< Genesisi 17 >

1 Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama.
When Abram was ninety-nine years old, God appeared to Abram, and said to him, "I am El Shaddai. Walk before me, and be blameless.
2 Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.”
I will make my covenant between me and you, and will multiply you greatly."
3 Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari,
Then Abram fell facedown, and God talked with him, saying,
4 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.
"As for me, look, my covenant is with you. You will be the father of a multitude of nations.
5 Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji.
Neither will your name any more be called Abram, but your name will be Abraham; for I will make you the father of a multitude of nations.
6 Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.
I will make you exceedingly fruitful, and I will make nations of you. Kings will come out of you.
7 Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.
I will establish my covenant between me and you and your descendants after you throughout their generations for an everlasting covenant, to be God to you and to your descendants after you.
8 Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.”
I will give to you, and to your descendants after you, the land of your sojournings, all the land of Canaan, for an everlasting possession, and I will be their God."
9 Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya.
God said to Abraham, "As for you, you are to keep my covenant, you and your descendants after you throughout their generations.
10 Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa.
This is my covenant, which you shall keep, between me and you and your descendants after you: Every male among you shall be circumcised.
11 Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe.
You shall be circumcised in the flesh of your foreskin. It will be a sign of the covenant between me and you.
12 Kubva kuzvizvarwa zvinotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako.
He who is eight days old will be circumcised among you, every male throughout your generations, he who is born in the house, or bought with money from any foreigner who is not of your descendants.
13 Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi.
He who is born in your house, and he who is bought with your money, must be circumcised. My covenant will be in your flesh for an everlasting covenant.
14 Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.”
And the uncircumcised male who is not circumcised in the flesh of his foreskin on the eighth day, that person shall be cut off from his people. He has broken my covenant."
15 Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara.
God said to Abraham, "As for Sarai your wife, you shall not call her name Sarai, but her name will be Sarah.
16 Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.”
And I will bless her, and moreover I will give you a son by her. And I will bless her, and she will be a mother of nations. Kings of peoples will come from her."
17 Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?”
Then Abraham fell on his face, and laughed, and said in his heart, "Will a child be born to him who is one hundred years old? Will Sarah, who is ninety years old, give birth?"
18 Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!”
Abraham said to God, "Oh that Ishmael might live before you."
19 Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
And God said, "Truly, Sarah your wife will bear you a son, and you are to name him Isaac. And I will establish my covenant with him as an everlasting covenant and with his descendants after him.
20 Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
As for Ishmael, I have heard you. Look, I have blessed him, and will make him fruitful, and will multiply him exceedingly. He will become the father of twelve princes, and I will make him a great nation.
21 Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.”
But my covenant I establish with Isaac, whom Sarah will bear to you at this set time next year."
22 Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kumusoro achibva paari.
When he finished talking with him, God went up from Abraham.
23 Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.
Abraham took Ishmael his son, all who were born in his house, and all who were bought with his money; every male among the men of Abraham's house, and circumcised the flesh of their foreskin in the same day, as God had said to him.
24 Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa,
Abraham was ninety-nine years old, when he was circumcised in the flesh of his foreskin.
25 uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa;
Ishmael, his son, was thirteen years old when he was circumcised in the flesh of his foreskin.
26 Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro.
In the same day both Abraham and Ishmael, his son, were circumcised.
27 Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.
All the men of his house, those born in the house, and those bought with money from a foreigner, were circumcised with him.

< Genesisi 17 >