< Genesisi 12 >
1 Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.
And Jehovah had said to Abram, Go out of thy land, and from thy kindred, and from thy father's house, to the land that I will shew thee.
2 “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo.
And I will make of thee a great nation, and bless thee, and make thy name great; and thou shalt be a blessing.
3 Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.”
And I will bless them that bless thee, and curse him that curseth thee; and in thee shall all families of the earth be blessed.
4 Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani.
And Abram departed as Jehovah had said to him. And Lot went with him. And Abram was seventy-five years old when he departed out of Haran.
5 Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
And Abram took Sarai his wife, and Lot his brother's son, and all their possessions that they had acquired, and the souls that they had obtained in Haran, and they went out to go into the land of Canaan; and into the land of Canaan they came.
6 Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika.
And Abram passed through the land to the place of Shechem, to the oak of Moreh. And the Canaanite was then in the land.
7 Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari.
And Jehovah appeared to Abram, and said, Unto thy seed will I give this land. And there he built an altar to Jehovah who had appeared to him.
8 Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha.
And he removed thence towards the mountain on the east of Bethel, and pitched his tent, [having] Bethel toward the west, and Ai toward the east; and there he built an altar to Jehovah, and called on the name of Jehovah.
9 Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
And Abram moved onward, going on still toward the south.
10 Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo.
And there was a famine in the land. And Abram went down to Egypt to sojourn there, for the famine was grievous in the land.
11 Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa.
And it came to pass when he was come near to enter into Egypt, that he said to Sarai his wife, Behold now, I know that thou art a woman fair to look upon.
12 Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu.
And it will come to pass when the Egyptians see thee, that they will say, She is his wife; and they will slay me, and save thee alive.
13 Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”
Say, I pray thee, thou art my sister, that it may be well with me on thy account, and my soul may live because of thee.
14 Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo.
And it came to pass when Abram came into Egypt, that the Egyptians beheld the woman that she was very fair.
15 Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake.
And the princes of Pharaoh saw her, and praised her to Pharaoh; and the woman was taken into Pharaoh's house.
16 Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.
And he treated Abram well on her account; and he had sheep, and oxen, and he-asses, and bondmen, and bondwomen, and she-asses, and camels.
17 Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama.
And Jehovah plagued Pharaoh and his house with great plagues because of Sarai Abram's wife.
18 Saka Faro akadana Abhurama akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako?
And Pharaoh called Abram, and said, What is this thou hast done to me? Why didst thou not tell me that she was thy wife?
19 Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!”
Why didst thou say, She is my sister, so that I took her as my wife. And now, behold, there is thy wife: take [her], and go away.
20 Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.
And Pharaoh commanded [his] men concerning him, and they sent him away, and his wife, and all that he had.