< Genesisi 23 >
1 Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa.
サラの一生は百二十七年であった。これがサラの生きながらえた年である。
2 Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara akaungudza pamusoro pake.
サラはカナンの地のキリアテ・アルバすなわちヘブロンで死んだ。アブラハムは中にはいってサラのために悲しみ泣いた。
3 Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati,
アブラハムは死人のそばから立って、ヘテの人々に言った、
4 “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”
「わたしはあなたがたのうちの旅の者で寄留者ですが、わたしの死人を出して葬るため、あなたがたのうちにわたしの所有として一つの墓地をください」。
5 VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,
ヘテの人々はアブラハムに答えて言った、
6 “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”
「わが主よ、お聞きなさい。あなたはわれわれのうちにおられて、神のような主君です。われわれの墓地の最も良い所にあなたの死人を葬りなさい。その墓地を拒んで、あなたにその死人を葬らせない者はわれわれのうちには、ひとりもないでしょう」。
7 Ipapo Abhurahama akasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti.
アブラハムは立ちあがり、その地の民ヘテの人々に礼をして、
8 Akati kwavari, “Kana muchida kuti ndivige akafa wangu, zvino chindinzwai uye mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari pachinzvimbo changu,
彼らに言った、「もしわたしの死人を葬るのに同意されるなら、わたしの願いをいれて、わたしのためにゾハルの子エフロンに頼み、
9 kuti anditengesere bako raMakapera, raanaro uye riri kumucheto womunda wake. Mukumbirei kuti anditengesere nomutengo uzere ive nzvimbo yangu yokuviga vakafa pakati penyu.”
彼が持っている畑の端のマクペラのほら穴をじゅうぶんな代価でわたしに与え、あなたがたのうちに墓地を持たせてください」。
10 Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa,
時にエフロンはヘテの人々のうちにすわっていた。そこでヘテびとエフロンはヘテの人々、すなわちすべてその町の門にはいる人々の聞いているところで、アブラハムに答えて言った、
11 akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”
「いいえ、わが主よ、お聞きなさい。わたしはあの畑をあなたにさしあげます。またその中にあるほら穴もさしあげます。わたしの民の人々の前で、それをさしあげます。あなたの死人を葬りなさい」。
12 Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika
アブラハムはその地の民の前で礼をし、
13 akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.”
その地の民の聞いているところでエフロンに言った、「あなたがそれを承諾されるなら、お聞きなさい。わたしはその畑の代価を払います。お受け取りください。わたしの死人をそこに葬りましょう」。
14 Efuroni akapindura Abhurahama akati,
エフロンはアブラハムに答えて言った、
15 “Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana mana esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”
「わが主よ、お聞きなさい。あの地は銀四百シケルですが、これはわたしとあなたの間で、なにほどのことでしょう。あなたの死人を葬りなさい」。
16 Abhurahama akabvumirana nomutengo waEfuroni akamuyerera mutengo waakanga areva vaHiti vachizvinzwa; mazana mana amashekeri esirivha, maererano nomutengo waivapo pakati pavatengesi.
そこでアブラハムはエフロンの言葉にしたがい、エフロンがヘテの人々の聞いているところで言った銀、すなわち商人の通用銀四百シケルを量ってエフロンに与えた。
17 Saka munda waEfuroni muMakapera pedyo neMamure, zvose munda nebako zvaive mauri, nemiti yose yaiva pakati pomuganhu womunda, zvakapiwa
こうしてマムレの前のマクペラにあるエフロンの畑は、畑も、その中のほら穴も、畑の中およびその周囲の境にあるすべての木も皆、
18 kuna Abhurahama zvikava zvake pamberi pavaHiti vakanga vauya pasuo reguta.
ヘテの人々の前、すなわちその町の門にはいるすべての人々の前で、アブラハムの所有と決まった。
19 Shure kwaizvozvo Abhurahama akaviga mukadzi wake Sara mubako mumunda weMakapera pedyo neMamure (iro Hebhuroni) munyika yeKenani.
その後、アブラハムはその妻サラをカナンの地にあるマムレ、すなわちヘブロンの前のマクペラの畑のほら穴に葬った。
20 Saka munda nebako raiva mauri zvakapiwa kuna Abhurahama navaHiti senzvimbo yamakuva.
このように畑とその中にあるほら穴とはヘテの人々によってアブラハムの所有の墓地と定められた。