+ Genesisi 1 >

1 Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.
In the beginning God created the heaven and the earth.
2 Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.
And the earth was waste and void; and darkness was upon the face of the deep: and the spirit of God moved upon the face of the waters.
3 Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
And God said, Let there be light: and there was light.
4 Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.
And God saw the light, that it was good: and God divided the light from the darkness.
5 Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.
And God called the light Day, and the darkness he called Night. And there was evening and there was morning, one day.
6 Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”
And God said, Let there be a firmament in the midst of the waters, and let it divide the waters from the waters.
7 Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.
And God made the firmament, and divided the waters which were under the firmament from the waters which were above the firmament: and it was so.
8 Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.
And God called the firmament Heaven. And there was evening and there was morning, a second day.
9 Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.
And God said, Let the waters under the heaven be gathered together unto one place, and let the dry land appear: and it was so.
10 Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
And God called the dry land Earth; and the gathering together of the waters called he Seas: and God saw that it was good.
11 Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.
And God said, Let the earth put forth grass, herb yielding seed, [and] fruit tree bearing fruit after its kind, wherein is the seed thereof, upon the earth: and it was so.
12 Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
And the earth brought forth grass, herb yielding seed after its kind, and tree bearing fruit, wherein is the seed thereof, after its kind: and God saw that it was good.
13 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.
And there was evening and there was morning, a third day.
14 Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,
And God said, Let there be lights in the firmament of the heaven to divide the day from the night; and let them be for signs, and for seasons, and for days and years:
15 uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.
and let them be for lights in the firmament of the heaven to give light upon the earth: and it was so.
16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.
And God made the two great lights; the greater light to rule the day, and the lesser light to rule the night: [he made] the stars also.
17 Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,
And God set them in the firmament of the heaven to give light upon the earth,
18 kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
and to rule over the day and over the night, and to divide the light from the darkness: and God saw that it was good.
19 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.
And there was evening and there was morning, a fourth day.
20 Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”
And God said, Let the waters bring forth abundantly the moving creature that hath life, and let fowl fly above the earth in the open firmament of heaven.
21 Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
And God created the great sea-monsters, and every living creature that moveth, which the waters brought forth abundantly, after their kinds, and every winged fowl after its kind: and God saw that it was good.
22 Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”
And God blessed them, saying, Be fruitful, and multiply, and fill the waters in the seas, and let fowl multiply in the earth.
23 Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.
And there was evening and there was morning, a fifth day.
24 Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo.
And God said, Let the earth bring forth the living creature after its kind, cattle, and creeping thing, and beast of the earth after its kind: and it was so.
25 Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
And God made the beast of the earth after its kind, and the cattle after their kind, and every thing that creepeth upon the ground after its kind: and God saw that it was good.
26 Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”
And God said, Let us make man in our image, after our likeness: and let them have dominion over the fish of the sea, and over the fowl of the air, and over the cattle, and over all the earth, and over every creeping thing that creepeth upon the earth.
27 Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
And God created man in his own image, in the image of God created he him; male and female created he them.
28 Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”
And God blessed them: and God said unto them, Be fruitful, and multiply, and replenish the earth, and subdue it; and have dominion over the fish of the sea, and over the fowl of the air, and over every living thing that moveth upon the earth.
29 Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.
And God said, Behold, I have given you every herb yielding seed, which is upon the face of all the earth, and every tree, in the which is the fruit of a tree yielding seed; to you it shall be for meat:
30 Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.
and to every beast of the earth, and to every fowl of the air, and to every thing that creepeth upon the earth, wherein there is life, [I have given] every green herb for meat: and it was so.
31 Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.
And God saw every thing that he had made, and, behold, it was very good. And there was evening and there was morning, the sixth day.

+ Genesisi 1 >