< Genesisi 14 >

1 Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi
那時史納爾王阿默辣斐耳,厄拉撒爾王阿黎約客,厄蘭王革多爾老默爾,哥因王提達耳,
2 vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari).
興兵攻擊索多瑪王貝辣,哈摩辣王彼爾沙,阿德瑪王史納布,責波殷王舍默貝爾及貝拉即左哈爾王。
3 Madzimambo ose aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu).
那些王子會合於息丁山谷,即今日的鹽海。
4 Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu.
他們十二年之久隸屬於革多爾老默爾,在十三年上就背叛了。
5 Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwanana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi
在十四年上,革多爾老默爾率領與他聯盟的君王前來,在阿市塔特卡爾那殷擊敗了勒法因,在哈木擊敗了組斤,在克黎雅塔殷平原擊敗了厄明,
6 navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga.
在曷黎人的色依爾山擊敗了曷黎人,一直殺到靠近曠野的厄耳帕蘭;
7 Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari.
然後回軍轉到恩米市帕特,即卡德士,征服了阿瑪肋克人的全部領土,也征服了住在哈匝宗塔瑪爾的阿摩黎人。
8 Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi
索多瑪王哈摩辣王,阿德瑪王,責波殷王和貝拉即左哈爾王於是出來,在息丁山谷列陣,
9 kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu.
與厄蘭王革多爾老默爾,哥因王提達耳,史納爾王阿漠辣斐耳和厄拉撒爾王阿黎約客交戰:四個王子敵對五個王子。
10 Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo.
息丁山谷遍地是瀝青坑;索多瑪王和哈摩辣王逃跑時都跌在坑裏;其餘的人都逃到山裏去了。
11 Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda.
那四個王子劫走了索多瑪和哈摩辣所有的財物和一切食糧,
12 Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu.
連亞巴郎兄弟的兒子羅特和他的財物也帶走了,因為那時他正住在索多瑪。
13 Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, mununʼuna waEshikori naAneri, avo vose vainzwanana naAbhurama.
有個逃出的人跑來,將這事告訴了希伯來人亞巴郎,他那時住在阿摩黎人瑪默勒的橡樹區;這阿摩黎人原是亞巴郎的盟友厄市苛耳和阿乃爾的兄弟。
14 Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani.
亞巴郎一聽說他的親人被人擄去,遂率領家生的步兵三百一十八人,直追至丹。
15 Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko.
夜間又和自己的僕人分隊襲擊,將他們擊敗,直追至大馬士革以北的曷巴,
16 Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.
奪回了所有的財物,連他的親屬羅特和他的財物,以及婦女和人民都奪回來了。
17 Shure kwokudzoka kwaAbhurama akunda Kedhoraomeri namadzimambo akanga abatana naye, mambo weSodhomu akabuda kuti azosangana naye muMupata weShavhe (ndiwo Mupata waMambo).
亞巴郎擊敗革多老默爾和與他聯盟的王子回來時,索多瑪王出來,到沙委山谷,即「君王山谷」迎接他。
18 Ipapo Merikizedheki mambo weSaremu akamuvigira chingwa newaini. Akanga ari muprista waMwari Wokumusoro-soro,
撒冷王默基瑟德也帶了餅酒來,他是至高者天主的司祭,
19 uye akaropafadza Abhurama, achiti, “Abhurama ngaaropafadzwe naMwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi.
祝福他說:「願亞巴郎蒙受天地的主宰,至高者天主的祝福!
20 Uye Mwari Wokumusoro-soro ngaakudzwe, akaisa vavengi vako muruoko rwako.” Ipapo Abhurama akamupa chegumi chezvinhu zvose.
願將你的敵人交於你手中的至高者的天主受讚美! 」亞巴郎遂將所得的,拿出十分之一,給了默基瑟德。
21 Mambo weSodhomu akati kuna Abhurama, “Ndipe vanhu uzvichengetere hako pfuma.”
索多瑪王對亞巴郎說:「請你將人交給我,財物你都拿去罷! 」
22 Asi Abhurama akati kuna mambo weSodhomu, “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokumusoro-soro, Musiki wedenga napasi, uye ndakaita mhiko
亞巴郎卻對索多瑪王說:「我向上主、至高者天主、天地的主宰舉手起誓:
23 kuti handizogamuchiri chinhu chako, kunyange rushinda kana rukanda rweshangu, kuti urege kuzoti, ‘Ndakapfumisa Abhurama.’
凡屬於你的,連一根線,一根鞋帶,我也不拿,免得你說:我使亞巴郎發了財。
24 Handina chinhu chandinogamuchira kunze kwezvakadyiwa navanhu vangu uye mugove wavanhu vakaenda neni, Aneri, Shikori naMamure. Ngavatore mugove wavo ivavo.”
除僕從吃用了的以外,我什麼也不要;至於與我同行的人阿乃爾、厄市苛耳和瑪默勒所應得的一分,應讓他們拿去。」

< Genesisi 14 >