< Genesisi 2 >

1 Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose.
こうして天と地と、その万象とが完成した。
2 Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose.
神は第七日にその作業を終えられた。すなわち、そのすべての作業を終って第七日に休まれた。
3 Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
神はその第七日を祝福して、これを聖別された。神がこの日に、そのすべての創造のわざを終って休まれたからである。
4 Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika namatenga,
これが天地創造の由来である。主なる神が地と天とを造られた時、
5 uye kwakanga kusati kwava namakwenzi esango panyika, uye miriwo yesango yakanga isati yamera, nokuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye kwakanga kusina munhu wokuzorima panyika,
地にはまだ野の木もなく、また野の草もはえていなかった。主なる神が地に雨を降らせず、また土を耕す人もなかったからである。
6 asi hova dzaibuda dzichibva pasi uye dzichinyorovesa pasi pose,
しかし地から泉がわきあがって土の全面を潤していた。
7 Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
主なる神は土のちりで人を造り、命の息をその鼻に吹きいれられた。そこで人は生きた者となった。
8 Zvino Jehovha Mwari akanga adyara bindu kumabvazuva, muEdheni; uye akaisa munhu waakanga aumba imomo.
主なる神は東のかた、エデンに一つの園を設けて、その造った人をそこに置かれた。
9 Uye Jehovha Mwari akaita mhando dzose dzemiti kuti dzimere kubva muvhu, miti yaifadza meso uye yakanga yakanaka pakudya. Pakati pebindu pakanga pano muti woupenyu nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.
また主なる神は、見て美しく、食べるに良いすべての木を土からはえさせ、更に園の中央に命の木と、善悪を知る木とをはえさせられた。
10 Rwizi rwaidiridza bindu rwaiyerera ruchibva muEdheni; kubva imomo rwakaparadzana rukava hova ina.
また一つの川がエデンから流れ出て園を潤し、そこから分れて四つの川となった。
11 Zita rerwokutanga ndiPishoni; runopoterera nomunyika yose yeHavhira, imomo mune goridhe.
その第一の名はピソンといい、金のあるハビラの全地をめぐるもので、
12 (Goridhe romunyika iyoyo rakanaka; uyewo dheriamu nebwe reonikisi zvirimo.)
その地の金は良く、またそこはブドラクと、しまめのうとを産した。
13 Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; runopoterera nomunyika yose yeEtiopia.
第二の川の名はギホンといい、クシの全地をめぐるもの。
14 Zita rorwizi rwechitatu ndiTigirisi; runoyerera ruchitevedza rutivi rwamabvazuva eAshuri. Uye rwizi rwechina ndiYufuratesi.
第三の川の名はヒデケルといい、アッスリヤの東を流れるもの。第四の川はユフラテである。
15 Jehovha Mwari akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni kuti aririme nokurichengeta.
主なる神は人を連れて行ってエデンの園に置き、これを耕させ、これを守らせられた。
16 Uye Jehovha Mwari akarayira munhu achiti, “Wakasununguka kuti udye zvinobva pamuti upi zvawo uri mubindu;
主なる神はその人に命じて言われた、「あなたは園のどの木からでも心のままに取って食べてよろしい。
17 asi haufaniri kudya zvinobva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti pauchaudya uchafa zvirokwazvo.”
しかし善悪を知る木からは取って食べてはならない。それを取って食べると、きっと死ぬであろう」。
18 Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
また主なる神は言われた、「人がひとりでいるのは良くない。彼のために、ふさわしい助け手を造ろう」。
19 Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho.
そして主なる神は野のすべての獣と、空のすべての鳥とを土で造り、人のところへ連れてきて、彼がそれにどんな名をつけるかを見られた。人がすべて生き物に与える名は、その名となるのであった。
20 Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira.
それで人は、すべての家畜と、空の鳥と、野のすべての獣とに名をつけたが、人にはふさわしい助け手が見つからなかった。
21 Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa.
そこで主なる神は人を深く眠らせ、眠った時に、そのあばら骨の一つを取って、その所を肉でふさがれた。
22 Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
主なる神は人から取ったあばら骨でひとりの女を造り、人のところへ連れてこられた。
23 Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
そのとき、人は言った。「これこそ、ついにわたしの骨の骨、わたしの肉の肉。男から取ったものだから、これを女と名づけよう」。
24 Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
それで人はその父と母を離れて、妻と結び合い、一体となるのである。
25 Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.
人とその妻とは、ふたりとも裸であったが、恥ずかしいとは思わなかった。

< Genesisi 2 >