< Genesisi 20 >

1 Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva,
亚伯拉罕从那里向南地迁去,寄居在加低斯和书珥中间的基拉耳。
2 uye ikoko Abhurahama akati nezvomukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara.
亚伯拉罕称他的妻撒拉为妹子,基拉耳王亚比米勒差人把撒拉取了去。
3 Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.”
但夜间, 神来,在梦中对亚比米勒说:“你是个死人哪!因为你取了那女人来;她原是别人的妻子。”
4 Zvino Abhimereki akanga asati aswedera kwaari, saka akati, “Ishe, muchaparadza rudzi rusina mhosva here?
亚比米勒却还没有亲近撒拉;他说:“主啊,连有义的国,你也要毁灭吗?
5 Ko, iye haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here, naiyewo mukadzi haana kuti kwandiri ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndakaita izvi nehana yakachena uye namaoko akachena.”
那人岂不是自己对我说‘她是我的妹子’吗?就是女人也自己说:‘他是我的哥哥。’我做这事是心正手洁的。”
6 Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate.
神在梦中对他说:“我知道你做这事是心中正直;我也拦阻了你,免得你得罪我,所以我不容你沾着她。
7 Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.”
现在你把这人的妻子归还他;因为他是先知,他要为你祷告,使你存活。你若不归还他,你当知道,你和你所有的人都必要死。”
8 Mangwanani akatevera Abhimereki akadana varanda vake vose, uye paakavaudza zvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo.
亚比米勒清早起来,召了众臣仆来,将这些事都说给他们听,他们都甚惧怕。
9 Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.”
亚比米勒召了亚伯拉罕来,对他说:“你怎么向我这样行呢?我在什么事上得罪了你,你竟使我和我国里的人陷在大罪里?你向我行不当行的事了!”
10 Uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Wakaoneiko chakaita kuti uite izvi?”
亚比米勒又对亚伯拉罕说:“你见了什么才做这事呢?”
11 Abhurahama akapindura akati, “Ndakati mumwoyo mangu, ‘Zvirokwazvo munzvimbo ino hamuna kutya Mwari, uye vachandiuraya nokuda kwomukadzi wangu.’
亚伯拉罕说:“我以为这地方的人总不惧怕 神,必为我妻子的缘故杀我。
12 Zvisinei hazvo, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu kunyange hazvo asina kuberekwa namai vangu; uye akazova hake mukadzi wangu.
况且她也实在是我的妹子;她与我是同父异母,后来作了我的妻子。
13 Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.”’”
当 神叫我离开父家、飘流在外的时候,我对她说:‘我们无论走到什么地方,你可以对人说:他是我的哥哥;这就是你待我的恩典了。’”
14 Ipapo Abhimereki akauya namakwai nemombe uye navarandarume navarandakadzi akavapa kuna Abhurahama, uye akadzosa Sara mukadzi wake.
亚比米勒把牛、羊、仆婢赐给亚伯拉罕,又把他的妻子撒拉归还他。
15 Uye Abhimereki akati, “Nyika yangu iri pamberi pako; gara paunoda.”
亚比米勒又说:“看哪,我的地都在你面前,你可以随意居住”;
16 Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiuru esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.”
又对撒拉说:“我给你哥哥一千银子,作为你在合家人面前遮羞的,你就在众人面前没有不是了。”
17 Ipapo Abhurahama akanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaporesa Abhimereki, mukadzi wake uye navarandakadzi vake kuti vakwanise kuita vana zvakare,
亚伯拉罕祷告 神, 神就医好了亚比米勒和他的妻子,并他的众女仆,她们便能生育。
18 nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvavo zvose muimba yaAbhimereki nokuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.
因耶和华为亚伯拉罕的妻子撒拉的缘故,已经使亚比米勒家中的妇人不能生育。

< Genesisi 20 >