< Genesisi 22 >
1 Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
In kutu pacl tok, God El srikal Abraham. El pangnol, “Abraham!” Ac Abraham el topuk, “Nga inge.”
2 Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
God El fahk, “Eisal Isaac, wen sefanna nutum su kom arulana kuloi, ac som nwe in facl Moriah. Ke kom ac sun acn we, na kom fah kisakunulma in mwe kisa firir nu sik fin soko eol su nga ac akkalemye nu sum.”
3 Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari.
Toangna in lotu tok ah, Abraham el telak etong mwe orek kisa, ac sang nu fin donkey natul ah. Na el eisal Isaac ac mwet kulansap luo welul, ac elos som nu yen se ma God El fahk mu elan som nu we ah.
4 Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure.
Ke len se aktolu ah, Abraham el liyauk acn sac, ohkokme emeeto.
5 Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.”
Na el fahk nu sin mwet kulansap luo ah, “Muta inse wi donkey uh. Nga, ac tulik se nutik inge, ac som nu meet ah in alu, ac kut ac fah foloko.”
6 Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri,
Abraham el sang Isaac elan us etong nu ke kisa uh, ac el us mitmit se ac mulut firir mwe tanak e uh. Ac ke eltal tukeni fahsr,
7 Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”
Isaac el kasla ac fahk, “Papa!” Ac el topuk, “Mea?” Isaac el siyuk, “Efu ku oasr etong ac mulut kut us, a pia sheep fusr mwe kisa an?”
8 Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”
Ac Abraham el fahk, “God El ac fah ase.” Na eltal tukenina fahsr.
9 Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni.
Ke eltal tuku nu ke acn se ma God El fahk nu sel kac, Abraham el etoak loang se ac takunla etong ah fac. El kapriya wen se natul ah, ac likilya fin etong ma oan fin loang ah.
10 Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.
Na el srukak mitmit sac in unilya.
11 Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.”
Tusruktu lipufan lun LEUM GOD el pang nu sel inkusrao me, “Abraham, Abraham!” Ac el topuk, “Nga pa inge.”
12 Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
Na lipufan sac fahk, “Nimet kom kahlya tulik sacn ku oru kutena ma nu sel. Inge nga etu lah kom akfulatye God ac akos ma El sapkin, mweyen kom tia sruokya wen sefanna nutum an lukel.”
13 Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa.
Abraham el ngetnget nwe liyauk sheep mukul soko, sremla koacl ke sripin sak se. El som sruokya ac kisakin tuh in sie mwe kisa firir in aolla wen natul.
14 Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
Abraham el sang inen acn sac, “LEUM GOD El Ase.” Fahsru nwe misenge, mwet uh srakna fahk ouinge, “Fineol sin LEUM GOD, El fah ase.”
15 Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri
Lipufan lun LEUM GOD el pang nu sel Abraham inkusrao me pacl se akluo
16 akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga,
ac fahk, “LEUM GOD El fahk ouinge: ‘Nga orala sie wuleang ke Inek sifacna lah nga fah arulana akinsewowoye kom. Ke sripen kom tuh oru ma se inge, ac tia seko wen sefanna nutum,
17 zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo,
nga wuleot nu sum lah nga ac fah akpusye fita nutum in pukanten oana itu inkusrao ku puk wekof uh. Fwilin tulik nutum ac fah kutangla mwet lokoalok lalos.
18 uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
Mutanfahl nukewa ac fah siyuk sik in akinsewowoyalos oana ke nga akinsewowoye fita lom. Ma inge nukewa ma na ke sripen kom tuh akos ma nga sapkin.’”
19 Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.
Abraham el folokla nu yurin mwet kulansap lal, ac elos tukeni som nu Beersheba, yen Abraham el muta we.
20 Shure kwaizvozvo, Abhurahama akaudzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera mununʼuna wako Nahori vanakomana vanoti:
In kutu pacl tok, Abraham el lohngak lah Milcah el oswela tulik oalkosr nu sel Nahor, tamulel lal Abraham:
21 Uzi dangwe, Bhuzi mununʼuna wake, Kemueri (baba vaAramu),
Uz wounse, Buz tamulel lal, Kemuel papa tumal Aram,
22 Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.”
Chesed, Hazo, Pildash, Jidlaph, ac Bethuel
23 Bhetueri akabereka Rabheka. Mirika akaberekera Nahori mununʼuna waAbhurahama vanakomana vasere ava.
papa tumal Rebecca. Milcah el oswela wen oalkosr inge nu sel Nahor, tamulel lal Abraham.
24 Murongo wake ainzi Reuma, naiyewo akava navanakomana vaiti: Tebha, Gahamu, Tahashi naMaaka.
Reumah, mutan kulansap kial Nahor, el oswella Tebah, Gaham, Tahash, ac Maacah.