< Genesisi 13 >

1 Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye.
And Abram went up out of Egypt with his wife and all he had, and Lot with him, and they came in to the South.
2 Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe.
Now Abram had great wealth of cattle and silver and gold.
3 Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare
And travelling on from the South, he came to Beth-el, to the place where his tent had been before, between Beth-el and Ai;
4 uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.
To the place where he had made his first altar, and there Abram gave worship to the name of the Lord.
5 Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende.
And Lot, who went with him, had flocks and herds and tents;
6 Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete.
So that the land was not wide enough for the two of them: their property was so great that there was not room for them together.
7 Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerizi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo.
And there was an argument between the keepers of Abram's cattle and the keepers of Lot's cattle: at that time the Canaanites and Perizzites were still living in the land.
8 Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama.
Then Abram said to Lot, Let there be no argument between me and you, and between my herdmen and your herdmen, for we are brothers.
9 Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”
Is not all the land before you? then let us go our separate ways: if you go to the left, I will go to the right; or if you take the right, I will go to the left.
10 Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
And Lot, lifting up his eyes and looking an the valley of Jordan, saw that it was well watered everywhere, before the Lord had sent destruction on Sodom and Gomorrah; it was like the garden of the Lord, like the land of Egypt, on the way to Zoar.
11 Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana:
So Lot took for himself all the valley of Jordan, and went to the east, and they were parted from one another.
12 Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu.
Abram went on living in the land of Canaan, and Lot went to the lowland towns, moving his tent as far as Sodom.
13 Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo.
Now the men of Sodom were evil, and great sinners before the Lord.
14 Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira.
And the Lord had said to Abram, after Lot was parted from him, From this place where you are take a look to the north and to the south, to the east and to the west:
15 Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi.
For all the land which you see I will give to you and to your seed for ever.
16 Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo.
And I will make your children like the dust of the earth, so that if the dust of the earth may be numbered, then will your children be numbered.
17 Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.”
Come, go through all the land from one end to the other for I will give it to you.
18 Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
And Abram, moving his tent, came and made his living-place by the holy tree of Mamre, which is in Hebron, and made an altar there to the Lord.

< Genesisi 13 >