخست‌زادگی خود را به من بفروشی!»
32 Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”
عیسو گفت: «من از شدت گرسنگی به حال مرگ افتاده‌ام، حق نخست‌زادگی چه سودی برایم دارد؟»
33 Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
اما یعقوب گفت: «قسم بخور که بعد از این، حق نخست‌زادگی تو از آن من خواهد بود.» عیسو قسم خورد و به این ترتیب حق نخست‌زادگی خود را به برادر کوچکترش یعقوب فروخت.
34 Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.
سپس یعقوب آش عدس را با نان به عیسو داد. او خورد و برخاست و رفت. اینچنین عیسو حق نخست‌زادگی خود را بی‌ارزش شمرد.

< Genesisi 25 >