< Genesisi 19 >

1 Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi.
And there came two angels to Sodom at evening; and Lot sat in the gate of Sodom; and Lot seeing [them], rose to meet them; and he bowed himself with his face towards the ground;
2 Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.”
And he said, Behold now, my lords, turn, I pray you, into your servant's house, and tarry all night, and wash your feet, and ye shall rise early, and go on your ways. And they said, Nay; but we will abide in the street all night.
3 Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya.
And he urged them greatly; and they turned in to him, and entered into his house; and he made them a feast, and baked unleavened bread, and they ate.
4 Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba.
But before they lay down, the men of the city, [even] the men of Sodom, surrounded the house, both old and young, all the people from every quarter:
5 Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.”
And they called to Lot, and said to him, Where [are] the men who came in to thee this night? bring them out to us, that we may know them.
6 Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake,
And Lot went out at the door to them, and shut the door after him,
7 akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa.
And said, I pray you, brethren, do not so wickedly.
8 Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.”
Behold now, I have two daughters who have not known man; let me, I pray you, bring them out to you, and do ye to them as [is] good in your eyes: only to these men do nothing; for therefore came they under the shadow of my roof.
9 Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi.
And they said, Stand back. And they said [again], This one [man] came in to sojourn, and he will needs be a judge: Now will we deal worse with thee than with them. And they pressed hard upon the man, Lot, and came near to break the door.
10 Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova.
But the men put forth their hand, and pulled Lot into the house to them, and shut the door.
11 Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova.
And they smote the men that [were] at the door of the house with blindness, both small and great: so that they wearied themselves to find the door.
12 Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno,
And the men said to Lot, Hast thou here any besides? son-in-law, and thy sons, and thy daughters, and whatever thou hast in the city, bring [them] out of this place:
13 nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.”
For we will destroy this place, because the cry of them has become great before the face of the LORD; and the LORD hath sent us to destroy it.
14 Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo.
And Lot went out and spoke to his sons-in-law, who married his daughters, and said, Arise, depart from this place; for the LORD will destroy this city: but he seemed to his sons-in-law as one that mocked.
15 Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.”
And when the morning arose, then the angels hastened Lot, saying, Arise, take thy wife, and thy two daughters who are here; lest thou be consumed in the iniquity of the city.
16 Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi.
And while he lingered, the men laid hold upon his hand, and upon the hand of his wife, and upon the hand of his two daughters: the LORD being merciful to him: and they brought him forth, and set him without the city.
17 Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”
And it came to pass, when they had brought them forth abroad, that he said, Escape for thy life: look not behind thee, neither stay thou in all the plain: escape to the mountain, lest thou be consumed.
18 Asi Roti akati kwavari, “Kwete, madzibaba angu, ndapota!
And Lot said to them, Oh, not so, my Lord!
19 Muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, uye maratidza unyoro hukuru kwandiri zvamarwira upenyu hwangu. Asi handigoni kutizira kumakomo; njodzi iyi ingazondibata, uye ndingazofa.
Behold now, thy servant hath found grace in thy sight, and thou hast magnified thy mercy, which thou hast shown to me in saving my life: and I cannot escape to the mountain, lest some evil should take me, and I die:
20 Tarirai, herino guta riri pedyo randingatizira kwariri, uye iduku zvaro. Regai nditizire kwariri, iduku kwazvo, handizvo here? Ipapo upenyu hwangu hucharwirwa.”
Behold now, this city is near to flee to, and it [is] a small one: Oh, let me escape thither! ([Is] it not a small one?) and my soul shall live.
21 Akati kwaari, “Zvakanaka, ndichaitawo zvawakumbira; handisi kuzoparadza guta rauri kureva.
And he said to him, See, I have accepted thee concerning this thing also, that I will not overthrow this city, for which thou hast spoken.
22 Asi chitizirai ikoko nokukurumidza, nokuti handigoni kuita chinhu chipi zvacho kusvikira masvika kwariri.” (Ndokusaka guta iro richinzi Zoari.)
Haste thee, escape thither: for I cannot do any thing till thou hast come thither: therefore the name of the city was called Zoar.
23 Kusvika kwakaita Roti paZoari, zuva rakanga rakwira pamusoro penyika.
The sun had risen upon the earth when Lot entered into Zoar.
24 Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha.
Then the LORD rained upon Sodom and upon Gomorrah brimstone and fire from the LORD out of heaven;
25 Naizvozvo akaparadza maguta ayo uye nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta uyewo nezvose zvakanga zvamera munyika.
And he overthrew those cities, and all the plain, and all the inhabitants of the cities, and that which grew upon the ground.
26 Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu.
But his wife looked back from behind him, and she became a pillar of salt.
27 Fume mangwana mangwanani Abhurahama akamuka akadzokera kunzvimbo yaakanga amira pamberi paJehovha.
And Abraham rose early in the morning, to the place were he stood before the LORD:
28 Akatarisa zasi kwakanangana nokuSodhomu neGomora, kwakatarisana nokunyika yose yebani, akaona utsi hwakawanda huchisimuka kubva panyika, kufanana noutsi hunobva pachoto.
And he looked towards Sodom and Gomorrah, and towards all the land of the plain, and beheld, and lo, the smoke of the country went up as the smoke of a furnace.
29 Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahama, uye akabudisa Roti kubva panjodzi yakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
And it came to pass, when God destroyed the cities of the plain, that God remembered Abraham, and sent Lot out of the midst of the overthrow, when he overthrew the cities in which Lot dwelt.
30 Roti navanasikana vake vaviri vakabva paZoari vakandogara mumakomo, nokuti akanga achitya kugara muZoari. Iye navanasikana vake vakagara mubako.
And Lot went up from Zoar, and dwelt in the mountain, and his two daughters with him; for he feared to dwell in Zoar: and he dwelt in a cave, he, and his two daughters.
31 Rimwe zuva mwanasikana wake mukuru akati kumuduku wake, “Baba vedu vakwegura, uye pano hapana varume vokuti vavate nesu, setsika yenyika yose.
And the first-born said to the younger, Our father [is] old, and [there is] not a man on the earth to come in to us after the manner of all the earth:
32 Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tichengetedze rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
Come, let us make our father drink wine, and we will lie with him, that we may preserve seed of our father.
33 Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, uye mwanasikana mukuru akapinda akavata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
And they made their father drink wine that night: and the first-born went in and lay with her father; and he perceived not when she lay down, nor when she arose.
34 Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
And it came to pass on the morrow that the first born said to the younger, Behold, I lay yesternight with my father; let us make him drink wine this night also; and go thou in, [and] lie with him, that we may preserve seed of our father.
35 Saka vakaita kuti baba vavo vanwezve waini usiku ihwohwo uye mwanasikana muduku akapinda akandovata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
And they made their father drink wine that night also: and the younger arose and lay with him; and he perceived not when she lay down, nor when she arose.
36 Saka vanasikana vose vaRoti vakava nemimba nababa vavo.
Thus were both the daughters of Lot with child by their father.
37 Mwanasikana mukuru akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu; ndiye baba wavaMoabhu vanhasi.
And the first-born bore a son, and called his name Moab: the same [is] the father of the Moabites to this day.
38 Mwanasikana muduku akavawo nomwanakomana, uye akamutumidza zita rokuti Bheni-Ami; ndiye baba wavaAmoni vanhasi.
And the younger, she also bore a son, and called his name Ben-ammi: the same [is] the father of the children of Ammon to this day.

< Genesisi 19 >