< VaGaratia 1 >

1 Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,
人々からでもなく、人によってでもなく、イエス・キリストと彼を死人の中からよみがえらせた父なる神とによって立てられた使徒パウロ、
2 nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia:
ならびにわたしと共にいる兄弟たち一同から、ガラテヤの諸教会へ。
3 Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu,
わたしたちの父なる神と主イエス・キリストから、恵みと平安とが、あなたがたにあるように。
4 akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, (aiōn g165)
キリストは、わたしたちの父なる神の御旨に従い、わたしたちを今の悪の世から救い出そうとして、ご自身をわたしたちの罪のためにささげられたのである。 (aiōn g165)
5 ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. (aiōn g165)
栄光が世々限りなく神にあるように、アァメン。 (aiōn g165)
6 Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri,
あなたがたがこんなにも早く、あなたがたをキリストの恵みの内へお招きになったかたから離れて、違った福音に落ちていくことが、わたしには不思議でならない。
7 risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.
それは福音というべきものではなく、ただ、ある種の人々があなたがたをかき乱し、キリストの福音を曲げようとしているだけのことである。
8 Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!
しかし、たといわたしたちであろうと、天からの御使であろうと、わたしたちが宣べ伝えた福音に反することをあなたがたに宣べ伝えるなら、その人はのろわるべきである。
9 Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
わたしたちが前に言っておいたように、今わたしは重ねて言う。もしある人が、あなたがたの受けいれた福音に反することを宣べ伝えているなら、その人はのろわるべきである。
10 Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
今わたしは、人に喜ばれようとしているのか、それとも、神に喜ばれようとしているのか。あるいは、人の歓心を買おうと努めているのか。もし、今もなお人の歓心を買おうとしているとすれば、わたしはキリストの僕ではあるまい。
11 Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.
兄弟たちよ。あなたがたに、はっきり言っておく。わたしが宣べ伝えた福音は人間によるものではない。
12 Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.
わたしは、それを人間から受けたのでも教えられたのでもなく、ただイエス・キリストの啓示によったのである。
13 Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.
ユダヤ教を信じていたころのわたしの行動については、あなたがたはすでによく聞いている。すなわち、わたしは激しく神の教会を迫害し、また荒しまわっていた。
14 Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.
そして、同国人の中でわたしと同年輩の多くの者にまさってユダヤ教に精進し、先祖たちの言伝えに対して、だれよりもはるかに熱心であった。
15 Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo
ところが、母の胎内にある時からわたしを聖別し、み恵みをもってわたしをお召しになったかたが、
16 kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,
異邦人の間に宣べ伝えさせるために、御子をわたしの内に啓示して下さった時、わたしは直ちに、血肉に相談もせず、
17 uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.
また先輩の使徒たちに会うためにエルサレムにも上らず、アラビヤに出て行った。それから再びダマスコに帰った。
18 Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu.
その後三年たってから、わたしはケパをたずねてエルサレムに上り、彼のもとに十五日間、滞在した。
19 Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe.
しかし、主の兄弟ヤコブ以外には、ほかのどの使徒にも会わなかった。
20 Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema.
ここに書いていることは、神のみまえで言うが、決して偽りではない。
21 Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia.
その後、わたしはシリヤとキリキヤとの地方に行った。
22 Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu.
しかし、キリストにあるユダヤの諸教会には、顔を知られていなかった。
23 Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.”
ただ彼らは、「かつて自分たちを迫害した者が、以前には撲滅しようとしていたその信仰を、今は宣べ伝えている」と聞き、
24 Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
わたしのことで、神をほめたたえた。

< VaGaratia 1 >