< Genesisi 15 >
1 Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.”
After these things the word of the Lord came unto Abram in a vision, saying, Fear not Abram; I am thy shield, thy reward shall be exceedingly great.
2 Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?”
And Abram said, Lord God, what wilt thou give me, seeing I go childless, and the steward of my house is Eliezer of Damascus?
3 Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.”
And Abram said, Behold to me thou hast given no seed; and lo, one born in my house will be my heir.
4 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.”
And behold, the word of the Lord came unto him, saying, This one shall not be thy heir; but he that shall come forth out of thy own bowels shall be thy heir.
5 Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
And he brought him forth abroad, and said, Look now toward the heaven, and count the stars, if thou be able to count them; and he said unto him, So shall thy seed be.
6 Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.
And he believed in the Lord; and he accounted it to him for righteousness.
7 Akatiwo kwaari, “Ndini Jehovha, akakubudisa munyika yeUri yavaKaradhea kuti ndikupe nyika iyi kuti uitore ive yako.”
And he said unto him, I am the Lord that brought thee out of Ur of the Chaldees, to give unto thee this land, to inherit it.
8 Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndingaziva seiko kuti ndichaitora?”
And he said, Lord God, whereby shall I know that I shall inherit it?
9 Saka Jehovha akati kwaari, “Ndivigire tsiru, mbudzi negondobwe, chimwe nechimwe chazvo china makore matatu pamwe chete nenjiva uye nehangaiwa.”
And he said unto him, Take me a heifer of three years old, and a she-goat of three years old, and a ram of three years old, and a turtle-dove, and a young pigeon.
10 Abhurama akauyisa zvose izvi kwaari, akazvigura napakati uye akaronga hafu dzacho dzakatarisana; asi shiri haana kudzipamura napakati.
And he took unto him all these, and divided them in the midst, and laid each piece one opposite the other; but the birds he did not divide.
11 Ipapo shiri dzinodya nyama dzakaburukira panyama, asi Abhurama akadzidzinga.
And the birds of prey came down upon the carcasses; but Abram drove them away.
12 Zuva parakanga rovira, Abhurama akabatwa nehope huru, uye rima guru rinotyisa rakauya pamusoro pake.
And when the sun was about going down, a deep sleep fell upon Abram; and lo, a horror, dark and great, fell upon him.
13 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana.
And he said unto Abram, Know of a surety that thy seed shall be a stranger in a land which is not theirs, and they will make them serve, and they will afflict them four hundred years.
14 Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa, uye shure kwaizvozvo vachabuda vaine pfuma zhinji kwazvo.
And also that nation whom they shall serve, will I judge; and afterward shall they go out with great substance.
15 Kunyange zvakadaro, iwe uchaenda kumadzibaba ako norugare uye uchavigwa wakwegura kwazvo.
But thou shalt come to thy fathers in peace; thou shalt be buried in a good old age.
16 Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.”
Yet the fourth generation shall come hither again; for the iniquity of the Emorites will not be full until then.
17 Zuva rakati ravira, uye kwasviba, choto chinopfungaira utsi uye nomwenje unopfuta zvakaonekwa uye zvikapfuura napakati penhindi.
And it came to pass, when the sun had gone down, and it was dark, that behold a smoking furnace, and a burning flame, which passed between those pieces.
18 Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi,
On the same day the Lord made a covenant with Abram, saying, Unto thy seed have I given this land, from the river of Egypt unto the great river, the river Euphrates;
19 nyika yavaKeni, navaKenazi, vaKadhimoni,
The Kenites, and the Kenizzites, and the Kadmonites,
20 vaHiti, vaPerizi, vaRefaimi,
And the Hittites, and the Perizzites, and the Rephaim,
21 vaAmori, vaKenani, vaGirigashi navaJebhusi.”
And the Emorites, and the Canaanites, and the Girgashites, and the Jebusites.