< Genesisi 18 >
1 Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa.
Yahweh appeared to Abraham by the oaks of Mamre, as he sat in the tent doorway in the heat of the day.
2 Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.
He looked up and, behold, he saw three men standing across from him. When he saw them, he ran to meet them from the tent door and bowed low to the ground.
3 Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.
He said, “Lord, if I have found favor in your eyes, do not pass by and leave your servant.
4 Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.
Let a little water be brought, wash your feet, and rest yourselves under the tree.
5 Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
Let me bring a little food, so that you may refresh yourselves. Afterwards you can go your way, since you have come to your servant.” They replied, “Do as you have said.”
6 Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”
Then Abraham quickly went into the tent to Sarah, and said, “Hurry, get three seahs of fine flour, knead it, and make bread.”
7 Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.
Then Abraham ran to the herd, and took a calf that was tender and good, and gave it to the servant, and he hurried to prepare it.
8 Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.
He took curds and milk, and the calf that had been prepared, and placed the food before them, and he stood by them under the tree while they ate.
9 Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.”
They said to him, “Where is Sarah your wife?” He replied, “There, in the tent.”
10 Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.
He said, “I will certainly return to you in the springtime, and see, Sarah your wife will have a son.” Sarah was listening in the tent doorway, which was behind him.
11 Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.
Now Abraham and Sarah were old, very advanced in age, and Sarah had passed the age when women could bear children.
12 Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”
So Sarah laughed to herself, saying to herself, “After I am worn-out and my master is old, will I now have this pleasure?”
13 Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’
Yahweh said to Abraham, “Why did Sarah laugh and say, 'Will I really bear a child, when I am old'?
14 Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
Is anything too hard for Yahweh? At the time appointed by me, in the spring, I will return to you. About this time next year Sarah will have a son.”
15 Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”
Then Sarah denied it and said, “I did not laugh,” for she was afraid. He replied, “No, you did laugh.”
16 Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.
Then the men arose to leave and looked down toward Sodom. Abraham went with them to see them on their way.
17 Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.
But Yahweh said, “Should I hide from Abraham what I am about to do,
18 Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.
since Abraham will indeed become a great and mighty nation, and all the nations of the earth will be blessed in him?
19 Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”
For I have chosen him so that he may instruct his children and his household after him to keep the way of Yahweh, to do righteousness and justice, so that Yahweh may bring upon Abraham what he has said to him.”
20 Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa
Then Yahweh said, “Because the outcry against Sodom and Gomorrah is so great, and because their sin is so serious,
21 zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”
I will now go down there and see the outcry against her that has come to me, whether they have really done it. If not, I will know.”
22 Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.
So the men turned from there, and went toward Sodom, but Abraham remained standing before Yahweh.
23 Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?
Then Abraham approached and said, “Will you sweep away the righteous with the wicked?
24 Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?
Perhaps there are fifty righteous within the city. Will you sweep it away and not spare the place for the sake of the fifty righteous that are there?
25 Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
Far be it from you to do such a thing, killing the righteous with the wicked, so that the righteous should be treated the same as the wicked. Far be it from you! Will not the Judge of all the earth do what is just?”
26 Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”
Yahweh said, “If I find in Sodom fifty righteous within the city, then I will spare the whole place for their sake.”
27 Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,
Abraham answered and said, “Look, I have undertaken to speak to my Lord, even though I am only dust and ashes!
28 ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.”
What if there are five less than fifty righteous? Will you destroy the whole city for lack of five?” Then he said, “I will not destroy it, if I find there forty-five.”
29 Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.”
He spoke to him yet again, and said, “What if there are forty found there?” He replied, “I will not do it for the forty's sake.”
30 Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.”
He said, “Please do not be angry, Lord, so I may speak. Perhaps thirty will be found there.” He replied, “I will not do it, if I find thirty there.”
31 Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.”
He said, “Look, I have undertaken to speak to my Lord! Perhaps twenty will be found there.” He replied, “I will not destroy it for the twenty's sake.”
32 Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.”
He said, “Please do not be angry, Lord, and I will speak this one last time. Perhaps ten will be found there.” Then he said, “I will not destroy it for the ten's sake.”
33 Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.
Yahweh went on his way as soon as he had finished talking with Abraham, and Abraham returned home.