< Genesisi 24 >

1 Zvino Abhurahama akanga akwegura ava namakore mazhinji, uye Jehovha akanga amuropafadza pazvinhu zvose.
Now Abraham was old, well advanced in days, and the LORD had blessed Abraham in all things.
2 Akati kumuranda wake mukuru womumba make, iye akanga ari mutariri wezvose zvaakanga anazvo, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu.
And Abraham said to his servant, the elder of his household, who was in charge over all that he had, "Please put your hand under my thigh,
3 Ndinoda kuti upike naJehovha, Mwari wokudenga uye Mwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, avo vandigere pakati pavo,
and I will make you swear by the God of heaven and earth, that you must not take a wife for my son from the daughters of the Canaanites, among whom I am living,
4 asi uchaenda kunyika yangu nokuhama dzangu ugondotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”
but you must go to my country and to my relatives, and get a wife for my son Isaac."
5 Muranda akabvunza akati, “Ko, kana mukadzi asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndichazoenda here nomwanakomana wenyu kunyika yamakabva?”
And the servant asked him, "What if the woman isn't willing to follow me to this land? Must I then bring your son back to the land from which you came?"
6 Abhurahama akati, “Chenjera kuti urege kudzokera nomwanakomana wangu ikoko.
Then Abraham told him, "Be careful that you do not take my son back there.
7 Jehovha, Mwari wokudenga, akandibudisa muimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu uye iye akataura kwandiri akandivimbisa nemhiko achiti, ‘Ndichapa nyika iyi kuvana vako,’ achatuma mutumwa pamberi pako kuitira kuti ugogona kuwanira mwanakomana wangu mukadzi kubva ikoko.
Now the God of heaven, who took me from my father's household and from the land of my birth, who spoke to me and promised me on oath, saying, 'I will give this land to your offspring' -- he will send his angel before you, and you will get a wife for my son from there.
8 Kana mukadzi asingadi kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi. Usadzokera chete nomwanakomana wangu ikoko.”
But if the woman isn't willing to follow you, then you will be free from this oath to me. Only you must not bring my son back there."
9 Saka muranda akaisa ruoko rwake pasi pechidya chatenzi wake Abhurahama akapika mhiko kwaari maererano neshoko iri.
So the servant put his hand under the thigh of his master Abraham and gave his oath to him concerning this matter.
10 Ipapo muranda akatora ngamera dzatenzi wake gumi akaenda, akatora mhando dzezvinhu zvose zvakanaka kubva kuna tenzi wake. Akasimuka akaenda kuAramu Naharaimu akananga kuguta reNahori.
Then the servant took ten camels from his master's camels and departed, having a variety of good things from his master at his disposal, and he set out and went to Aram Naharaim, to the city of Nahor.
11 Akaita kuti ngamera dzipfugame pasi pedyo netsime raiva kunze kweguta; kwakanga kwava kudoka, nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura.
And he made the camels kneel down outside the city by the well of water at the time of evening, the time when women go out to draw water.
12 Akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, itai kuti ndibudirire nhasi, muitire tenzi wangu Abhurahama zvakanaka.
Then he said, "God of my master Abraham, please grant me success today and show kindness to my master Abraham.
13 Onai, ndimire parutivi petsime rino, uye vanasikana vavanhu vomuguta rino vari kubuda vachiuya kuzochera mvura.
Look, I am standing by the spring of water, and the daughters of the men of the city are coming out to draw water.
14 Ngazviitike kuti pandinoti kumusikana, ‘Ndapota, tura chirongo chako kuti ndinwewo mvura,’ uye iye akati, ‘Inwai henyu uye ndichanwisawo ngamera dzenyu’ ngaave iye wamasarudzira muranda wenyu Isaka. Naizvozvo ndichaziva kuti maitira tenzi wangu zvakanaka.”
Now may it happen that the young woman to whom I will say, 'Please lower your jug that I may drink,' and she answers, 'Drink, and I will also give your camels a drink,'—her you have chosen for your servant Isaac. By this I will know that you have shown kindness to my master."
15 Asati apedza kunyengetera, Rabheka akasvika nechirongo chake papfudzi rake. Akanga ari mwanasikana waBhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori mununʼuna waAbhurahama.
And it happened, before he had finished speaking, that look, Rebekah was coming out with her jug on her shoulder—who was born to Bethuel the son of Milcah, the wife of Nahor, Abraham's brother.
16 Musikana akanga akanaka kwazvo, ari mhandara; hakuna murume akanga ambovata naye. Akaenda kutsime, akazadza chirongo chake akadzokazve.
Now the young woman was very beautiful in appearance, a virgin; no man had ever slept with her. And she went down to the spring and filled her jug and came up.
17 Muranda akamhanya akandosangana naye akati, “Ndapota, ndipewo mvura shoma shoma yokunwa kubva muchirongo chako.”
Then the servant ran to meet her, and said, "Please give me a little water to drink from your jug."
18 Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu,” akakurumidza kutura chirongo mumaoko ake uye akamupa kuti anwe.
So she said, "Drink, my lord." And she hurried and let down her jug to her hands, and gave him a drink.
19 Shure kwokumupa mvura kuti anwe, akati, “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura, kusvikira dzapedza kunwa.”
Now when she had finished giving him a drink, she said, "I will also draw for your camels, until they have finished drinking."
20 Saka akakurumidza kudururira mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime zvakare kundochera imwe mvura zhinji, akachera yakakwanira ngamera dzake.
So she hurried and emptied her jug into the trough and ran again to the well to draw, and drew for all his camels.
21 Asina chaakataura, murume uyu akamutarisisa kuti azive kuti Jehovha akanga aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete.
And the man watched her in silence so as to know whether God had made his journey successful or not.
22 Ngamera dzakati dzapedza kunwa, murume uya akatora mhete yegoridhe yapamhino yairema hafu yeshekeri nezvishongo zviviri zvamaoko zvairema mashekeri gumi.
And it happened, as the camels had finished drinking, that the man took a gold ring weighing a beka, which he put on her nose, and two bracelets for her hands weighing ten pieces of gold,
23 Ipapo akamubvunza akati, “Uri mwanasikana waaniko? Ndapota, dondiudzawo, kumba kwababa vako kungaita nzvimbo yedu yokuvata here?”
and said, "Whose daughter are you? Please tell me, is there room in your father's house for us to lodge?"
24 Akamupindura akati, “Ndiri mwanasikana waBhetueri, mwanakomana waMirika akaberekera Nahori.”
Then she said to him, "I am the daughter of Bethuel, the son of Milcah, whom she bore to Nahor."
25 Uye akatizve, “Tine uswa hwakawanda namashanga, uyewo nenzvimbo yenyu yokuvata.”
And she also said to him, "We have plenty of straw and fodder, and room to lodge."
26 Ipapo murume uya akakotamira pasi akanamata Jehovha,
Then the man bowed his head and worshiped God,
27 akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye asina kurega kuita zvakanaka nokutendeka kwake kuna tenzi wangu. Kana ndirini, Jehovha akanditungamirira parwendo rwangu akandisvitsa kumba kwehama dzatenzi wangu.”
and said, "Blessed be the God of my master Abraham, who has not forsaken his loving kindness and his truth toward my master. As for me, he has led me on the journey to the house of my master's relatives."
28 Musikana akamhanya akandoudza veimba yamai vake pamusoro pezvinhu zvose izvi.
Then the young woman ran, and told her mother's household about these words.
29 Zvino Rabheka akanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani, uye iye akakurumidza kubuda akaenda kumurume uya kutsime.
Now Rebekah had a brother, and his name was Laban, and he ran out to the man at the spring.
30 Akati achingoona mhete yemhino nezvishongo mumaoko ehanzvadzi yake, uye anzwa Rabheka achitaura zvakanga zvarehwa nomurume uyu kwaari, akabuda akaenda kumurume akamuwana amire pangamera pedyo netsime.
And it happened, when he saw the nose ring and the bracelets on his sister's wrists, and when he heard the words of Rebekah his sister, saying, "This is what the man said to me," that he went to the man. And look, he was standing by the camels at the spring.
31 Akati, “Uya iwe wakaropafadzwa naJehovha. Wakamirireiko pano? Ndatogadzira imba nenzvimbo yengamera.”
And he said, "Come in, you blessed of God. Why do you stand outside? For I have prepared the house and room for the camels."
32 Saka murume uya akaenda kumba, uye ngamera dzakaturwa. Uswa namashanga zvakavigirwa ngamera, uye iye navanhu vake vakavigirwa mvura kuti vashambe tsoka dzavo.
So the man went into the house and he unloaded the camels. And he gave straw and fodder for the camels, and water to wash his feet and the feet of the men who were with him.
33 Zvokudya zvakaiswa pamberi pake, asi iye akati, “Handingatongodyi kusvikira ndakuudzai zvandinoda kureva.” Rabhani akati, “Tiudze hako zvino.”
And he set before him food to eat, but he said, "I will not eat until I have told my message." And he said, "Say it."
34 Saka iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahama.
So he said, "I am Abraham's servant.
35 Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo, uye ava mupfumi. Akamupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume navarandakadzi, ngamera nembongoro.
And the Lord has blessed my master greatly, so that he has become great, and he has given him sheep and cattle, and silver and gold, and male servants and female servants, camels and donkeys.
36 Sara mukadzi watenzi wangu akamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake, uye akamupa zvinhu zvose zvaanazvo.
And Sarah my master's wife bore a son to my master when she was old, and to him he has given all that he has.
37 Uye tenzi wangu akaita kuti ndipike mhiko, uye akati, ‘Haufaniri kutorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, munyika yandigere,
Now my master put me under oath, saying, 'You must not take a wife for my son from the daughters of the Canaanites, in whose land I live,
38 asi enda kumhuri yababa vangu uye nokuimba yangu, undotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’
but you must go to my father's house, and to my relatives, and get a wife for my son.'
39 “Ipapo ndakabvunza tenzi wangu ndikati, ‘Ko, kana mukadzi akasauya neni?’
And I said to my master, 'What if the woman will not follow me?'
40 “Akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu.
But he said to me, 'God, before whom I walk, will send his angel with you, and make your journey successful, and you will get a wife for my son from my relatives, and of my father's house.
41 Zvino, kana wasvika kuimba yokwangu, iwe uchasunungurwa pamhiko kunyange vakaramba kumupa kwauri, uchasunungurwa pamhiko yangu.’
Then will you be free from my oath, when you come to my relatives. And if they do not give her to you, then you will be free from my oath.'
42 “Pandasvika patsime nhasi, ndati, ‘Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchida, ndapota ndipeiwo kubudirira parwendo rwandafamba.
So today I came to the spring, and said, 'God of my master Abraham, if now you will make my journey successful in which I go—
43 Tarirai, ndimire parutivi petsime iri; kana musikana akabuda kuzochera mvura uye ndikati kwaari, “Ndapota rega ndinwe mvura shoma shoma kubva muchirongo chako,”
look, I am standing by this spring of water, and may it happen that the young woman who comes out to draw, to whom I will say, "Please give me a little water from your pitcher to drink,"
44 uye kana iye akati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu,” ngaave iye asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.’
and she will say to me, "Drink, and I will also draw for your camels,"—may she be the woman who has been chosen for my master's son.'
45 “Ndisati ndapedza kunyengetera mumwoyo mangu, Rabheka auya, ane chirongo chake papfudzi rake. Aenda kutsime uye akachera mvura, uye ini ndikati kwaari, ‘Ndapota ndipewo mvura ndinwe.’
Before I had finished praying in my heart, look, Rebekah came out with her jug on her shoulder, and she went down to the spring, and drew. And I said to her, 'Please give me a drink.'
46 “Akurumidza kutura chirongo chake papfudzi rake akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa ngamera dzenyuwo.’ Saka ndanwa mvura, uye anwisawo ngamera.
And she quickly lowered her jug from her shoulder, and said, 'Drink, and I will also give your camels a drink.' So I drank, and she also gave the camels water.
47 “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’ “Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’ “Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake,
Then I asked her, and said, 'Whose daughter are you?' And she replied, 'The daughter of Bethuel, Nahor's son, whom Milcah bore to him.' So I put the ring on her nose, and the bracelets on her wrists.
48 uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womununʼuna watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake.
Then I bowed my head and worshiped God, and blessed the God of my master Abraham, who had guided me on the right road to find the granddaughter of my master's brother for his son.
49 Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.”
Now if you will show kindness and truth to my master, tell me. And if not, tell me, that I may turn to the right hand, or to the left."
50 Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka.
Then Laban and Bethuel answered, "The matter comes from God. We can't speak to you bad or good.
51 Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.”
Look, Rebekah is before you. Take, and go, and let her become the wife of your master's son, as God has spoken."
52 Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha.
And it happened when Abraham's servant heard their words, that he bowed himself down to the ground.
53 Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.
Then the servant brought out articles of silver and articles of gold, and clothing, and gave them to Rebekah. And he also gave valuable gifts to her brother and to her mother.
54 Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya vakanwa, uye vakararapo usiku uho. Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.”
Then he and the men who were with him ate and drank, and spent the night. Then they got up in the morning, and he said, "Send me away to my master."
55 Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”
But her brother and her mother said, "Let the young woman stay with us ten days or so. After that she may go."
56 Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”
But he said to them, "Do not delay me, seeing that he has made my journey successful. Send me away that I may go to my master."
57 Ipapo vakati, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”
Then they said, "We will call the young woman and ask her."
58 Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?” Iye akati, “Ndichaenda.”
So they called Rebekah, and said to her, "Will you go with this man?" And she replied, "I will go."
59 Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake.
So they sent away their sister Rebekah, and her nurse, and Abraham's servant, and his men.
60 Uye vakaropafadza Rabheka vakati, “Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.”
And they blessed Rebekah, and said to her, "Our sister, may you be the mother of thousands of ten thousands, and may your descendants possess the gate of those who hate them."
61 Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda.
And Rebekah and her female servants got ready, and they rode on the camels and followed the man. So the servant took Rebekah and went on his way.
62 Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi.
Now Isaac had come from the way of Beer Lahai Roi, for he was living in the land of the Negev.
63 Humwe usiku akabuda akaenda musango kuti ambondorangarira, uye paakasimudza meso ake, akaona ngamera dzichiswedera,
And Isaac went out in the field to think in the early evening. And he lifted up his eyes and looked, and look, he saw camels approaching.
64 naRabhekawo akasimudza meso ake akaona Isaka. Akaburuka kubva pangamera yake
And Rebekah lifted up her eyes, and when she saw Isaac, she dismounted from the camel.
65 uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?” Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza.
And she asked the servant, "Who is the man who is walking in the field to meet us?" And the servant said, "It is my master." Then she took her veil and covered herself.
66 Ipapo muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.
And the servant told Isaac all the things that he had done.
67 Isaka akamupinza mutende ramai vake Sara, uye akawana Rabheka. Saka akava mukadzi wake, uye akamuda; naizvozvo Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.
Then Isaac brought her into his mother Sarah's tent, and took Rebekah, and she became his wife. And he loved her. So Isaac was comforted after his mother's death.

< Genesisi 24 >